< Joshua 10 >
1 And it comes to pass, when Adoni-Zedek king of Jerusalem hears that Joshua has captured Ai, and devotes it (as he had done to Jericho and to her king so he has done to Ai and to her king), and that the inhabitants of Gibeon have made peace with Israel, and are in their midst—
Zvino Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akanzwa kuti Joshua akanga atora Ai akariparadza zvachose, akaitira Ai namambo waro sezvaakanga aitira Jeriko namambo wayo, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vaita sungano yorugare navaIsraeri uye kuti vaigara pedyo navo.
2 that they are greatly afraid, because Gibeon [is] a great city, as one of the royal cities, and because it [is] greater than Ai, and all its men [are] heroes.
Iye navanhu vake vakavhundutswa kwazvo nazvo, nokuti Gibheoni rakanga riri guta guru, rakaita serimwe ramaguta oumambo; rakanga riri guru kupfuura Ai, uye varume varo vose vaiva mhare pakurwa.
3 And Adoni-Zedek king of Jerusalem sends to Hoham king of Hebron, and to Piram king of Jarmuth, and to Japhia king of Lachish, and to Debir king of Eglon, saying,
Naizvozvo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akatuma nhume kuna Hohani mambo weHebhuroni, nokuna Piramu mambo weJarumuti, nokuna Jafia mambo weRakishi nokuna Dhebhiri mambo weEgironi.
4 “Come up to me, and help me, and we strike Gibeon, for it has made peace with Joshua, and with the sons of Israel.”
Akati, “Uyai kuno mundibatsire kurwisa Gibheoni, nokuti vakaita sungano yorugare naJoshua navaIsraeri.”
5 And five kings of the Amorite (the king of Jerusalem, the king of Hebron, the king of Jarmuth, the king of Lachish, the king of Eglon) are gathered together, and go up, they and all their camps, and encamp against Gibeon, and fight against it.
Ipapo madzimambo mashanu avaAmori, madzimambo eJerusarema, neHebhuroni, neJarumuti, neRakishi neEgironi, vakaunganidza varwi vavo. Vakaenda nehondo dzavo dzose vakavaka musasa pamberi peGibheoni, vakairwisa.
6 And the men of Gibeon send to Joshua, to the camp at Gilgal, saying, “Do not let your hand cease from your servants; come up to us [with] haste, and give safety to us, and help us; for all the kings of the Amorite, dwelling in the hill-country, have been assembled against us.”
Zvino vaGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa waiva paGirigari, vachiti, “Musasiya henyu varanda venyu. Uyai kuno kwatiri nokukurumidza muzotiponesa! Tibatsirei, nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vaungana kuti vatirwise.”
7 And Joshua goes up from Gilgal, he, and all the people of war with him, even all the mighty men of valor.
Naizvozvo Joshua akafamba achibva paGirigari, iye navarwi vose vaaiva navo, navarume vose vesimba noumhare.
8 And YHWH says to Joshua, “Do not be afraid of them, for I have given them into your hand, there does not stand a man of them in your presence.”
Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya; ndavaisa mumaoko ako. Hapana kana mumwe wavo achagona kumira pamberi pako.”
9 And Joshua comes to them suddenly (all the night he has gone up from Gilgal),
Naizvozvo Joshua akavarwisa vasingafungiri, shure kwokunge afamba achibva kuGirigari usiku hwose.
10 and YHWH crushes them before Israel, and strikes them [with] a great striking at Gibeon, and pursues them the way of the ascent of Beth-Horon, and strikes them to Azekah, and to Makkedah.
Zvino Jehovha akaita kuti vavhunduke pamberi pavaIsraeri, avo vakavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, vakavadzingirira nenzira inoenda kuBheti Horoni, vakavaparadza kusvikira kuAzeka nokuMakedha.
11 And it comes to pass, in their fleeing from the face of Israel—they [are] in the descent of Beth-Horon—and YHWH has cast great stones on them out of the heavens, to Azekah, and they die; more are they who have died by the hailstones than they whom the sons of Israel have slain by the sword.
Pavaitiza pamberi pavaIsraeri nenzira yaidzika kubva kuBheti Horoni ichienda kuAzeka, Jehovha akakanda pamusoro pavo matombo makuru akanga achibva kudenga, vazhinji vavo vakafa nechimvuramabwe kupfuura avo vakaurayiwa neminondo yavaIsraeri.
12 Then Joshua speaks to YHWH in the day of YHWH’s giving up the Amorites before the sons of Israel, and he says before the eyes of Israel, “Sun—stand still in Gibeon; and moon—in the Valley of Ajalon”;
Pazuva iro Jehovha akapa vaAmori kuvaIsraeri, Joshua akati kuna Jehovha pamberi pavaIsraeri: “Iwe zuva, mira pamusoro peGibheoni, Iwe mwedzi, pamusoro pemupata weAijaroni.”
