< 1 Kings 11 >
1 But king Solomon loved many strange women, beside the daughter of Pharaoh, women of the Moabites, 'Ammonites, Edomites, Zidonians, and Hittites.
Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti.
2 From the nations concerning which the Lord had said unto the children of Israel, Ye shall not go in among them, nor shall they come in among you; surely they will turn away your heart after their gods: unto these Solomon did cleave to love them.
Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo.
3 And he had seven hundred wives, princesses, and three hundred concubines: and his wives turned away his heart.
Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake.
4 And it came to pass, at the time that Solomon was old, that his wives turned away his heart after other gods; and his heart was not undivided with the Lord his God, like the heart of David his father.
Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake.
5 And Solomon went after 'Ashtoreth the divinity of the Zidonians, and after Milcom the abomination of the 'Ammonites.
Akatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.
6 And Solomon did what is evil in the eyes of the Lord, and went not fully after the Lord, like David his father.
Saka Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa naDhavhidhi baba vake.
7 Then did Solomon build a high-place for Kemosh, the abomination of Moab, on the mount that is before Jerusalem, and for Molech, the abomination of the children of 'Ammon.
Pagomo riri kumabvazuva kweJerusarema, Soromoni akavakira Kemoshi, mwari anonyangadza wavaMoabhu nzvimbo yakakwirira, akavakirawo Moreki, mwari anonyangadza wavaAmoni.
8 And so did he for all his strange wives, who burnt incense and sacrificed unto their gods.
Akaitira vakadzi vake vose vaibva kuna mamwe marudzi zvimwe chetezvo, ivo vaipisa zvinonhuhwira nokubayira zvibayiro kuna vamwari vavo.
9 And the Lord was angry with Solomon; because his heart was turned away from the Lord the God of Israel, who had appeared unto him twice;
Jehovha akatsamwira Soromoni nokuti mwoyo wake wakanga watsauka kubva kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo akanga azviratidza kwaari kaviri.
10 And had commanded him concerning this thing, that he should not go after other gods; but he did not keep that which the Lord had commanded.
Kunyange akanga adzivisa Soromoni kutevera vamwe vamwari, Soromoni haana kuchengeta murayiro waJehovha.
11 And the Lord said unto Solomon, Forasmuch as this is in thy mind, and thou hast not kept my covenant and my statutes, which I commanded concerning thee: I will surely rend the kingdom from thee, and will give it to thy servant.
Saka Jehovha akati kuna Soromoni, “Sezvo aya ari iwo mafungiro ako uye usina kuchengeta sungano yangu nemitemo yangu yandakakurayira, zvirokwazvo ndichabvarura umambo uhu ndichihubvisa kwauri ndigohupa kuno mumwe wavaranda vako.
12 Nevertheless in thy days will I not do it, for the sake of David thy father; [but] out of the hand of thy son will I rend it.
Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi baba vako, handisi kuzozviita uchiri mupenyu. Ndichahubvisa kubva muruoko rwomwanakomana wako.
13 Still all the kingdom will I not rend away: one tribe will I give to thy son on account of David my servant, and on account of Jerusalem which I have chosen.
Zvakadaro hazvo, handizobvisi umambo hwose, kubva kwaari, asi ndichamupa rudzi rumwe chete nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu uye nokuda kweJerusarema, randakasarudza.”
14 And the Lord stirred up an adversary unto Solomon, Hadad the Edomite: he was of the king's seed in Edom.
Ipapo Jehovha akamutsa Hadhadhi muEdhomu, weimba youmambo yeEdhomu kuti arwise Soromoni.
15 It came to pass, namely, when David was in Edom, when Joab the captain of the army was gone up to bury the slain, after he had smitten every male in Edom;
Dhavhidhi panguva yaakanga achirwa neEdhomu, Joabhu, mutungamiri wehondo, uyo akanga aenda kundoviga vakanga vafa, akauraya varume vose muEdhomu.
16 (For six months did Joab remain there with all Israel, until he had cut off every male in Edom: )
Joabhu navaIsraeri vose vakagarako kwemwedzi mitanhatu, kusvikira vauraya varume vose muEdhomu.
17 That Hadad fled, he and certain Edomites of his father's servants with him, to go into Egypt; but Hadad was then yet a young lad.
Asi Hadhadhi, uyo akanga achiri mukomana, akatizira kuIjipiti namamwe machinda echiEdhomu aimboshandira baba vake.
