Aionian Verses
And all his sons and all his daughters rose up to comfort him; but he refused to be comforted; and he said, For I must go down unto my son, mourning, into the grave; thus his father wept for him. (Sheol )
Vanakomana vake navanasikana vake vose vakauya kuzomunyaradza, asi akaramba kunyaradzwa. Akati, “Kwete, ndichaburuka kuguva ndichichema mwanakomana wangu.” Saka baba vake vakamuchema. (Sheol )
And he said, My son shall not go down with you; for his brother is dead, and he alone is left: and if mischief befall him by the way in which ye go, then will ye bring down my gray hairs with sorrow to the grave. (Sheol )
Asi Jakobho akati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi kuti aende ikoko; mukoma wake akafa uye ndiye chete asara. Kana zvakaipa zvikamuwira parwendo rwamuri kufamba, muchaburutsira musoro wangu wachena muguva mukusuwa.” (Sheol )
And if ye take this one also from me, and mischief befall him, ye will bring down my gray hairs with sorrow to the grave. (Sheol )
Kana mukanditorera iyeyuwo uye kana zvakaipa zvikamuwira, muchaendesa musoro wangu wachena kuguva mukusuwa.’ (Sheol )
It will come to pass, that when he seeth that the lad is not with us, he will die: and thy servants would thus bring down the gray hairs of thy servant our father with sorrow to the grave. (Sheol )
vakaona kuti mukomana haapo, vachafa. Muranda wenyu achaendesa musoro wachena wababa vedu kuguva mukusuwa. (Sheol )
But if the Lord do create a new thing, and the earth open her mouth, and swallow them up, with all that appertaineth unto them, and they go down alive into the pit: then shall ye understand that these men have provoked the Lord. (Sheol )
Asi kana Jehovha akauyisa chimwe chinhu chitsva, uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nezvose zvavo, uye vakaburukira muguva vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vazvidza Jehovha.” (Sheol )
And they went down, they, and all they that appertained to them, alive into the pit; and the earth closed over them, and they disappeared from the midst of the congregation. (Sheol )
Vakaburukira muguva vari vapenyu, nezvinhu zvavo zvose; nyika ikavafukidza, vakaparara vakabva pakati peungano. (Sheol )
For a fire is kindled in my anger, and it burneth unto the lowest deep; and it consumeth the earth with her products, and it setteth on fire the foundations of the mountains. (Sheol )
Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo. (Sheol )
The Lord killeth, and maketh alive: he bringeth down to the grave, and bringeth up. (Sheol )
“Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa; anodzikisa kuguva uye anomutsawo. (Sheol )
The bonds of hell encircled me, the snares of death seized on me: (Sheol )
Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakandivinga. (Sheol )
Do therefore according to thy wisdom, and let not his hoary head go down in peace to the grave. (Sheol )
Ita zvaunogona naye nouchenjeri hwako, asi usatendera musoro wake wachena kuti upinde muguva norugare. (Sheol )
But now leave him not unpunished; for thou art a wise man; know then what thou oughtest to do unto him, and bring thou down his hoary head with blood to the grave. (Sheol )
Asi zvino usamutora somunhu asina mhosva. Iwe uri murume ane uchenjeri, uchaziva zvokuita naye. Uburutsire musoro wake wachena, kuguva muropa.” (Sheol )
As the cloud vanisheth and passeth away: so will he that goeth down to the nether world not come up again. (Sheol )
Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve. (Sheol )
It is as high as heaven; what canst thou effect? it is deeper than the nether world; what canst thou know? (Sheol )
Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko? (Sheol )
Oh who would grant that thou mightest hide me in the nether world, that thou mightest conceal me, until thy wrath be appeased, that thou mightest set for me a fixed time, and remember me then! (Sheol )
“Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira! (Sheol )
When I hope for the nether world as my house; in the darkness have I spread my couch; (Sheol )
Kana musha wandinotarisira uri guva chete, kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima, (Sheol )
Let then my limbs sink down to the nether world: truly in the dust alone there is rest for all. (Sheol )
Ichaburukira kumasuo orufu here? Tichaburukira muguruva pamwe chete here?” (Sheol )
They wear out their days in happiness, and in a moment they go down to the nether world. (Sheol )
Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva nenguva isipi. (Sheol )
Drought and heat speedily consume the snow-waters: so doth the grave those who have sinned. (Sheol )
Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyunguduka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza. (Sheol )
Naked is the nether world before him, and there is no covering for the place of corruption. (Sheol )
Sheori yakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidzwa. (Sheol )
For in death men do not remember thee: in the nether world, who shall give thee thanks? (Sheol )
Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva? (Sheol )
The wicked shall return into hell, all the nations that are forgetful of God. (Sheol )
Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari. (Sheol )
For thou wilt not abandon my soul to the grave: thou wilt not suffer thy pious [servant] to see corruption. (Sheol )
nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora. (Sheol )
The bonds of hell encircled me: the snares of death seized on me. (Sheol )
Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni. (Sheol )
O Lord, thou hast brought up from the nether world my soul: thou hast kept me alive, that I should not go down to the pit. (Sheol )
Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. (Sheol )
O Lord, let me not be put to shame; for I have called on thee: let the wicked be put to shame, let them be silent, [passing] to the nether world. (Sheol )
Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa, nokuti ndakadana kwamuri; asi vakaipa ngavanyadziswe uye vavate vakati mwiro muguva. (Sheol )
Like flocks are they thrust into the nether world; death will feed them; but the upright shall have dominion over them in that morning, and their form wasteth away in the nether world, [taken away] from their own dwelling. (Sheol )
Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo. (Sheol )
But God will redeem my soul from the power of the nether world; for he will take me away. (Selah) (Sheol )
Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera (Sheol )
Let him dispense death over them; let them go down alive into the nether world; for evil is in their dwelling, in the midst of them. (Sheol )
Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri; ngavaburukire muguva vari vapenyu, nokuti kuipa kwakawana pokugara pakati pavo. (Sheol )
For thy kindness is great toward me: and thou hast delivered my soul from the grave of the lower world. (Sheol )
Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika. (Sheol )
For my soul is sated with troubles; and my life draweth nigh unto the nether world. (Sheol )
Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva. (Sheol )
What man is there that can live, and shall not see death? that can deliver his soul from the power of the nether word? (Selah) (Sheol )
Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera (Sheol )
The bands of death had compassed me, and the pangs of the nether world had overtaken me; I had met with distress and sorrow: (Sheol )
Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa. (Sheol )
If I should ascend into heaven, thou art there; and if I should make my bed in the nether world, behold, thou art there. (Sheol )
Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. (Sheol )
As when one cutteth in and splitteth open the earth: so are our bones scattered for the mouth of the grave. (Sheol )
Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi, saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.” (Sheol )
We will swallow them up like the grave alive; and the men of integrity, as those that go down into the pit; (Sheol )
ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; (Sheol )
Her feet go down to death, her steps take firm hold on the nether world: (Sheol )
Tsoka dzake dzinoenda kurufu; nhambwe dzake dzinonanga kuguva. (Sheol )
The ways to the nether world is her house leading down to the chambers of death. (Sheol )
Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu. (Sheol )
But he knoweth not that the departed are there; that in the depths of the nether world are her guests. (Sheol )
Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva. (Sheol )
The nether world and corruption are open before the Lord: how much more then the hearts of the children of men! (Sheol )
Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu! (Sheol )
The path of life [leadeth] upward for the intelligent, in order that he may avoid the nether world beneath. (Sheol )
Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva. (Sheol )
Thou wilt indeed beat him with the rod; but thou wilt deliver his soul from perdition. (Sheol )
Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu. (Sheol )
The nether world and the place of corruption are never satisfied: so are the eyes of man never satisfied. (Sheol )
Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti. (Sheol )
The nether world; and a barren womb; the earth which is not satisfied with water; and the fire which never saith, Enough. (Sheol )
guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’ (Sheol )
Whatsoever thy hand findeth to do with thy might, that do; for there is no work, nor experience, nor knowledge, nor wisdom, in the nether world, whither thou goest.— (Sheol )
Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri. (Sheol )
Set me as a seal upon thy heart, as a seal upon thy arm; for strong as death is love; violent like the nether world is jealousy; its heat is the heat of fire, a flame of God. (Sheol )
Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu, godo rarwo seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo. (Sheol )
Therefore hath the deep enlarged her desire, and opened her mouth without measure: and there descend [Jerusalem's] glory, and her multitude, and her noise, and whoever rejoiced therein. (Sheol )
Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo. (Sheol )
