< 1 Chronicles 11 >
1 And all Israel is gathered to David at Hebron, saying, “Behold, we [are] your bone and your flesh;
VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu.
2 even in time past, even in Saul’s being king, it is you who are taking out and bringing in Israel, and your God YHWH says to you: You feed My people Israel, and you are leader over My people Israel.”
Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri uye uchava mutongi wavo.’”
3 And all [the] elderly of Israel come to the king at Hebron, and David makes a covenant with them in Hebron before YHWH, and they anoint David for king over Israel, according to the word of YHWH by the hand of Samuel.
Vakuru vose veIsraeri pavakauya kuna mambo Dhavhidhi paHebhuroni, akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri sezvakanga zvavimbiswa naJehovha kubudikidza naSamueri.
4 And David goes, and all Israel, to Jerusalem—it [is] Jebus—and the Jebusite [is] there, the inhabitants of the land.
Dhavhidhi navaIsraeri vose vakaenda kuJerusarema (ndiro Jebhusi). VaJebhusi vaigaramo
5 And the inhabitants of Jebus say to David, “You do not come in here”; and David captures the fortress of Zion—it [is] the City of David.
vakati kuna Dhavhidhi, “Hamusi kuzopinda muno.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi akatapa nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
6 And David says, “Whoever strikes the Jebusite first becomes head and prince”; and Joab son of Zeruiah goes up first and becomes head.
Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda, saka akapiwa utungamiri hwacho.
7 And David dwells in the fortress, therefore they have called it the City of David;
Dhavhidhi akagara munhare yeZioni, saka rakazodaidzwa kuti Guta raDhavhidhi.
8 and he builds the city all around, from Millo, and to the circumference, and Joab restores the rest of the city.
Akavaka guta richipoteredza, kubva pamihomba yokutsigira kusvikira kurusvingo rwakanga rwakapoteredza, Joabhu achivaka patsva chimwe chikamu chose cheguta.
9 And David goes, going on and becoming great, and YHWH of Hosts [is] with him.
Uye Dhavhidhi akaramba achiva nesimba guru nokuti Jehovha Wamasimba Ose aiva naye.
10 And these [are] heads of the mighty ones whom David has, who are strengthening themselves with him in his kingdom, with all Israel, to cause him to reign, according to the word of YHWH, over Israel.
Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha.
11 And this [is] an account of the mighty ones whom David has: Jashobeam son of a Hachmonite [is] head of the thirty; he is lifting up his spear against three hundred—wounded, at one time.
Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi: Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete.
12 And after him [is] Eleazar son of Dodo the Ahohite, he [is] among the three mighty;
Aimutevera ainzi Ereazari mwanakomana waDhodhai muAhohi mumwe wavarume voumhare vatatu.
13 he has been with David in Pas-Dammim, and the Philistines have been gathered there to battle, and a portion of the field is full of barley, and the people have fled from the face of the Philistines,
Aiva naDhavhidhi paPasi Dhamimi vaFiristia pavakaungana ipapo kuzorwa. Pane imwe nzvimbo paiva nomunda wakanga uzere nebhari, varwi vakatiza vaFiristia.
14 and they station themselves in the midst of the portion, and deliver it, and strike the Philistines, and YHWH saves [with] a great salvation.
Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru.
15 And three of the thirty heads go down on the rock to David, to the cave of Adullam, and the host of the Philistines is encamping in the Valley of Rephaim,
Vatatu pakati pamakumi matatu avakuru vakaburukira kuna Dhavhidhi kuDombo pabako reAdhurami, uye hondo yavaFiristia yakanga yadzika matende muMupata weRefaimi.
16 and David [is] then in the fortress, and the station of the Philistines [is] then in Beth-Lehem,
Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka rehondo yavaFiristia rakanga riri paBheterehema.
17 and David longs and says, “Who gives me water to drink from the well of Beth-Lehem that [is] at the gate!”
Dhavhidhi akanzwa nyota akati, “Haiwa, dai mumwe munhu ainondicherera mvura yokunwa kubva mutsime riri pedyo nesuo reBheterehema!”
18 And the three break through the camp of the Philistines, and draw water from the well of Beth-Lehem that [is] at the gate, and carry and bring [it] to David, and David has not been willing to drink it, and pours it out to YHWH,
Saka Vatatu ava vakapinda napakati pehondo dzavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa akaidururira pasi pamberi paJehovha.
19 and says, “Far be it from me, by my God, to do this; do I drink the blood of these men with their lives? For with their lives they have brought it”; and he was not willing to drink it; these [things] the three mighty ones did.
Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa. Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu.
20 And Abishai brother of Joab, he has been head of the three: and he is lifting up his spear against three hundred—wounded, and has a name among three.