18 And they arose from Midian, and came to Paran; and they took [some] men with them from Paran, and came to Egypt, unto Pharaoh the king of Egypt; who gave him a house, and decreed him a support, and gave him land.
Vakasimuka vachibva kuMidhiani vakaenda kuParani. Ipapo vakatora vamwe varume vokuParani vakaenda pamwe chete kuIjipiti, kuna mambo Faro weIjipiti, uyo akapa Hadhadhi imba nomunda, akamupawo zvokudya.
19 And Hadad found great favor in the eyes of Pharaoh, so that he gave him for wife the sister of his own wife, the sister of Thachpeness the queen.
Faro akafadzwa naHadhadhi zvokuti akamupa muramu wake, mununʼuna wavahosi vake Tapenesi, kuti ave mukadzi wake.
20 And the sister of Thachpeness bore him Genubath his son, whom Thachpeness brought up in Pharaoh's house; and Genubath remained in Pharaoh's house among the sons of Pharaoh.
Mununʼuna waTapenesi uyu akamuberekera mwanakomana anonzi Genubhati, akakurira mumuzinda wamambo. Imomo, Genubhati akagara pamwe chete navana vaFaro.
21 And when Hadad heard in Egypt that David slept with his fathers, and that Joab the captain of the army was dead: Hadad said to Pharaoh, Dismiss me, that I may go to my own country.
Ari muIjipiti, Hadhadhi akanzwa kuti Dhavhidhi akanga azorora namadzibaba ake uye kuti Joabhu mutungamiri wehondo akanga afawo. Ipapo Hadhadhi akati kuna Faro, “Chindiregai ndiende hangu, ndidzokere kunyika yangu.”
22 Then said Pharaoh unto him, But what dost thou lack with me, that, behold, thou seekest to go to thy own country? And he answered, Nothing: nevertheless thou must let me go away.
Faro akamubvunza akati, “Washayeiko kuno zvowoda kudzokera kunyika yako?” Hadhadhi akapindura akati, “Hapana, asi regai ndiende zvangu!”
23 And God stirred him up [another] adversary, Rezon the son of Elyada', who had fled from Hadad'ezer the king of Zobah his lord;
Mwari akamutsira Soromoni mumwe muvengi, Rezoni, mwanakomana waEriadha, akanga atiza kubva kuna tenzi wake Hadhadhezeri mambo weZobha.
24 And he gathered around him some men, and became captain over a band, when David slew those [of Zobah]; and they went to Damascus, and dwelt therein, and reigned in Damascus.
Akazviunganidzira varume akabva ava mutungamiri wechikwata chavapanduki panguva yakaparadzwa mauto okuZobha naDhavhidhi; vapanduki ava vakaenda kuDhamasiko, kwavakagara uye vakatonga.
25 And he was an adversary to Israel all the days of Solomon, beside the mischief that Hadad did: and he abhorred Israel, and reigned over Syria.
Rezoni akava muvengi weIsraeri kwoupenyu hwaSoromoni hwose, akapamhidzira padambudziko raikonzerwa naHadhadhi. Rezoni akatonga muAramu uye akanga achivenga Israeri.
26 Also Jerobo'am the son of Nebat, an Ephrathite of Zeredah, the name of whose mother was Zeru'ah, a widow woman, was a servant of Solomon, and he lifted up his hand against the king.
Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akapandukirawo mambo. Aiva mumwe wamachinda aSoromoni, ari worudzi rwaEfuremu wokuZaredha, uye mai vake vainzi Zeruya vari chirikadzi.
27 And this was the occasion that he lifted up his hand against the king: Solomon built up the Millo, and closed up the breach of the city of David his father.
Heino nhoroondo yokupandukira mambo kwaakaita: Soromoni akavaka Miro, akagadzira pakanga paputsika murusvingo rweguta rababa vake Dhavhidhi.
28 And the man Jerobo'am was a mighty man of valor: and Solomon seeing the young man that he was [also] an industrious worker, he appointed him over all the charge of the house of Joseph.
Zvino Jerobhoamu aiva murume wesimba noumhare, uye Soromoni akaona kuti jaya iri raishanda kwazvo akabva amuita mutariri wavashandi vose veimba yaJosefa.