Ask thee a sign from the Lord thy God; ask it in the depth, or high up above. (Sheol )
“Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.” (Sheol )
The nether world from below is in motion concerning thee to meet thee at thy coming: it stirreth up the departed for thee, all the chief ones of the earth; it hath caused to rise up from their thrones all the kings of nations. (Sheol )
Pasi, iro sheori razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi. (Sheol )
Into the nether world is brought down thy pride, the clatter of thy psalteries: beneath thee is spread the worm, and thy cover is the moth. (Sheol )
Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva, pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako; honye dzawarirwa pasi pako uye makonye anokufukidza. (Sheol )
But into the nether world shalt thou be brought down, into the lowest depth. (Sheol )
Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzika dzika kwegomba. (Sheol )
Because ye have said, “We have entered into a covenant with death, and with the nether world have we made an agreement; the overflowing scourge, when it passeth by, shall not come at us; for we have made lies our refuge, and under falsehood have we sought a hiding-place.” (Sheol )
Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu, takatenderana neguva. Shamhu inokukura painouya, haizotibati, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.” (Sheol )
And your covenant with death shall be annulled, and your agreement with the nether world shall not have permanence; the overflowing scourge, when it passeth by—then shall ye be trodden down by it. (Sheol )
Sungano yenyu norufu ichadzimwa; chitenderano chenyu neguva hachingamiri. Shamhu inokukura painouya, muchakundwa nayo. (Sheol )
I had said, In the midst of my days, must I enter the gates of the nether world; I am deprived of the residue of my years. (Sheol )
Ndakati, “Mazuva oupenyu hwangu achangotanga ndingafanira kupinda mumasuo orufu here? Ndigotorerwa makore angu asara here?” (Sheol )
For the nether world will not thank thee, death will not praise thee: they that go down into the pit will not hope for thy truth. (Sheol )
Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai, rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo; vanodzika kugomba havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu. (Sheol )
And thou didst show thyself unto the king without ointment, and thou didst multiply thy perfumes, and thou didst send out thy messengers even into the far-off distance, and didst debase thyself even down to the nether world. (Sheol )
Wakaenda kuna Moreki namafuta omuorivhi ukawedzera zvinonhuhwira zvako. Wakatumira nhume dzako kure; wakaburukira kuguva chaiko! (Sheol )
Thus hath said the Lord Eternal, On the day when it went down to the grave I caused a mourning; I covered the deep for its sake, and I restrained its rivers, and the great waters were withheld; and I caused Lebanon to be clothed in black attire for its sake, and all the trees of the field were famished because of it. (Sheol )
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava. (Sheol )
Through the noise of its downfall I caused nations to quake, when I cast it down into the tomb with the [others] that descend into the pit: and in the land of the nether world comforted themselves all the trees of 'Eden, the choice and best of Lebanon, all that were nourished by water. (Sheol )
Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi. (Sheol )
They also went down with it into the tomb unto those that were slain with the sword, and its helpers that had dwelt under its shade in the midst of the nations. (Sheol )
Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo. (Sheol )
Then will speak of him the strongest among the mighty out of the midst of the nether world with those that once helped him, They are gone down, there lie the uncircumcised, —slain by the sword. (Sheol )
Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’ (Sheol )
And those who are fallen of the uncircumcised shall not lie with the mighty, who are gone down to the nether world with their weapons of war, while men laid their swords under their heads, and the [instruments of] their iniquities were upon their bones; for the terror of the mighty was in the land of the living. (Sheol )
Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu. (Sheol )
From the power of the grave would I ransom them, from death would I redeem them; [but now] where are thy plagues, O death, where is thy pestilence, O grave? compassion shall be hidden from my eyes. (Sheol )
“Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva; ndichavadzikinura kubva parufu. Dziripiko hosha dzako, nhai rufu? Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva? “Handingazovi netsitsi, (Sheol )
Though they were to creep down into the nether world, thence would my hand fetch them; and though they were to climb up to the heavens, thence would I bring them down; (Sheol )
Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva, kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora. Kunyange vakakwira kumatenga, kubva ikoko ndichavadzikisa pasi. (Sheol )
