< Judges 9 >
1 And Abimelech son of Jerubba‘al goes to Shechem, to his mother’s brothers, and speaks to them, and to all the family of the house of his mother’s father, saying,
Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhaari akaenda kuhanzvadzi dzamai vake vaiva muShekemu akati kwavari uye nokuna vose veimba yamai vake,
2 “Now speak in the ears of all the masters of Shechem, Which [is] good for you—seventy men ruling over you (all the sons of Jerubba‘al), or one man ruling over you? And you have remembered that I [am] your bone and your flesh.”
“Bvunzai vose vanogara muShekemu kuti, ‘Zviri nani kwamuri ndezvipi: Kuti mutongwe navanakomana vose vaJerubhi-Bhaari vari makumi manomwe kana kungotongwa nomunhu mumwe chete?’ Murangarire kuti ini ndiri nyama neropa renyu.”
3 And his mother’s brothers speak concerning him, in the ears of all the masters of Shechem, all these words, and their heart inclines after Abimelech, for they said, “He [is] our brother”;
Hanzvadzi dzamai vake dzakarondedzerazve zvose izvi kuvagari veShekemu, vakada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, “Ihama yedu.”
4 and they give seventy [pieces] of silver out of the house of Ba‘al-Berith to him, and Abimelech hires vain and unstable men with them, and they go after him;
Vakamupa mashekeri esirivha makumi manomwe aibva mutemberi yaBhaari-Bheriti, uye Abhimereki akaishandisa kutenga varume vakanga vakaipa uye vasina tsitsi, vakava vateveri vake.
5 and he goes into the house of his father at Ophrah, and slays his brothers, sons of Jerubba‘al, seventy men, on one stone; and Jotham, youngest son of Jerubba‘al, is left, for he was hidden.
Akaenda kuimba yababa vake muOfira uye akaponda paruware rumwe chete vanakomana vababa vake makumi manomwe, ivo vanakomana vaJerubhi-Bhaari. Asi Jotamu, muduku pane vose kuvanakomana vaJerubhi-Bhaari, akapunyuka nokuti akavanda.
6 And all the masters of Shechem are gathered together, and all the house of Millo, and come and cause Abimelech to reign for king at the oak of the camp which [is] in Shechem;
Ipapo vagari vose vomuShekemu nokuBheti Miro vakaungana parutivi pomuti mukuru pambiru iri muShekemu kuti vagadze Abhimereki samambo.
7 and they declare [it] to Jotham, and he goes and stands on the top of Mount Gerizim, and lifts up his voice, and calls, and says to them, “Listen to me, O masters of Shechem, and God listens to you:
Jotamu akati azvinzwa, akakwira pamusoro peGomo reGerizimu akadanidzira kwavari akati, “Nditeererei imi vagari veShekemu, kuti Mwari agoteerera kwamuri.
8 The trees have diligently gone to anoint a king over them, and they say to the olive, Reign over us.
Rimwe zuva miti yakabuda kundozodza mambo wayo. Vakati kumuti womuOrivhi, ‘Iva mambo wedu.’
9 And the olive says to them, Have I ceased from my fatness, by which they honor gods and men, that I have gone to stagger over the trees?
“Asi muti womuOrivhi wakapindura ukati, ‘Ko, ndingada kusiya mafuta angu, anoremekedzwa nezvose, vamwari navanhu, kuti ndinozengaira hangu pamusoro pemiti here?’
10 And the trees say to the fig, Come, reign over us.
“Shure kwaizvozvo, miti yakati kumuonde, ‘Uya uzova mambo wedu.’
11 And the fig says to them, Have I ceased from my sweetness, and my good increase, that I have gone to stagger over the trees?
“Asi muonde wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya muchero wangu, wakanaka kudai uye unotapira, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’
12 And the trees say to the vine, Come, reign over us.
“Ipapo miti ikati kumuzambiringa, ‘Uya uzova mambo wedu.’
13 And the vine says to them, Have I ceased from my new wine, which is making gods and men glad, that I have gone to stagger over the trees?
“Asi muzambiringa wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya waini yangu inofadza vose vamwari navanhu, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’
14 And all the trees say to the bramble, Come, reign over us.
“Pakupedzisira, miti yose yakati kurukato, ‘Uya uve mambo wedu.’
15 And the bramble says to the trees, If in truth you are anointing me for king over you, come, take refuge in my shadow; and if not—fire comes out from the bramble, and devours the cedars of Lebanon.