13 and the sun stands still, and the moon has stood—until the nation takes vengeance [on] its enemies; is it not written on the Scroll of the Upright, “and the sun stands in the midst of the heavens, and has not hurried to go in—as a perfect day?”
Naizvozvo zuva rakamira, nomwedziwo ukamira, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo, sezvazvakanyorwa muBhuku raJashari. Zuva rakamira pakati pedenga rikanonoka kuvira kwenguva ingaita zuva rose.
14 And there has not been like that day before it or after it, for YHWH’s listening to the voice of a man; for YHWH is fighting for Israel.
Hakuna kumboita zuva rakaita seiri nguva yakapfuura kana yakatevera, pazuva iri Jehovha akateerera munhu. Zvirokwazvo Jehovha akanga achirwira Israeri!
15 And Joshua turns back, and all Israel with him, to the camp at Gilgal.
Ipapo Joshua akadzokera navaIsraeri vose kumusasa paGirigari.
16 And these five kings flee, and are hidden in a cave at Makkedah,
Zvino madzimambo mashanu akanga atiza akandovanda mubako rokuMakedha.
17 and it is declared to Joshua, saying, “The five kings have been found hidden in a cave at Makkedah.”
Joshua paakaudzwa kuti madzimambo mashanu aya akanga awanikwa akavanda mubako paMakedha,
18 And Joshua says, “Roll great stones to the mouth of the cave, and appoint men over it to watch them;
akati, “Kungurutsirai matombo makuru pamuromo webako, mugoisa vamwe varume ipapo kuti varichengete.
19 and you, do not stand, pursue after your enemies, and you have struck them from the rear; do not permit them to go into their cities, for your God YHWH has given them into your hand.”
Asi musamira! Teverai vavengi venyu, muvarwise necheshure kwavo uye musavarega vachisvika kumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu avapa mumaoko enyu.”
20 And it comes to pass, when Joshua and the sons of Israel finish to strike them [with] a very great striking until they are consumed, and the remnant who have remained of them go into the fortified cities,
Naizvozvo Joshua navaIsraeri vakavaparadza zvachose, asi vashoma vavo vakasara vakasvika kumaguta avo akavakirwa masvingo.
21 that all the people return to the camp, to Joshua, [at] Makkedah, in peace; none moved his tongue sharply against the sons of Israel.
Ipapo vanhu vose vakadzokera kuna Joshua kumusasa paMakedha norugare, uye hapana kana mumwe akataura shoko pamusoro pavaIsraeri.
22 And Joshua says, “Open the mouth of the cave, and bring out to me these five kings from the cave”;
Joshua akati, “Vhurai muromo webako mugondiigira madzimambo mashanu aya.”
23 and they do so, and bring out to him these five kings from the cave: the king of Jerusalem, the king of Hebron, the king of Jarmuth, the king of Lachish, the king of Eglon.
Naizvozvo vakabudisa madzimambo mashanu aya mubako, mambo weJerusarema, noweHebhuroni, noweJarumuti, noweRakishi noweEgironi.
24 And it comes to pass, when they bring out these kings to Joshua, that Joshua calls to every man of Israel, and says to the captains of the men of war, who have gone with him, “Draw near, set your feet on the necks of these kings”; and they draw near, and set their feet on their necks.
Pavakauya namadzimambo aya kuna Joshua, akadana varume vose veIsraeri akati kuvatungamiri vehondo vakanga vauya naye, “Uyai pano muise tsoka dzenyu pamitsipa yamadzimambo aya.” Naizvozvo vakaenda mberi vakaisa tsoka dzavo pamitsipa yavo.
25 And Joshua says to them, “Do not fear, nor be frightened; be strong and courageous; for thus does YHWH do to all your enemies with whom you are fighting”;
Joshua akati kwavari, “Musatya; musaora mwoyo. Simbai mutsunge mwoyo. Izvi ndizvo zvichaitwa naJehovha kuvavengi venyu vose vamucharwa navo.”
26 and Joshua strikes them afterward, and puts them to death, and hangs them on five trees; and they are hanging on the trees until the evening.
Ipapo Joshua akavabaya akauraya madzimambo aya ndokuvasungirira pamiti mishanu, uye vakasiyiwa vakarembera pamiti kusvikira madekwana.
27 And it comes to pass, at the time of the going in of the sun, Joshua has commanded, and they take them down from off the trees, and cast them into the cave where they had been hid, and put great stones on the mouth of the cave until this very day.
Zuva rava kuvira Joshua akarayira vanhu vakavaturura mumiti ndokuvakanda mubako mavakanga vambovanda. Vakaisa matombo makuru pamuromo webako, ayo achiripo nanhasi.
28 And Joshua has captured Makkedah on that day, and he strikes it by the mouth of the sword, and he has devoted its king, them and every person who [is] in it—he has not left a remnant; and he does to the king of Makkedah as he did to the king of Jericho.
