< Luke 2 >
1 About that time, Cesar Augustus issued an edict, that all the inhabitants of the empire should be registered.
Mumazuva iwayo Kesari Ogasitasi akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe.
2 (This first register took effect, when Cyrenius was president of Syria.)
Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria.
3 When all went to be registered, every one of his own city,
Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa.
4 Joseph also went from Nazareth, a city of Galilee, to a city of David in Judea, called Bethlehem, (for he was of the house and lineage of David, )
Saka Josefawo akakwidza achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi neworudzi rwake.
5 to be registered, with Mary, his betrothed wife, who was pregnant.
Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri.
6 While they were there, the time came, that she should be delivered.
Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika,
7 And she brought forth her first born son, and swathed him, and laid him in a manger, because there was no room for them in the house allotted to strangers.
akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.
8 Now there were shepherds in the fields in that country, who tended their flocks by turns through the night watches.
Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku.
9 On a sudden, an angel of the Lord stood by them, and a divine glory encompassed them with light, and they were frightened exceedingly.
Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomberedza, uye vakatya kwazvo.
10 But the angel said to them, Fear not; for lo! I bring you good tidings, which shall prove matter of great joy to all the people;
Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.
11 because to-day is born to you in the city of David, a Saviour, who is the Lord Messiah.
Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.
12 And by this you shall know him; you shall find a babe in swaddling bands, lying in a manger.
Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”
13 Instantly the angel was attended by a multitude of the heavenly host, who praised God, saying,
Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti:
14 Glory to God in the highest heaven, and on earth peace, and good will amongst men!
“Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”
15 And when the angels returned to heaven, having left the shepherds, these said to one another, Let us go to Bethlehem, and see this which has happened, of which the Lord has informed us.
Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.”
16 And hastening thither, they found Mary and Joseph with the babe, who lay in the manger.
Saka vakakurumidza kusimuka vakaenda vakandowana Maria naJosefa, nomwana, akanga avete muchidyiro chezvipfuwo.
17 When they saw this, they published what had been imparted to them, concerning this child.
Vakati vamuona, vakaparadzira shoko maererano nezvakanga zvataurwa pamusoro pomwana uyu,
18 And all who heard it, wondered at the things told them by the shepherds.
uye vose vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakataurirwa navafudzi.
19 But Mary let none of these things escape unobserved, weighing every circumstance within herself.
Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make.
20 And the shepherds returned, glorifying and praising God, for all that they had heard and seen, agreeably to what had been declared to them.
Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa.
21 On the eighth day, when the child was circumcised, they called him Jesus, the angel having given him that name, before his mother conceived him.
Pazuva rorusere, nguva yokudzingiswa kwake yasvika, akatumidzwa zita rokuti Jesu, zita raakanga apiwa nomutumwa asati aumbwa mudumbu.
22 And when the time of their purification was expired, they carried him to Jerusalem, as the law of Moses appoints, to present him to the Lord;
Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She
23 (as it is written in the law of God, "Every male, who is the first born of his mother, is consecrated to the Lord:")
sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa Ishe,”
24 and to offer the sacrifices enjoined in the law, a pair of turtle doves, or two young pigeons.
uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”
25 Now there was at Jerusalem a man named Simeon, a just and religious man, who expected the consolation of Israel; and the Holy Spirit was upon him,
Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake.
26 and had revealed to him, that he should not dies, until he had seen the Lord's Messiah.
Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe.
27 This man came, guided by the Spirit, into the temple. And when the parents brought in the child Jesus, to do for him what the law required,
Akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro,
28 he took him into his arms, and blessed God, and said,
Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:
29 Now, Lord, thou dost in peace dismiss thy servant, according to thy word;
“Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa, zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.
30 for my eyes have seen the Saviour,
Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31 whom thou hast provided in the sight of all the world,
rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,
32 a luminary to enlighten the nations, and to be the glory of Israel thy people.
chiedza chinovhenekera veDzimwe Ndudzi uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”
33 And Joseph, and the mother of Jesus heard, with admiration, the things spoken concerning him.
Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.
34 And Simeon blessed them, and said to Mary his mother, This child is destined for the fall and the rise of many in Israel, to serve as a mark for contradiction;
Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,
35 (yes, you own soul shall be pierced as with a javelin; ) that the thoughts of many hearts may be disclosed.
kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”
36 There was also a prophetess, Anna, daughter of Phanuel, of the tribe of Asher, in advanced age, who had lived seven years with a husband, whom she married when a virgin;
Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,
37 and being now a widow about eighty-four years, departed not from the temple, but served God in prayer and fasting night and day;
ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.
38 she also coming in at that instant, gave thanks to the Lord, and spoke concerning Jesus to all those in Jerusalem who expected redemption.
Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.
39 After they had performed everything required by the law of the Lord, they returned to Galilee, to their own city Nazareth.
Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta.
40 And the child grew, and acquired strength of mind, being filled with wisdom, and adorned with a divine gracefulness.
Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.
41 Now, the parents of Jesus went yearly to Jerusalem at the feast of the passover.
Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika.
42 And when he was twelve years old, they having gone thither, according to the usage of the festival, and remained the customary time;
Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwidza naye kuMutambo, maererano netsika yavo.
43 being on their return, the child Jesus staid behind in Jerusalem, and neither Joseph nor his mother knew it.
Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.
44 They supposing him to be in the company, went a day's journey, and then sought him among their relations and acquaintances;
Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo.
45 but not finding him, they returned to Jerusalem, seeking him.
Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka.
46 And after three days they found him in the temple, sitting among the doctors, both hearing them, and asking them questions.
Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera uye achivabvunza mibvunzo.
47 And all who heard him, were amazed at his understanding and answers,
Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake.
48 and they beheld him with astonishment. And his mother said to him, Son, why have you treated us thus? Behold, your father and I have sought you with sorrow.
Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.”
49 He answered, Why did you seek me? Did you not know that I must be in the courts of my Father?
Iye akati, “Manga muchinditsvakireiko? Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?”
50 But they did not comprehend his answer.
Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
51 And he returned with them to Nazareth, and was subject to them. And his mother treasured up all these things in her memory.
Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo.
52 And Jesus advanced in wisdom, and stature, and in power with God and man.
Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, achidiwa naMwari uye navanhu.