< John 19 >

1 Then, therefore, Pilate took Jesus and scourged [Him],
Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.
2 and the soldiers having plaited a garland of thorns, placed [it] on His head, and they cast a purple garment around Him,
Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute.
3 and said, “Hail! The King of the Jews”; and they were giving Him slaps.
Vakati: Hekanhi, Mambo weVaJudha! Ndokumurova nembama.
4 Pilate, therefore, again went forth outside and says to them, “Behold, I bring Him to you outside, that you may know that I find no fault in Him”;
Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari.
5 Jesus, therefore, came forth outside, bearing the thorny garland and the purple garment; and he says to them, “Behold, the Man!”
Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yeminzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu!
6 When, therefore, the chief priests and the officers saw Him, they cried out, saying, “Crucify! Crucify!” Pilate says to them, “Take Him yourselves and crucify, for I find no fault in Him”;
Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.
7 the Jews answered him, “We have a law, and according to our law He ought to die, for He made Himself Son of God.”
VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu anofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.
8 When, therefore, Pilate heard this word, he was more afraid,
Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iri, wakanyanya kutya.
9 and entered again into the Praetorium and says to Jesus, “Where are You from?” And Jesus gave him no answer.
Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.
10 Pilate, therefore, says to Him, “Do You not speak to me? Have You not known that I have authority to crucify You, and I have authority to release You?”
Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura?
11 Jesus answered, “You would have no authority against Me if it were not having been given you from above; because of this, he who is delivering Me up to you has greater sin.”
Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo anondikumikidza kwauri ane chivi chikuru.
12 From this [time] Pilate was seeking to release Him, and the Jews were crying out, saying, “If you may release this One, you are not a friend of Caesar; everyone making himself a king speaks against Caesar.”
Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi VaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe anozviita mambo, anopikisana naKesari.
13 Pilate, therefore, having heard this word, brought Jesus outside—and he sat down on the judgment seat—to a place called, “Pavement,” and in Hebrew, Gabbatha;
Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMabwe, asi nechiHebheru Gabhata.
14 and it was the Preparation of the Passover, and as it were the sixth hour, and he says to the Jews, “Behold, your King!”
Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuVaJudha: Tarirai Mambo wenyu!
15 And they cried out, “Take away! Take away! Crucify Him!” Pilate says to them, “Will I crucify your King?” The chief priests answered, “We have no king except Caesar.”
Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa Mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari.
16 Then, therefore, he delivered Him up to them, that He may be crucified, and they took Jesus and led [Him] away,
Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha.
17 and carrying His cross, He went forth to the [place] called “Place of [the] Skull,” which is called in Hebrew, Golgotha—
Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota,
18 where they crucified Him, and with Him two others, on this side and on that side, but Jesus in the middle.
pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati.
19 And Pilate also wrote a title, and put [it] on the cross, and it was written: “JESUS THE NAZARENE, THE KING OF THE JEWS”;
Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA.
20 therefore many of the Jews read this title, because the place was near to the city where Jesus was crucified, and it was having been written in Hebrew, in Greek, in Latin.
Naizvozvo vazhinji veVaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nokuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiGiriki, nechiRoma.
21 The chief priests of the Jews therefore said to Pilate, “Do not write, The King of the Jews, but that this One said, I am King of the Jews”;
Naizvozvo vapristi vakuru veVaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo weVaJudha; asi kuti uyo wakati: Ndiri mambo weVaJudha.
22 Pilate answered, “What I have written, I have written.”
Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora.
23 The soldiers, therefore, when they crucified Jesus, took His garments, and made four parts, to each soldier a part, also the coat, and the coat was seamless, from the top woven throughout;
Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; neshatiwo; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro.
24 they said, therefore, to one another, “We may not tear it, but cast a lot for it, whose it will be”; that the Writing might be fulfilled, that is saying, “They divided My garments to themselves, and they cast a lot for My clothing”; the soldiers, therefore, indeed, did these things.
Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.
25 And there stood by the cross of Jesus His mother, and His mother’s sister, Mary of Cleopas, and Mary the Magdalene;
Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini.
26 Jesus, therefore, having seen [His] mother, and the disciple standing by, whom He was loving, He says to His mother, “Woman, behold, your son”;
Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako.
27 afterward He says to the disciple, “Behold, your mother”; and from that hour the disciple took her to his own [home].
Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake.
28 After this, Jesus knowing that all things have now been accomplished, that the Writing may be fulfilled, says, “I thirst”;
Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvese zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota.
29 a vessel, therefore, was placed full of vinegar, and having filled a sponge with vinegar, and having put [it] around a hyssop stalk, they put [it] to His mouth;
Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi, vakaisa kumuromo wake.
30 when, therefore, Jesus received the vinegar, He said, “It has been accomplished.” And having bowed the head, gave up the spirit.
Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa mweya wake.
31 The Jews, therefore, that the bodies might not remain on the cross on the Sabbath, since it was the Preparation (for that Sabbath day was a great one), asked of Pilate that their legs may be broken, and they [are] taken away.
Naizvozvo VaJudha nokuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.
32 The soldiers, therefore, came, and they indeed broke the legs of the first and of the other who was crucified with Him,
Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewekutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye;
33 and having come to Jesus, when they saw Him already having been dead, they did not break His legs;
asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake;
34 but one of the soldiers pierced His side with a spear, and immediately there came forth blood and water;
asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura.
35 and he who has seen has testified, and his testimony is true, and that one has known that he speaks true things, that you also may believe.
Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye anoziva kuti anoreva chokwadi, kuti imwi mutende.
36 For these things came to pass, that the Writing may be fulfilled, “A bone of Him will not be broken”;
Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe rwunoti: Fupa rake haringavhunwi.
37 and again another Writing says, “They will look to Him whom they pierced.”
Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora.
38 And after these things, Joseph of Arimathea—being a disciple of Jesus, but concealed, through the fear of the Jews—asked of Pilate, that he may take away the body of Jesus, and Pilate gave leave; he came, therefore, and took away the body of Jesus,
Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya VaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu. Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu.
39 and Nicodemus also came—who came to Jesus by night at the first—carrying a mixture of myrrh and aloes, as it were, one hundred pounds.
Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura nearosi mapaundi anenge zana.
40 Therefore they took the body of Jesus, and bound it with linen clothes with the spices, according as it was the custom of the Jews to prepare for burial;
Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yeVaJudha yekuviga.
41 and there was a garden in the place where He was crucified, and a new tomb in the garden, in which no one was yet laid;
Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu.
42 therefore, because the tomb was near, there they laid Jesus because of the Preparation of the Jews.
Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yeVaJudha, nokuti guva rakange riri pedo.

< John 19 >