Abhishai mununʼuna waJoabhu akanga ari mukuru waVatatu Ava. Akasimudza pfumo rake kuti arwise varume mazana matatu, akavauraya, uye akava nomukurumbira saVatatu Vaya.
21 Of the three he is more honored than the [other] two, and becomes their head; but he has not come to the [first] three.
Akaremekedzwa zvakapetwa kaviri pamusoro paVatatu Vaya uye akaitwa mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengerwa pakati pavo.
22 Benaiah son of Jehoiada, son of a man of valor, of great deeds, from Kabzeel: he has struck the two lion-like Moabites, and he has gone down and struck the lion in the midst of the pit, in the day of snow.
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba.
23 And he has struck the man, the Egyptian, a man of [great] measure—five by the cubit—and in the hand of the Egyptian [is] a spear like a weavers’ beam, and he goes down to him with a rod, and violently takes away the spear out of the hand of the Egyptian, and slays him with his own spear.
Uye akauraya muIjipita akanga akareba makubhiti mashanu. Kunyange zvazvo muIjipita akanga akapakata pfumo rainge tsvimbo yomuruki muruoko rwake, Bhenaya akamurwisa netsvimbo. Akabvuta pfumo kubva muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.
24 These [things] Benaiah son of Jehoiada has done, and has a name among the three mighty ones.
Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare.
25 Of the thirty, behold, he [is] honored, but he has not come to the [first] three, and David sets him over his guard.
Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, asi akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
26 And the mighty ones of the forces [are] Asahel brother of Joab, Elhanan son of Dodo of Beth-Lehem,
Varume voumhare vaiva: Asaheri mununʼuna waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema.
27 Shammoth the Harorite, Helez the Pelonite,
Shamoti muHarori, Herezi muPeroni,
28 Ira son of Ikkesh the Tekoite, Abi-Ezer the Annethothite,
Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa, Abhiezeri aibva kuAnatoti,
29 Sibbecai the Hushathite, Ilai the Ahohite,
Sibhekai muHushati, Irai muAhohi,
30 Maharai the Netophathite, Heled son of Baanah the Netophathite,
Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,
31 Ithai son of Ribai of Gibeah, of the sons of Benjamin, Benaiah the Pirathonite,
Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini, Bhenaya muPiratoni,
32 Hurai of the brooks of Gaash, Abiel the Arbathite,
Hurai aibva kuhova dzeGaashi, Abhieri muAribhati,
33 Azmaveth the Baharumite, Eliahba the Shaalbonite,
Azimavheti muBhaharumi, Eriabha muShaaribhoni,
34 the sons of Hashem the Gizonite, Jonathan son of Shage the Hararite,
vanakomana vaHashemi muGizoni, Jonatani mwanakomana waShage muHarari,
35 Ahiam son of Sacar the Hararite, Eliphal son of Ur,
Ahiami mwanakomana waSaka muHarari, Erifari mwanakomana waUri,
36 Hepher the Mecherathite, Ahijah the Pelonite,
Heferi muMekerati, Ahija muPeroni,
37 Hezor the Carmelite, Naarai son of Ezbai,
Heziro muKarimeri, Naarai mwanakomana waEzibhai,
38 Joel brother of Nathan, Mibhar son of Haggeri,
Joere mununʼuna waNatani, Mibha mwanakomana waHagiri,
39 Zelek the Ammonite, Naharai the Berothite, bearer of the weapons of Joab son of Zeruiah,
Zereki muAmoni, Naharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
40 Ira the Ithrite, Gareb the Ithrite,
Ira muItiri, Garebhi muItiri,
41 Uriah the Hittite, Zabad son of Ahlai,
Uria muHiti, Zabhadhi mwanakomana waArai,
42 Adina son of Shiza the Reubenite, head of the Reubenites, and thirty by him,
Adhina mwanakomana waShiza muRubheni iye aiva mukuru wavaRubheni, navaya makumi matatu, vaaiva navo,
43 Hanan son of Maachah, and Joshaphat the Mithnite,
Hanani mwanakomana waMaaka, Joshafati muMitini,
44 Uzzia the Ashterathite, Shama and Jehiel sons of Hothan the Aroerite,
Uzia muAshiterati, Shama naJeyeri vanakomana vaHotamu muAroeri,
45 Jediael son of Shimri, and his brother Joha the Tizite,
Jedhieri mwanakomana waShimiri, mununʼuna wake Joha muTizi,
46 Eliel the Mahavite, and Jeribai, and Joshaviah, sons of Elnaam, and Ithmah the Moabite,
Erieri muMahavhi, Jeribhai naJoshavhia vanakomana vaErinaami, Itima muMoabhu,
47 Eliel, and Obed, and Jaasiel the Mesobaite.
Erieri, Obhedhi naJaasieri muMezobhai.