< Numbers 10 >
1 And the Lord spoke unto Moses, saying,
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 Make unto thyself two trumpets of silver, beaten out of one piece shalt thou make them; and they shall serve thee for the calling of the congregation, and for the setting forward of the camps.
“Ita hwamanda mbiri dzesirivha yakapambadzirwa, ugodzishandisa kudana ungano pamwe chete uye kuti mapoka afambe.
3 And when they shall blow with both, all the congregation shall assemble themselves unto thee at the door of the tabernacle of the congregation.
Dzikaridzwa dzose dziri mbiri, ungano yose inofanira kuungana pamberi pako pamukova weTende Rokusangana.
4 And if they blow with but one, then shall assemble themselves unto thee the princes, the heads of the thousands of Israel.
Kana imwe chete ikaridzwa, vatungamiri, vakuru vedzimba dzaIsraeri, vanofanira kuungana pamberi pako.
5 And when ye blow an alarm, then shall set forward the camps that encamp on the east side.
Hwamanda yeyambiro painoridzwa marudzi akavaka kumabvazuva anofanira kutanga kufamba.
6 And when ye blow an alarm the second time, then shall set forward the camps that encamp on the south side: an alarm shall they blow for their setting forward.
Paunoridza hwamanda yechipiri, misasa yezasi inofanira kufamba. Kurira kwehwamanda kuchava chiratidzo chokuti mufambe.
7 But at the assembling of the assembly, ye shall blow, but ye shall not sound an alarm.
Kuti ungano iungane, muridze hwamanda, asi kwete namaridziro mamwe chetewo.
8 And the sons of Aaron, the priests, shall blow with the trumpets; and they shall be to you for an ordinance for ever throughout your generations.
“Vanakomana vaAroni, vaprista ndivo vanofanira kuridza hwamanda. Uyu unofanira kuva mitemo usingaperi kwamuri nokuzvizvarwa zvinotevera.
9 And if ye go to war in your land against the oppressor that oppresseth you, then shall ye blow an alarm with the trumpets; and ye shall be remembered before the Lord your God, and ye shall be saved from your enemies.
Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, muridze hwamanda. Ipapo mucharangarirwa naJehovha Mwari wenyu uye muchanunurwa kubva kuvavengi venyu.
10 And on the day of your gladness, and on your appointed festivals, and on the beginnings of your months, shall ye blow with the trumpets over your burnt-offerings, and over the sacrifices of your peace-offerings; and they shall be to you for a memorial before your God: I am the Lord your God.
Uyezve, panguva dzenyu dzokufara, pamitambo yenyu yakatarwa uye nemitambo yoKugara kwoMwedzi, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, uye zvichava chirangaridzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
11 And it came to pass in the second year, in the second month, on the twentieth day of the month, that the cloud was taken up from off the tabernacle of the testimony.
Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri, wegore rechipiri, gore rakasimuka kubva pamusoro petabhenakeri yeChipupuriro.
12 And the children of Israel set forward on their journeys from the wilderness of Sinai, and the cloud halted in the wilderness of Paran.
Ipapo vaIsraeri vakasimuka kubva murenje reSinai, vakafamba vachienda kunzvimbo nenzvimbo kusvikira gore randomira murenje reParani.
13 And they set forward for the first time at the order of the Lord by the hand of Moses.
Nguva ino, kwokutanga, vakafamba sezvavakanga varayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.
14 And the standard of the camp of the children of Judah set forward at the first, according to their armies: and over their host was Nachshon the son of 'Amminadab.
Mapoka omusasa waJudha ndiwo akatanga kuenda, pasi pomureza wavo. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi akanga achivatungamirira.
15 And over the host of the tribe of the children of Issachar was Nethanel the son of Zuar.
Netaneri mwanakomana waZuari akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaIsakari.
16 And over the host of the tribe of the children of Zebulun was Eliab the son of Chelon.
Uye Eriabhi mwanakomana waHeroni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni.
17 And [in the mean time] the tabernacle was taken down; and then set forward the sons of Gershon and the sons of Merari, the bearers of the tabernacle.
Ipapo tabhenakeri yakabviswa, uye vaGerishoni navaMerari, vakanga vachiitakura, vakatanga kufamba.
18 Then set forward the standard of the camp of Reuben, according to their armies: and over their host was Elizur the son of Shedeur.
Mapoka omusasa waRubheni akatevera, vari pasi pomureza wavo. Erizuri mwanakomana waShedheuri ndiye akanga achivatungamirira.