And he said, I called from the midst of my distress unto the Lord, and he hath answered me: out of the depth of the grave have I cried, and thou hast heard my voice. (Sheol )
Akati: “Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha, iye akandipindura. Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe, uye imi makanzwa kuchema kwangu. (Sheol )
And though the wine-[drunken] traitor, the proud man, whose house will not stand, who enlargeth his desire as the grave, and is like death, which cannot be satisfied, —though he gather unto him all the nations, and assemble unto him all the people: (Sheol )
Zvirokwazvo, waini inomupandukira; anozvikudza uye haazombozorori. Nokuti anokara sezvinoita guva uye sorufu haaguti, anozviunganidzira ndudzi dzose uye anotapa marudzi ose avanhu. (Sheol )
Matthew 5:22 (Mateo 5:22)
(parallel missing)
Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena. (Geenna )
Matthew 5:29 (Mateo 5:29)
(parallel missing)
Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena. (Geenna )
Matthew 5:30 (Mateo 5:30)
(parallel missing)
Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena. (Geenna )
Matthew 10:28 (Mateo 10:28)
(parallel missing)
Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. (Geenna )
Matthew 11:23 (Mateo 11:23)
(parallel missing)
Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. (Hadēs )
Matthew 12:32 (Mateo 12:32)
(parallel missing)
Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya. (aiōn )
Matthew 13:22 (Mateo 13:22)
(parallel missing)
Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. (aiōn )
Matthew 13:39 (Mateo 13:39)
(parallel missing)
muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. (aiōn )
Matthew 13:40 (Mateo 13:40)
(parallel missing)
“Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. (aiōn )
Matthew 13:49 (Mateo 13:49)
(parallel missing)
Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, (aiōn )
Matthew 16:18 (Mateo 16:18)
(parallel missing)
Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi. (Hadēs )
Matthew 18:8 (Mateo 18:8)
(parallel missing)
Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. (aiōnios )
Matthew 18:9 (Mateo 18:9)
(parallel missing)
Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena. (Geenna )
Matthew 19:16 (Mateo 19:16)
(parallel missing)
Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” (aiōnios )
Matthew 19:29 (Mateo 19:29)
(parallel missing)
Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi. (aiōnios )
Matthew 21:19 (Mateo 21:19)
(parallel missing)
Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava. (aiōn )
Matthew 23:15 (Mateo 23:15)
(parallel missing)
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi. (Geenna )
Matthew 23:33 (Mateo 23:33)
(parallel missing)
“Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? (Geenna )
Matthew 24:3 (Mateo 24:3)
(parallel missing)
Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?” (aiōn )
Matthew 25:41 (Mateo 25:41)
(parallel missing)
“Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. (aiōnios )
Matthew 25:46 (Mateo 25:46)
(parallel missing)
“Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.” (aiōnios )
Matthew 28:20 (Mateo 28:20)
(parallel missing)
uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.” (aiōn )
Mark 3:29 (Mako 3:29)
(parallel missing)
Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.” (aiōn , aiōnios )
Mark 4:19 (Mako 4:19)
(parallel missing)
asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. (aiōn )
Mark 9:43 (Mako 9:43)
(parallel missing)
Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, (Geenna )
Mark 9:45 (Mako 9:45)
(parallel missing)
Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, (Geenna )
Mark 9:47 (Mako 9:47)
(parallel missing)
Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, (Geenna )
Mark 10:17 (Mako 10:17)
(parallel missing)
Jesu akati achifamba munzira, mumwe murume akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios )
Mark 10:30 (Mako 10:30)
(parallel missing)
achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi. (aiōn , aiōnios )
Mark 11:14 (Mako 11:14)
(parallel missing)
Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Vadzidzi vake vakamunzwa achidaro. (aiōn )
Luke 1:33 (Ruka 1:33)
(parallel missing)
uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” (aiōn )
Luke 1:55 (Ruka 1:55)
(parallel missing)
kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.” (aiōn )
Luke 1:70 (Ruka 1:70)
(parallel missing)
sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare, (aiōn )
Luke 8:31 (Ruka 8:31)
(parallel missing)
Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kugomba rakadzika. (Abyssos )
Luke 10:15 (Ruka 10:15)
(parallel missing)
Uye iwe, Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika. (Hadēs )
Luke 10:25 (Ruka 10:25)
(parallel missing)
Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios )
Luke 12:5 (Ruka 12:5)
(parallel missing)
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye. (Geenna )
Luke 16:8 (Ruka 16:8)
(parallel missing)
“Tenzi womuranda uyu akarumbidza mutariri asakarurama uyu nokuti akanga aita nokuchenjera. Nokuti vanhu venyika ino vakachenjera kwazvo pakuita kwavo kukunda vana vechiedza. (aiōn )