“Rukato rukati kumiti, ‘Kana muchida kundizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, uyai muvande pamumvuri wangu; asi kana zvisizvo, moto ngaubude murukato ugopisa misidhari yeRebhanoni!’
16 And now, if you have acted in truth and in sincerity when you make Abimelech king; and if you have done good with Jerubba‘al, and with his house; and if you have done to him according to the deed of his hands—
“Zvino kana imi makaita zvinokudzwa uye zvakatendeka pamakaita Abhimereki mambo, uye kana makaita zvakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nokumhuri yake, uye kana makamubata sezvaanofanira,
17 because my father has fought for you, and casts his life away from [him], and delivers you from the hand of Midian;
uye nokufunga kuti baba vangu vakakurwirai, vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vakununurei kubva muruoko rweMidhiani
18 and you have risen against the house of my father today, and slay his sons, seventy men, on one stone, and cause Abimelech son of his handmaid to reign over the masters of Shechem, because he [is] your brother—
(asi nhasi mapandukira mhuri yababa vangu, mukaponda vanakomana vavo makumi manomwe padombo rimwe chete, uye mukaisa Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wavo kuti ave mambo pamusoro pavagere muShekemu nokuda kwokuti ihama yenyu),
19 indeed, if in truth and in sincerity you have acted with Jerubba‘al and with his house this day, rejoice in Abimelech, and he rejoices—even he—in you;
kana zvino makaita norukudzo uye nokutenda kwakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nemhuri yake, nhasi Abhimereki ngaave mufaro wenyu, nemiwo muve wakewo!
20 and if not—fire comes out from Abimelech and devours the masters of Shechem and the house of Millo, and fire comes out from the masters of Shechem and from the house of Millo, and devours Abimelech.”
Asi kana musina kudaro, moto ngaubude kubva kuna Abhimereki, uye uparadze imi, vagari veShekemu neBheti Miro, uye moto ngaubude kwamuri, vagari veShekemu neBheti Miro, ugoparadza Abhimereki!”
21 And Jotham hurries, and flees, and goes to Beer, and dwells there, from the face of his brother Abimelech.
Ipapo Jotamu akatiza, akapunyukira kuBheeri, uye akagara ikoko nokuti akanga achitya mukoma wake Abhimereki.
22 And Abimelech is prince over Israel [for] three years,
Shure kwamakore matatu aAbhimereki achitonga Israeri,
23 and God sends an evil spirit between Abimelech and the masters of Shechem, and the masters of Shechem deal treacherously with Abimelech,
Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navagari vomuShekemu, ukanyengera Abhimereki.
24 for [the] coming in of [the] violence [against] seventy sons of Jerubba‘al, and to place their blood on their brother Abimelech, who slew them, and on the masters of Shechem, who strengthened his hands to slay his brothers.
Mwari akaita izvi kuitira kuti zvakaipa zvakaitirwa vanakomana makumi manomwe vaJerubhi-Bhaari, kuteurwa kweropa ravo, kutsiviwe pamusoro pomununʼuna wavo Abhimereki uye napamusoro pavagari veShekemu, avo vakanga vamubatsira kuponda vanakomana vababa vake.
25 And the masters of Shechem set ambushes for him on the top of the hills, and rob everyone who passes over by them in the way, and it is declared to Abimelech.
Mukumurwisa kwavo, vagari ava veShekemu vakaisa varume pamusoro pezvikomo kuti vavandire nokupamba mumwe nomumwe aipfuura, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.
26 And Gaal son of Ebed comes—also his brothers—and they pass over into Shechem, and the masters of Shechem trust in him,
Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akaenda navanunʼuna vake kundogara muShekemu, uye vagari vomo vakavimba naye.
27 and go out into the field, and gather their vineyards, and tread, and make praises, and go into the house of their god, and eat and drink, and revile Abimelech.
Vakaenda kuminda vakandounganidza mazambiringa vakaasvina uye vakaita mutambo. Vakapinda mutemberi yamwari wavo, vakadya vakanwa uye vakatuka Abhimereki.
28 And Gaal son of Ebed says, “Who [is] Abimelech, and who [is] Shechem, that we serve him? Is [he] not son of Jerubba‘al? And his commander Zebul? The men of Hamor father of Shechem serve you, and why do we serve him—we?