19 And over the host of the tribe of the children of Simeon was Shelumiel the son of Zurishaddai.
Sherumieri mwanakomana waZurishadhai akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaSimeoni,
20 And over the host of the tribe of the children of Gad was Elyassaph the son of Deuel.
uye Eriasafi mwanakomana waDheueri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaGadhi.
21 And then set forward the Kehathites, the bearers of the sanctuary: and the others set up the tabernacle against they came.
Ipapo vaKohati vakasimuka, vakatakura zvinhu zvitsvene. Tabhenakeri yaifanira kumiswa vasati vasvika.
22 Then set forward the standard of the camp of the children of Ephraim according to their armies; and over their host was Elishama the son of 'Ammihud.
Mapoka omusasa waEfuremu akatevera; vari pasi pomureza wavo. Erishama mwanakomana waAmihudhi akanga achivatungamirira.
23 And over the host of the tribe of the children of Menasseh was Gamliel the son of Pedahzur.
Gamarieri mwanakomana waPedhazuri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaManase.
24 And over the host of the tribe of the children of Benjamin was Abidan the son of Gidoni.
Uye Abhidhani mwanakomana waGidheoni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaBhenjamini.
25 Then set forward the standard of the camp of the children of Dan, the rereward of all the camps, according to their hosts: and over their host was Achiezer the son of 'Ammishaddai.
Pakupedzisira, samapoka aichengetedza kumashure kwamapoka ose, mapoka omusasa waDhani akasimuka, ari pasi pomureza wavo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye akanga achivatungamirira.
26 And over the host of the tribe of the children of Asher was Pagiel the son of 'Ochran.
Pagieri mwanakomana waOkirani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaAsheri;
27 And over the host of the tribe of the children of Naphtali was Achira the son of 'Enan.
uye Ahira mwanakomana waEnani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaNafutari.
28 In this order were the journeyings of the children of Israel according to their armies, when they set forward.
Aya ndiwo akanga ari mafambiro amapoka avaIsraeri pakusimuka kwavo.
29 And Moses said unto Chobab, the son of Reuel the Midianite, the father-in-law of Moses, We are journeying unto the place of which the Lord hath said, This will I give unto you: come thou with us, and we will do thee good; for the Lord hath spoken [to bring] good upon Israel.
Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhi mwanakomana waReueri muMidhiani, tezvara waMozisi, “Tava kuenda kunzvimbo yatakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai imi.’ Handei tose tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha avimbisa zvinhu zvakanaka kuna Israeri.”
30 And he said unto him, I will not go; but to my own land, and to my birthplace will I go.
Iye akapindura akati, “Kwete, handingaendi; ndiri kudzokera kunyika yangu nokuvanhu vokwangu.”
31 And he said, Do not, I pray thee, leave us; since thou didst find out the places where we were to encamp in the wilderness, and thou hast been to us instead of eyes.
Asi Mozisi akati kwaari, “Ndapota hangu regai kutisiya. Munoziva patinofanira kuvaka musasa wedu murenje, uye imi mungava meso edu.
32 And it shall be, if thou go with us, yea, it shall be, that the same goodness which the Lord may do unto us, will we do unto thee.
Kana mukaenda nesu, tichagovana nemi chinhu chipi nechipi chatichapiwa naJehovha.”
33 And they set forward from the mount of the Lord a three days' journey; and the ark of the covenant of the Lord went before them in the three days' journey, to search out for them a resting-place.
Saka vakasimuka kubva pagomo raJehovha vakafamba kwamazuva matatu. Areka yaJehovha yesungano yakavatungamirira pamazuva matatu iwayo kuti vatsvakirwe nzvimbo yokuzororera.
34 And the cloud of the Lord was over them by day, when they set forward from the camp.
Gore raJehovha rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka kubva pamusasa.
35 And it came to pass, when the ark set forward, that Moses said, Rise up, Lord, and let thy enemies be scattered; and let those that hate thee flee before thy face.
Paingosimuka areka, Mozisi aiti, “Haiwa Jehovha, simukai! Vavengi venyu ngavaparadzirwe, vavengi venyu ngavatize pamberi penyu.”
36 And when it rested, he said, Return, O Lord, among thy myriads of the thousands of Israel.
Payaigadzikwa pasi, iye aiti, “Haiwa Jehovha, dzokai kuzviuru nezviuru zvavaIsraeri.”