Musi iwoyo Joshua akatora Makedha. Akabayira guta namambo waro nomunondo akaparadza zvachose vanhu vose vakanga varimo. Haana kusiya vapenyu. Uye akaita kuna mambo weMakedha sezvaakaita kuna mambo weJeriko.
29 And Joshua passes over, and all Israel with him, from Makkedah [to] Libnah, and fights with Libnah;
Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuMakedha vakaenda kuRibhina ndokuirwisa.
30 and YHWH also gives it into the hand of Israel, and its king, and [Joshua] strikes it by the mouth of the sword, and every person who [is] in it—he does not leave a remnant in it; and he does to its king as he did to the king of Jericho.
Jehovha akapawo guta iroro namambo waro muruoko rwaIsraeri. Joshua akaparadza guta navose vaiva mariri nomunondo. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaita kuna mambo waro zvaakanga aita kuna mambo weJeriko.
31 And Joshua passes over, and all Israel with him, from Libnah to Lachish, and encamps against it, and fights against it.
Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakabva kuRibhina vakaenda kuRakishi; vakavaka misasa yavo pedyo naro vakarirwisa.
32 And YHWH gives Lachish into the hand of Israel, and [Joshua] captures it on the second day, and strikes it by the mouth of the sword, and every person who [is] in it, according to all that he did to Libnah.
Jehovha akapa Rakishi kuvaIsraeri, Joshua akaritora nezuva rechipiri. Akaparadza guta navose vaiva mariri nomunondo, sezvaakaita Ribhina.
33 Then Horam king of Gezer has come up to help Lachish, and Joshua strikes him and his people, until he has not left a remnant to him.
Ipapo Horamu mambo weGezeri akauya kuzobatsira Rakishi, asi Joshua akamukunda pamwe chete nehondo yake, kusvikira pasisina mupenyu akasara.
34 And Joshua passes over, and all Israel with him, from Lachish to Eglon, and they encamp against it, and fight against it,
Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuRakishi vakaenda kuEgironi, vakavaka misasa pedyo naro vakarirwisa.
35 and capture it on that day, and strike it by the mouth of the sword, and every person who [is] in it he has devoted on that day, according to all that he did to Lachish.
Vakaritora musi iwoyo vakariparadza nomunondo zvachose navose vaiva mariri, sezvavakaita kuRakishi.
36 And Joshua goes up, and all Israel with him, from Eglon to Hebron, and they fight against it,
Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuEgironi vakaenda kuHebhuroni vakarirwisa.
37 and capture it, and strike it by the mouth of the sword, and its king, and all its cities, and every person who [is] in it—he has not left a remnant—according to all that he did to Eglon—and devotes it, and every person who [is] in it.
Vakatora guta vakariparadza nomunondo, pamwe chete namambo waro, namaguta aro, navanhu vose vaiva mariri. Hapana wavakasiya ari mupenyu. Vakariparadza zvachose navanhu vose vaiva mariri sezvavakaita kuEgironi.
38 And Joshua turns back, and all Israel with him, to Debir, and fights against it,
Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakadzokera kuDhebhiri vakarirwisa.
39 and captures it, and its king, and all its cities, and they strike them by the mouth of the sword, and devote every person who [is] in it—he has not left a remnant; as he did to Hebron so he did to Debir, and to its king, and as he did to Libnah, and to its king.
Vakatora guta, namambo waro nemisha yaro, vakazviparadza nomunondo. Vakaparadza zvachose vose vaivamo. Hapana wavakasiya ari mupenyu. Vakaita kuDhebhiri nokuna mambo waro sezvavakanga vaita kuRibhina nokuna mambo waro uye nokuHebhuroni.
40 And Joshua strikes all the land of the hill-country, and of the south, and of the low-country, and of the springs, and all their kings—he has not left a remnant, and he has devoted all that breathe, as YHWH, God of Israel, commanded.
Naizvozvo Joshua akaparadza nharaunda yose, zvichisanganisira nyika yamakomo, neNegevhi, neyemujinga mezvikomo zvokumavirira nemitenusirwa yamakomo pamwe chete namadzimambo acho ose. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaparadza zvachose vose vaifema, sezvakanga zvarayirwa naJehovha, Mwari waIsraeri.
41 And Joshua strikes them from Kadesh-Barnea, even to Gaza, and all the land of Goshen, even to Gibeon;
Joshua akavaparadza kubva kuKadheshi Bharinea kusvikira kuGaza uye nokubva kudunhu rose reGosheni kusvikira kuGibheoni.
42 and Joshua has captured all these kings and their land [at] one time, for YHWH, God of Israel, is fighting for Israel.
Madzimambo aya ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua panguva imwe chete, nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akarwira Israeri.
43 And Joshua turns back, and all Israel with him, to the camp at Gilgal.
Ipapo Joshua akadzokera navaIsraeri vose kumusasa kuGirigari.