Luke 16:9 (Ruka 16:9)
(parallel missing)
Ndinoti kwamuri, ‘Shandisai pfuma yenyika kuti muzviwanire shamwari, kuitira kuti painopera, mugozogamuchirwa mudzimba dzisingaperi.’ (aiōnios )
Luke 16:23 (Ruka 16:23)
(parallel missing)
Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. (Hadēs )
Luke 18:18 (Ruka 18:18)
(parallel missing)
Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios )
Luke 18:30 (Ruka 18:30)
(parallel missing)
asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.” (aiōn , aiōnios )
Luke 20:34 (Ruka 20:34)
(parallel missing)
Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa. (aiōn )
Luke 20:35 (Ruka 20:35)
(parallel missing)
Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa, (aiōn )
John 3:15 (Johani 3:15)
(parallel missing)
kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi. (aiōnios )
John 3:16 (Johani 3:16)
(parallel missing)
“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. (aiōnios )
John 3:36 (Johani 3:36)
(parallel missing)
Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.” (aiōnios )
John 4:14 (Johani 4:14)
(parallel missing)
asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” (aiōn , aiōnios )
John 4:36 (Johani 4:36)
(parallel missing)
Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. (aiōnios )
John 5:24 (Johani 5:24)
(parallel missing)
“Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. (aiōnios )
John 5:39 (Johani 5:39)
(parallel missing)
Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu, (aiōnios )
John 6:27 (Johani 6:27)
(parallel missing)
Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.” (aiōnios )
John 6:40 (Johani 6:40)
(parallel missing)
Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.” (aiōnios )
John 6:47 (Johani 6:47)
(parallel missing)
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi. (aiōnios )
John 6:51 (Johani 6:51)
(parallel missing)
Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.” (aiōn )
John 6:54 (Johani 6:54)
(parallel missing)
Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. (aiōnios )
John 6:58 (Johani 6:58)
(parallel missing)
Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” (aiōn )
John 6:68 (Johani 6:68)
(parallel missing)
Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi. (aiōnios )
John 8:35 (Johani 8:35)
(parallel missing)
Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi. (aiōn )
John 8:51 (Johani 8:51)
(parallel missing)
Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.” (aiōn )
John 8:52 (Johani 8:52)
(parallel missing)
Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti une dhimoni iwe! Abhurahama akafa navaprofita vakafawo, asi iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rako, haangatongoraviri rufu. (aiōn )
John 9:32 (Johani 9:32)
(parallel missing)
Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu. (aiōn )
John 10:28 (Johani 10:28)
(parallel missing)
Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. (aiōn , aiōnios )
John 11:26 (Johani 11:26)
(parallel missing)
uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?” (aiōn )
John 12:25 (Johani 12:25)
(parallel missing)
Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. (aiōnios )
John 12:34 (Johani 12:34)
(parallel missing)
Vanhu vazhinji vakati, “Isu takanzwa kubva paMurayiro kuti Kristu achagara nokusingaperi, saka sei muchiti, ‘Mwanakomana anofanira kusimudzwa’? Ndianiko uyu ‘Mwanakomana woMunhu’?” (aiōn )
John 12:50 (Johani 12:50)
(parallel missing)
Ndinoziva kuti murayiro wavo unotungamirira kuupenyu husingaperi. Saka zvose zvandinoreva ndizvo chaizvo zvandakanzi nditaure naBaba.” (aiōnios )
John 13:8 (Johani 13:8)
(parallel missing)
Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.” (aiōn )
John 14:16 (Johani 14:16)
(parallel missing)
Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, (aiōn )
John 17:2 (Johani 17:2)
(parallel missing)
Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. (aiōnios )
John 17:3 (Johani 17:3)
(parallel missing)
Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. (aiōnios )
Acts 2:27 (Mabasa 2:27)
(parallel missing)
nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. (Hadēs )
Acts 2:31 (Mabasa 2:31)
(parallel missing)
Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. (Hadēs )
Acts 3:21 (Mabasa 3:21)
(parallel missing)
Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene. (aiōn )
Acts 13:46 (Mabasa 13:46)
(parallel missing)
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. (aiōnios )
Acts 13:48 (Mabasa 13:48)
(parallel missing)
VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. (aiōnios )
Acts 15:18 (Mabasa 15:18)
(parallel missing)
zvakangova zvazivikanwa kubva kare. (aiōn )
Romans 1:20 (VaRoma 1:20)
(parallel missing)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo. (aïdios )
Romans 1:25 (VaRoma 1:25)
(parallel missing)
Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni. (aiōn )
Romans 2:7 (VaRoma 2:7)
(parallel missing)
Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. (aiōnios )
Romans 5:21 (VaRoma 5:21)
(parallel missing)
kuitira kuti sokubata ushe kwakaita chivi murufu, naizvozvowo nyasha dzibate ushe kubudikidza nokururama, kuti dziuyise upenyu husingaperi kubudikidza naJesu Kristu, Ishe wedu. (aiōnios )