29 And it came to pass at that time when Jerobo'am went out of Jerusalem, that the prophet Achiyah the Shilonite found him on the way; and he had clad himself with a new garment; and these two were alone by themselves in the field;
Zvino panguva iyoyo Jerobhoamu akati achibva muJerusarema, Ahija muprofita wokuShiro akasangana naye panzira, akapfeka jasi idzva nomucheka. Vaviri ava vaiva voga kusango,
30 And Achiyah caught hold of the new garment that was on him, and rent it in twelve pieces;
ipapo Ahija akatora jasi idzva romucheka raakanga akapfeka akaribvarura-bvarura kuita zvipenga gumi nezviviri.
31 And he said to Jerobo'am, Take thee ten pieces; for thus hath said the Lord, the God of Israel, Behold, I will rend the kingdom out of the hand of Solomon, and I will give to thee the ten tribes;
Ipapo akati kuna Jerobhoamu, “Zvitorere zvipenga gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Tarira, ndichabvarura umambo kubva muruoko rwaSoromoni ndigokupa marudzi gumi.
32 But the one tribe shall remain for him, on account of my servant David, and on account of Jerusalem, the city which I have chosen out of all the tribes of Israel;
Asi nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi neguta reJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, achava norudzi rumwe chete.
33 For the cause that they have forsaken me, and have bowed down to 'Ashtoreth the divinity of the Zidonians, to Kemosh the god of Moab, and to Milcom the god of the children of 'Ammon, and have not walked in my ways, to do what is right in my eyes, and my statutes and my ordinances, like David his father.
Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni.
34 Nevertheless will I not take the whole kingdom out of his hand; but I will let him remain prince all the days of his life for the sake of David my servant, whom I chose, who kept my commandments and my statutes;
“‘Asi handizobvisi umambo hwose kubva muruoko rwaSoromoni; ndamuita mutongi mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakasarudza, akachengeta mirayiro yangu nemitemo yangu.
35 But I will take the kingdom out of the hand of his son, and I will give it unto thee, even the ten tribes.
Ndichatora umambo kubva mumaoko omwanakomana wake ndigokupa marudzi gumi.
36 And unto his son will I give one tribe; so that there may remain a government for David my servant at all times before me in Jerusalem, the city which I have chosen for me, to put my name there.
Ndichapa mwanakomana wake rudzi rumwe chete kuitira kuti Dhavhidhi muranda wangu arambe ane mwenje nguva dzose pamberi pangu muJerusarema, guta randakasarudza kuisa Zita rangu.
37 But thee will I take, and thou shalt reign over all that thy soul may long for; and thou shalt be king over Israel.
Zvisinei, kana uri iwe, ndichakutora, uye uchatonga pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wako; uchava mambo weIsraeri.
38 And it shall be, if thou wilt hearken unto all that I shall command thee, and wilt walk in my ways, and do what is right in my eyes, to keep my statutes and my commandments, as David my servant did: that I will be with thee, and build thee a permanent house, as I have built for David, and I will give Israel unto thee.
Kana ukaita chipi nechipi chandicharayira uye ukafamba munzira dzangu ukaita zvakarurama pamberi pangu uye ukachengeta mitemo nemirayiro yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe. Ndichakuvakira imba seyandakavakira Dhavhidhi uye ndichakupa Israeri.
39 And I will afflict the seed of David for this; but not for all times.
Ndichatambudza vana vaDhavhidhi nokuda kwenyaya iyi, asi kwete nokusingaperi.’”
40 Solomon thereupon sought to put Jerobo'am to death; but Jerobo'am arose, and fled into Egypt, unto Shishak the king of Egypt, and remained in Egypt until the death of Solomon.
Soromoni akaedza kuuraya Jerobhoamu, asi Jerobhoamu akatizira kuIjipiti, kuna mambo Shishaki, akagarako kusvikira Soromoni afa.
41 And the rest of the acts of Solomon, and all that he did and his wisdom, behold, they are written in the book of the history of Solomon.
Zvino mamwe mabasa aSoromoni, nezvose zvaakaita nouchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzaSoromoni?
42 And the days that Solomon reigned in Jerusalem over all Israel were forty years.
Soromoni akatonga Israeri yose muJerusarema kwamakore makumi mana.
43 And Solomon slept with his fathers, and was buried in the city of David his father; and Rehobo'am his son became king in his stead.
Ipapo akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.