< John 7 >
1 After this, Jesus traveled about in Galilee, for he would not reside in Judea, because the Jews sought to kill him.
Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya.
2 Now, the Jewish feast of tabernacles was near.
Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,
3 His brothers, therefore, said to him, Leave this country, and go to Judea, that your disciples may also see the works which you do.
vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.
4 For whoever courts renown, does nothing in secret: since you perform such things, show yourself to the world.
Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”
5 (For not even his brothers believed on him.)
Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.
6 Jesus answered, My time is not yet come; any time will suit you.
Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka.
7 The world can not hate you; but me it hates, because I disclose the wickedness of its actions.
Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa.
8 Go you to this festival: I go not thither, because it is not my time.
Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.”
9 Having said this, he remained in Galilee.
Akati areva izvi, akagara muGarirea.
10 But when his brothers were gone, he also went to the festival; not publicly, but rather privately.
Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanunʼuna vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.
11 At the festival, the Jews inquired after him, and said, Where is he?
Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Murume uya aripiko?”
12 And there was much whispering among the people concerning him. Some said, He is a good man. Others, No; he seduces the multitude.
Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”
13 No person, however, spoke freely of him, for fear of the Jews.
Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.
14 About the middle of the festival, Jesus went into the temple, and was teaching.
Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa.
15 And the Jews said with astonishment, Whence comes this man's learning, who was never taught?
VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”
16 Jesus made answer, My doctrine is not mine, but his who sent me.
Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma.
17 If any one will do his will, he shall discern whether my doctrine proceeds from God, or from myself.
Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.
18 Whosoever teaches what proceeds from himself, seeks to promote his own glory: whosoever seeks to promote the glory of him who sent him, deserves credit, and is a stranger to deceit.
Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.
19 Did not Moses give you the law? Yet none of you keeps the law. Why do you seek to kill me?
Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?”
20 The people answered, You are possessed. Who seeks to kill you.
Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?”
21 Jesus replied, I have performed one action, which surprises you all.
Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo.
22 Moses instituted circumcision among you, (not that it is from Moses, but from the patriarchs, ) and you circumcise on the Sabbath.
Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata.
23 If, on the Sabbath, a man receive circumcision, that the law of Moses may not be violated; are you incensed against me, because, on the Sabbath, I have cured a man, whose whole body was disabled?
Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata?
24 Judge not from personal regards, but judge according to justice.
Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”
25 Then some inhabitants of Jerusalem, said, Is not this he whom they seek to kill?
Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye murume uya wavari kuedza kuuraya here?
26 Lo! he speaks boldly, and they say nothing to him. Do the rulers, indeed, acknowledge that this is the Messiah?
Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu?
27 But we know whence this man is; whereas, when the Messiah shall come, no person will know whence he is.
Asi tinoziva kunobva murume uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.”
28 Jesus, who was then teaching in the temple, cried, Do you know both who, and whence I am? I came not of myself. But he is true, who sent me, whom you know not.
Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi,
29 As for me, I know him, because I came from him, and am commissioned by him.
asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.”
30 Then they sought to apprehend him, but none laid hands on him; for his hour was not yet come.
Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika.
31 Many of the people, however, believed on him, and said, When the Messiah shall come, will he do more miracles than this man does?
Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?”
32 When the Pharisees heard that the people muttered such things concerning him, they and the chief priests dispatched officers to seize him.
VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga.
33 Jesus, therefore, said, Yet a little while I remain with you; then I go to him who sent me.
Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye mushure maizvozvo ndichazoenda kuna iye akandituma.
34 You shall seek me, but shall not find me; nor be able to come where I am.
Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.”
35 The Jews said, among themselves, Whither will he go, that we shall not find him? Will he go to the dispersed Greeks, and teach the Greeks?
VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki?
36 What does he mean, by saying, You shall seek me, but shall not find me, nor be able to get thither, where I shall be.
Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?”
37 On the last, and greatest day of the festival, Jesus stood and cried, saying, If any man thirst, let him come to me, and drink.
Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa.
38 He who believes on me, as the scripture says, shall be like a cistern, whence rivers of living waters shall flow.
Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”
39 This he spoke of the Spirit, which they who believed on him were to receive; for the Holy Spirit was not yet given, because Jesus was not yet glorified.
Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati apinda mukubwinya kwake.
40 Many of the people having heard what was spoken, said, This is certainly the prophet.
Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.”
41 Some said, This is the Messiah. Others, does the Messiah come from Galilee?
Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea?
42 Does not the scripture say, that the Messiah will be of the posterity of David, and come from Bethlehem, the village whence David was?
Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?”
43 Thus the people were divided concerning him;
Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu.
44 and some of them would have seized him, but no person laid hands upon him.
Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari.
45 Then the officers returned to the chief priests and Pharisees, who asked them, Wherefore have you not brought him?
Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?”
46 The officers answered, Never man spoke like this man.
Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.”
47 The Pharisees replied, Are you also seduced?
VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo?
48 Has any of the rulers, or of the Pharisees, believed on him?
Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here?
49 But this populace, which knows not the law, is accursed.
Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.”
50 Nicodemus, one of themselves, (he who came to Jesus by night, )
Nikodhimasi, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati,
51 said to them, Does our law permit us to condemn a man, without hearing him, and knowing what he has done?
“Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?”
52 They answered him, Are you also a Galilean? Search, and you will find that prophets arise not out of Galilee.
Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarirea? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.”
53 Then every man went to his own house;
Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.