Romans 6:22 (VaRoma 6:22)
(parallel missing)
Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōnios )
Romans 6:23 (VaRoma 6:23)
(parallel missing)
Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōnios )
Romans 9:5 (VaRoma 9:5)
(parallel missing)
Madzibaba ndeavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni. (aiōn )
Romans 10:7 (VaRoma 10:7)
(parallel missing)
kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).” (Abyssos )
Romans 11:32 (VaRoma 11:32)
(parallel missing)
Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. (eleēsē )
Romans 11:36 (VaRoma 11:36)
(parallel missing)
Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni. (aiōn )
Romans 12:2 (VaRoma 12:2)
(parallel missing)
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. (aiōn )
Romans 16:25 (VaRoma 16:25)
(parallel missing)
Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura, (aiōnios )
Romans 16:26 (VaRoma 16:26)
(parallel missing)
asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende, (aiōnios )
Romans 16:27 (VaRoma 16:27)
(parallel missing)
kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni. (aiōn )
1-Corinthians 1:20 (1 VaKorinde 1:20)
(parallel missing)
Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? (aiōn )
1-Corinthians 2:6 (1 VaKorinde 2:6)
(parallel missing)
Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. (aiōn )
1-Corinthians 2:7 (1 VaKorinde 2:7)
(parallel missing)
Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. (aiōn )
1-Corinthians 2:8 (1 VaKorinde 2:8)
(parallel missing)
Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. (aiōn )
1-Corinthians 3:18 (1 VaKorinde 3:18)
(parallel missing)
Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera. (aiōn )
1-Corinthians 8:13 (1 VaKorinde 8:13)
(parallel missing)
Naizvozvo, kana zvandinodya zvichigumbusa hama yangu handichazodyizve nyama, kuti ndirege kuzomugumbusa. (aiōn )
1-Corinthians 10:11 (1 VaKorinde 10:11)
(parallel missing)
Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika. (aiōn )
1-Corinthians 15:55 (1 VaKorinde 15:55)
(parallel missing)
“Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” (Hadēs )
2-Corinthians 4:4 (2 VaKorinde 4:4)
(parallel missing)
Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. (aiōn )
2-Corinthians 4:17 (2 VaKorinde 4:17)
(parallel missing)
Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. (aiōnios )
2-Corinthians 4:18 (2 VaKorinde 4:18)
(parallel missing)
Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi. (aiōnios )
2-Corinthians 5:1 (2 VaKorinde 5:1)
(parallel missing)
Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. (aiōnios )
2-Corinthians 9:9 (2 VaKorinde 9:9)
(parallel missing)
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo; kururama kwake kunogara nokusingaperi.” (aiōn )
2-Corinthians 11:31 (2 VaKorinde 11:31)
(parallel missing)
Mwari naBaba vaIshe Jesu, uyo anofanira kurumbidzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema. (aiōn )
Galatians 1:4 (VaGaratia 1:4)
(parallel missing)
akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu, (aiōn )
Galatians 1:5 (VaGaratia 1:5)
(parallel missing)
ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. (aiōn )
Galatians 6:8 (VaGaratia 6:8)
(parallel missing)
Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. (aiōnios )
Ephesians 1:21 (VaEfeso 1:21)
(parallel missing)
pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya. (aiōn )
Ephesians 2:2 (VaEfeso 2:2)
(parallel missing)
izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri. (aiōn )
Ephesians 2:7 (VaEfeso 2:7)
(parallel missing)
kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. (aiōn )
Ephesians 3:9 (VaEfeso 3:9)
(parallel missing)
uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose. (aiōn )
Ephesians 3:11 (VaEfeso 3:11)
(parallel missing)
maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōn )
Ephesians 3:21 (VaEfeso 3:21)
(parallel missing)
ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni. (aiōn )
Ephesians 6:12 (VaEfeso 6:12)
(parallel missing)
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. (aiōn )
Philippians 4:20 (VaFiripi 4:20)
(parallel missing)
Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn )
Colossians 1:26 (VaKorose 1:26)
(parallel missing)
chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. (aiōn )
2-Thessalonians 1:9 (2 VaTesaronika 1:9)
(parallel missing)
Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake, (aiōnios )
2-Thessalonians 2:16 (2 VaTesaronika 2:16)
(parallel missing)
Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka, (aiōnios )
1-Timothy 1:16 (1 Timoti 1:16)
(parallel missing)
Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi. (aiōnios )
1-Timothy 1:17 (1 Timoti 1:17)
(parallel missing)
Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. (aiōn )
1-Timothy 6:12 (1 Timoti 6:12)
(parallel missing)
Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. (aiōnios )
1-Timothy 6:16 (1 Timoti 6:16)
(parallel missing)
Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisina angaswedera pachiri, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni. (aiōnios )
1-Timothy 6:17 (1 Timoti 6:17)