Ipapo Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki ndianiko uye Shekemu ndianiko, kuti tive varanda vake? Ko, haazi mwanakomana waJerubhi-Bhaari, uye Zebhuri haazi mutevedzeri wake here? Shandirai vanhu vaHamori, baba vaShekemu! Seiko tichishandira Abhimereki?
29 And oh that this people were in my hand—then I turn Abimelech aside”; and he says to Abimelech, “Increase your host, and come out.”
Dai chete vanhu ava vanga vari pasi pangu! Ipapo ndaimubvisa. Ndaizoti kuna Abhimereki, ‘Dana hondo yako yose!’”
30 And Zebul, prince of the city, hears the words of Gaal son of Ebed, and his anger burns,
Zebhuri mubati weguta akati anzwa zvakataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa zvikuru.
31 and he sends messengers to Abimelech deceitfully, saying, “Behold, Gaal son of Ebed and his brothers are coming into Shechem, and behold, they are fortifying the city against you;
Akatuma nhume kuna Abhimereki muchivande achiti, “Gaari mwanakomana waEbhedhi uye navanunʼuna vake vakasvika kuShekemu uye vari kukuchidzira guta kuti rikurwisei.
32 and now, rise by night, you and the people who [are] with you, and lay wait in the field,
Saka zvino, usiku, imi navanhu venyu munofanira kuzovandira muri muminda.
33 and it has been, in the morning, about the rising of the sun, you rise early, and have pushed against the city; and behold, he and the people who [are] with him are going out to you—and you have done to him as your hand finds.”
Panguva dzamangwanani, zuva robuda, mupinde murwise guta. Panouya Gaari navanhu vake kuti vabude kuzorwa nemi, muite zvose zvamunogona noruoko rwenyu.”
34 And Abimelech rises, and all the people who [are] with him, by night, and they lay wait against Shechem—four detachments;
Saka Abhimereki namauto ake akasimuka usiku akaenda kunzvimbo dzakavanda pedyo neShekemu mumapoka mana.
35 and Gaal son of Ebed goes out, and stands at the opening of the gate of the city, and Abimelech rises—also the people who [are] with him—from the ambush,
Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akanga abuda uye akanga amire pamukova wamasuo eguta apo Abhimereki navarwi vake vakasimuka pavakanga vakavanda.
36 and Gaal sees the people and says to Zebul, “Behold, people are coming down from the top of the hills”; and Zebul says to him, “You are seeing the shadow of the hills like men.”
Gaari akati achivaona, akati kuna Zebhuri, “Tarira, vanhu vari kuburuka kubva pamusoro pamakomo!” Zebhuri akapindura akati, “Uri kuona mimvuri yamakomo savanhu iwe.”
37 And Gaal adds yet to speak and says, “Behold, people are coming down from the high part of the land, and another detachment is coming by the way of the oak of Meonenim.”
Asi Gaari akadanidzirazve akati, “Tarira vanhu vari kuburuka kubva pakati penyika, rimwe boka riri kubva nenzira yomuti wavavuki.”
38 And Zebul says to him, “Where [is] your mouth now, in that you say, Who [is] Abimelech that we serve him? Is this not the people against which you have kicked? Please go out now and fight against it.”
Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Kutaura kwako kukuru kuripiko zvino, iyewe waiti, ‘Abhimereki ndianiko kuti isu tive varanda kwaari?’ Handiti ava ndivo vanhu vawaizvidza here? Chibuda undorwa navo!”
39 And Gaal goes out before the masters of Shechem, and fights against Abimelech,
Saka Gaari akabuda akatungamirira vanhu veShekemu akarwa naAbhimereki.
40 and Abimelech pursues him, and he flees from his presence, and many fall wounded—to the opening of the gate.
Abhimereki akamudzinganisa uye vazhinji vakafa vakuvadzwa mukutiza uku nzira yose kusvikira pamukova wokupinda pasuo reguta.
41 And Abimelech abides in Arumah, and Zebul casts out Gaal and his brothers from dwelling in Shechem.
Abhimereki akagara muAruma, uye Zebhuri akadzinga Gaari navanunʼuna vake muShekemu.
42 And it comes to pass, on the next day, that the people go out to the field, and they declare [it] to Abimelech,
Fume mangwana vanhu veShekemu vakabuda vakaenda kuminda, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.
43 and he takes the people, and divides them into three detachments, and lays wait in a field, and looks, and behold, the people are coming out from the city, and he rises against them, and strikes them.
