< Psalms 25 >

1 “Of David.” Unto thee, O Lord, do I lift up my soul.
Pisarema raDhavhidhi. Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri;
2 O my God, in thee do I trust, let me not be ashamed, let not my enemies triumph over me.
haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda.
3 Yea, none that wait on thee will be put to shame: let those be put to shame who deal treacherously without cause.
Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero.
4 Show me, O Lord, thy ways; teach me thy paths.
Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu;
5 Lead me in thy truth, and teach me; for thou art the God of my salvation: on thee do I wait all the day.
nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.
6 Remember thy mercies, O Lord, and thy kindnesses; for they are from everlasting.
Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare.
7 The sins of my youth and my transgressions do not remember: according to thy kindness bear thou me in remembrance, for the sake of thy goodness, O Lord.
Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo; ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu, nokuti makanaka, imi Jehovha.
8 Good and upright is the Lord: therefore he pointeth out to sinners the right way.
Jehovha akanaka uye akarurama; naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.
9 He guideth the meek in justice, and he teacheth the meek his way.
Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake.
10 All the paths of the Lord are kindness and truth unto such as keep his covenant and his testimonies.
Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka, kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.
11 For the sake of thy name, O Lord, pardon my iniquity: although it is great.
Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha, kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.
12 Who is that man that feareth the Lord? to him will he point out the way which he is to choose?
Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa.
13 His soul shall abide in happiness: and his seed shall inherit the land.
Achararama upenyu hwake mukubudirira, uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika.
14 The secret counsel of the Lord is for those that fear him, and his covenant—to make it known to them.
Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari.
15 My eyes are ever [directed] toward the Lord; for he will draw out of the net my feet.
Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.
16 Turn unto me, and be gracious unto me; for I am solitary and afflicted.
Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.
17 The distresses of my heart are enlarged: O bring thou me out of my afflictions.
Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.
18 Look on my misery and my trouble; and forgive all my sins.
Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose.
19 Look at my enemies; for they are many; and they hate me with the hatred of violence.
Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei!
20 Oh, guard my soul; and deliver me: let me not be put to shame; for I put my trust in thee.
Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri.
21 Let integrity and uprightness guard me; for I wait on thee.
Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.
22 Redeem, O God, Israel out of all his distresses.
Dzikinurai Israeri, imi Mwari, kuti vabve mumatambudziko avo ose!

< Psalms 25 >