(parallel missing)
Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo. (aiōn )
2-Timothy 1:9 (2 Timoti 1:9)
(parallel missing)
akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, (aiōnios )
2-Timothy 2:10 (2 Timoti 2:10)
(parallel missing)
Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi. (aiōnios )
2-Timothy 4:10 (2 Timoti 4:10)
(parallel missing)
nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia. (aiōn )
2-Timothy 4:18 (2 Timoti 4:18)
(parallel missing)
Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn )
Titus 1:2 (Tito 1:2)
(parallel missing)
kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, (aiōnios )
Titus 2:12 (Tito 2:12)
(parallel missing)
Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino, (aiōn )
Titus 3:7 (Tito 3:7)
(parallel missing)
kuitira kuti mushure mokunge taruramisirwa nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi. (aiōnios )
Philemon 1:15 (Firimoni 1:15)
(parallel missing)
Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, (aiōnios )
Hebrews 1:2 (VaHebheru 1:2)
(parallel missing)
asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. (aiōn )
Hebrews 1:8 (VaHebheru 1:8)
(parallel missing)
Asi pamusoro poMwanakomana anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu. (aiōn )
Hebrews 5:6 (VaHebheru 5:6)
(parallel missing)
Uye akati, pane imwe nzvimbo, “Ndiwe muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” (aiōn )
Hebrews 5:9 (VaHebheru 5:9)
(parallel missing)
uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera (aiōnios )
Hebrews 6:2 (VaHebheru 6:2)
(parallel missing)
dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, dzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi. (aiōnios )
Hebrews 6:5 (VaHebheru 6:5)
(parallel missing)
vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya, (aiōn )
Hebrews 6:20 (VaHebheru 6:20)
(parallel missing)
makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimiririra. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki. (aiōn )
Hebrews 7:17 (VaHebheru 7:17)
(parallel missing)
Nokuti zvakataurwa zvichinzi: “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” (aiōn )
Hebrews 7:21 (VaHebheru 7:21)
(parallel missing)
asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari: “Ishe akapika uye haangashanduri murangariro wake: ‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’” (aiōn )
Hebrews 7:24 (VaHebheru 7:24)
(parallel missing)
asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. (aiōn )
Hebrews 7:28 (VaHebheru 7:28)
(parallel missing)
Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza Mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi. (aiōn )
Hebrews 9:12 (VaHebheru 9:12)
(parallel missing)
Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. (aiōnios )
Hebrews 9:14 (VaHebheru 9:14)
(parallel missing)
Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu! (aiōnios )
Hebrews 9:15 (VaHebheru 9:15)
(parallel missing)
Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga. (aiōnios )
Hebrews 9:26 (VaHebheru 9:26)
(parallel missing)
Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake. (aiōn )
Hebrews 11:3 (VaHebheru 11:3)
(parallel missing)
Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. (aiōn )
Hebrews 13:8 (VaHebheru 13:8)
(parallel missing)
Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi. (aiōn )
Hebrews 13:20 (VaHebheru 13:20)
(parallel missing)
Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi, (aiōnios )
Hebrews 13:21 (VaHebheru 13:21)
(parallel missing)
ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn )
James 3:6 (Jakobho 3:6)
(parallel missing)
Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena. (Geenna )
1-Peter 1:23 (1 Petro 1:23)
(parallel missing)
Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. (aiōn )
1-Peter 1:25 (1 Petro 1:25)
(parallel missing)
asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa. (aiōn )
1-Peter 4:11 (1 Petro 4:11)
(parallel missing)
Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn )
1-Peter 5:10 (1 Petro 5:10)
(parallel missing)
Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai. (aiōnios )
1-Peter 5:11 (1 Petro 5:11)
(parallel missing)
Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn )
2-Peter 1:11 (2 Petro 1:11)
(parallel missing)
nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu. (aiōnios )
2-Peter 2:4 (2 Petro 2:4)
(parallel missing)
Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa; (Tartaroō )
2-Peter 3:18 (2 Petro 3:18)
(parallel missing)
Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni. (aiōn )
1-John 1:2 (1 Johani 1:2)
(parallel missing)
Upenyu hwakaonekwa; takahuona uye tikapupura nezvahwo, uye tinoparidza kwamuri upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba uye hwakaratidzwa kwatiri. (aiōnios )
1-John 2:17 (1 Johani 2:17)
(parallel missing)
Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi. (aiōn )
1-John 2:25 (1 Johani 2:25)
(parallel missing)
Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi. (aiōnios )
1-John 3:15 (1 Johani 3:15)
(parallel missing)
Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi. (aiōnios )
1-John 5:11 (1 Johani 5:11)
(parallel missing)
Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. (aiōnios )