Saka akatora vanhu vake, akavakamura akavaisa mumapoka matatu akavandira musango. Akati achiona vanhu vachibuda muguta, akasimuka kuti avarwise.
44 And Abimelech and the detachments who [are] with him have pushed on, and stand at the opening of the gate of the city, and the two detachments have pushed against all who are in the field, and strike them,
Abhimereki namapoka aakanga anawo vakamhanyira pamukova wokupinda pasuo reguta. Ipapo mapoka maviri akamhanyira vaya vakanga vari kuminda vakavauraya.
45 and Abimelech has fought against the city all that day, and captures the city, and has slain the people who [are] in it, and he breaks down the city, and sows it [with] salt.
Zuva rose iroro, Abhimereki akarwisa kwazvo guta kusvikira aritapa uye auraya vanhu varo. Ipapo akaparadza guta uye akakusha munyu pamusoro paro.
46 And all the masters of the Tower of Shechem hear, and go into the high place of the house of the god Berith,
Vachinzwa izvi vagari vomushongwe yeShekemu, vakapinda munhare dzetemberi yaEri-Bheriti.
47 and it is declared to Abimelech that all the masters of the Tower of Shechem have gathered themselves together,
Abhimereki akati anzwa kuti vakanga vakaungana ipapo,
48 and Abimelech goes up to Mount Zalmon, he and all the people who [are] with him, and Abimelech takes the great axe in his hand, and cuts off a bough of the trees, and lifts it up, and sets [it] on his shoulder, and says to the people who [are] with him, “What you have seen me do—hurry, do as I [have done].”
Iye navanhu vake vose vakakwira muGomo reZarimoni. Akatora demo akagura matavi, akaasimudza akaaisa pamapfudzi ake. Akarayira varume vaaiva navo akati, “Kurumidzai! Itai zvamandiona ndichiita!”
49 And every one of the people cuts down his bough and goes after Abimelech, and sets [them] at the high place, and burns the high place with fire by these, and also all the men of the Tower of Shechem die—about one thousand men and women.
Saka varume vose vakagura matavi vakatevera Abhimereki. Vakaatutira pamusoro penhare ndokuitungidza nomoto vanhu vari mukati. Saka vanhu vose vaiva mushongwe yeShekemu, varume navakadzi vanenge chiuru chimwe chete vakafawo.
50 And Abimelech goes to Thebez, and encamps against Thebez, and captures it,
Shure kwaizvozvo Abhimereki akaenda kuTebhezi akarikomba uye akaritapa.
51 and a strong tower has been in the midst of the city, and all the men and the women flee there, and all the masters of the city, and they shut [it] behind them, and go up on the roof of the tower.
Kunyange zvakadaro, mukati meguta makanga mune shongwe yakasimba, munova ndimo makatizira varume vose navakadzi, navanhu vose veguta. Vakazvikiyira mukati vakakwira padenga reshongwe.
52 And Abimelech comes to the tower, and fights against it, and draws near to the opening of the tower to burn it with fire,
Abhimereki akaenda kushongwe iyo uye akairwisa. Asi akati achiswedera pamukova weshongwe kuti aipise nomoto,
53 and a certain woman casts a piece of a millstone on the head of Abimelech, and breaks his skull,
mukadzi akakanda guyo pamusoro pake rikatsemura dehenya rake.
54 and he calls quickly to the young man carrying his weapons and says to him, “Draw your sword, and you have put me to death, lest they say of me—A woman slew him”; and his young man pierced him through, and he dies.
Pakarepo akadana mutakuri wenhumbi dzake dzokurwa akati, “Vhomora munondo wako undiuraye, kuti vasazoti, ‘Akaurayiwa nomukadzi.’” Saka muranda wake akamubaya akafa.
55 And the men of Israel see that Abimelech [is] dead, and each one goes to his place;
VaIsraeri vakati vaona kuti Abhimereki afa, vakaenda kumusha.
56 and God turns back the evil of Abimelech which he did to his father to slay his seventy brothers;
Naizvozvo Jehovha akatsiva kuipa kwaAbhimereki kwaakaita kuna baba vake nokuponda vanakomana vababa vake makumi manomwe.
57 and God has returned all the evil of the men of Shechem on their [own] head, and the cursing of Jotham son of Jerubba‘al comes to them.
Mwari akaitawo kuti varume veShekemu varipe zvakaipa zvavo zvose. Kutuka kwaJotamu, mwanakomana waJerubhi-Bhaari kwakauya pamusoro pavo.