1-John 5:13 (1 Johani 5:13)
(parallel missing)
Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi. (aiōnios )
1-John 5:20 (1 Johani 5:20)
(parallel missing)
Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi. (aiōnios )
2-John 1:2 (2 Johani 1:2)
(parallel missing)
nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi: (aiōn )
Jude 1:6 (Judha 1:6)
(parallel missing)
Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. (aïdios )
Jude 1:7 (Judha 1:7)
(parallel missing)
Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi. (aiōnios )
Jude 1:13 (Judha 1:13)
(parallel missing)
Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi. (aiōn )
Jude 1:21 (Judha 1:21)
(parallel missing)
Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. (aiōnios )
Jude 1:25 (Judha 1:25)
(parallel missing)
kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni. (aiōn )
Revelation 1:6 (Zvakazarurwa 1:6)
(parallel missing)
uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari naBaba vake, ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni. (aiōn )
Revelation 1:18 (Zvakazarurwa 1:18)
(parallel missing)
Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi. (aiōn , Hadēs )
Revelation 4:9 (Zvakazarurwa 4:9)
(parallel missing)
Pose paipa zvisikwa zvipenyu mbiri, kukudzwa nokuvonga kuna iye anogara pachigaro choushe, iye anogara nokusingaperi-peri, (aiōn )
Revelation 4:10 (Zvakazarurwa 4:10)
(parallel missing)
vakuru makumi maviri navana vaiwira pasi pamberi pake iye anogara pachigaro choushe, uye vaimunamata iye anogara nokusingaperi-peri. Vaikanda korona dzavo pamberi pechigaro choushe vachiti: (aiōn )
Revelation 5:13 (Zvakazarurwa 5:13)
(parallel missing)
Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” (aiōn )
Revelation 6:8 (Zvakazarurwa 6:8)
(parallel missing)
Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakacheneruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika. (Hadēs )
Revelation 7:12 (Zvakazarurwa 7:12)
(parallel missing)
vachiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokubwinya nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa noushe nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni!” (aiōn )
Revelation 9:1 (Zvakazarurwa 9:1)
(parallel missing)
Mutumwa wechishanu akaridza hwamanda yake, ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo. (Abyssos )
Revelation 9:2 (Zvakazarurwa 9:2)
(parallel missing)
Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo. (Abyssos )
Revelation 9:11 (Zvakazarurwa 9:11)
(parallel missing)
Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni. (Abyssos )
Revelation 10:6 (Zvakazarurwa 10:6)
(parallel missing)
Uye akapika naiye anogara nokusingaperi-peri, iye akasika matenga nezvose zviri maari, nyika nezvose zviri mairi, uye negungwa nezvose zviri mariri, akati, “Hapachazombovizve nokunonoka! (aiōn )
Revelation 11:7 (Zvakazarurwa 11:7)
(parallel missing)
Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya. (Abyssos )
Revelation 11:15 (Zvakazarurwa 11:15)
(parallel missing)
Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti: “Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake, uye achatonga nokusingaperi-peri.” (aiōn )
Revelation 14:6 (Zvakazarurwa 14:6)
(parallel missing)
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. (aiōnios )
Revelation 14:11 (Zvakazarurwa 14:11)
(parallel missing)
Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.” (aiōn )
Revelation 15:7 (Zvakazarurwa 15:7)
(parallel missing)
Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri. (aiōn )
Revelation 17:8 (Zvakazarurwa 17:8)
(parallel missing)
Chikara, chawaona, chaivapo kare, zvino hachisisipo, uye chichabuda mugomba rakadzika chigoenda kundoparadzwa. Vanogara panyika vane mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachakatyamara pavachaona chikara, nokuti chakanga chiripo, asi zvino hachisisipo, asi chichauya. (Abyssos )
Revelation 19:3 (Zvakazarurwa 19:3)
(parallel missing)
Uyezve vakadanidzira vachiti: “Hareruya! Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.” (aiōn )
Revelation 19:20 (Zvakazarurwa 19:20)
(parallel missing)
Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu. (Limnē Pyr )
Revelation 20:1 (Zvakazarurwa 20:1)
(parallel missing)
Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. (Abyssos )
Revelation 20:3 (Zvakazarurwa 20:3)
(parallel missing)
Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku. (Abyssos )
Revelation 20:10 (Zvakazarurwa 20:10)
(parallel missing)
Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri. (aiōn , Limnē Pyr )
Revelation 20:13 (Zvakazarurwa 20:13)
(parallel missing)
Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. (Hadēs )
Revelation 20:14 (Zvakazarurwa 20:14)
(parallel missing)
Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. (Hadēs , Limnē Pyr )
Revelation 20:15 (Zvakazarurwa 20:15)
(parallel missing)
Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto. (Limnē Pyr )
Revelation 21:8 (Zvakazarurwa 21:8)
(parallel missing)
Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” (Limnē Pyr )
Revelation 22:5 (Zvakazarurwa 22:5)
(parallel missing)
Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri. (aiōn )