< Luke 23 >
1 And the whole multitude of them arose, and led him unto Pilate.
Zvino chaunga chavo chese chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.
2 And they began to accuse him, saying, We found this [fellow] perverting the nation, and forbidding to give tribute to Cæsar, saying that he himself is Christ a King.
Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mitero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.
3 And Pilate asked him, saying, Art thou the King of the Jews? And he answered him and said, Thou sayest [it].
Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.
4 Then said Pilate to the chief priests and [to] the people, I find no fault in this man.
Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.
5 And they were the more fierce, saying, He stirreth up the people, teaching throughout all Jewry, beginning from Galilee to this place.
Asi vakasimbisa, vachiti: Unonyonganisa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rese, kutanga paGarirea kusvikira pano.
6 When Pilate heard of Galilee, he asked whether the man were a Galilæan.
Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
7 And as soon as he knew that he belonged unto Herod’s jurisdiction, he sent him to Herod, who himself also was at Jerusalem at that time.
Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhe, wakamutumira kuna Herodhe, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.
8 And when Herod saw Jesus, he was exceeding glad: for he was desirous to see him of a long [season], because he had heard many things of him; and he hoped to have seen some miracle done by him.
Zvino Herodhe paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nokuti waishuva kumuona kwenguva refu, nokuti wakange anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.
9 Then he questioned with him in many words; but he answered him nothing.
Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
10 And the chief priests and scribes stood and vehemently accused him.
Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.
11 And Herod with his men of war set him at nought, and mocked [him], and arrayed him in a gorgeous robe, and sent him again to Pilate.
NaHerodhe nemauto ake wakamuzvidza, nekuseka akamupfekedza nguvo refu inobwinya, akamudzosera kuna Pirato.
12 And the same day Pilate and Herod were made friends together: for before they were at enmity between themselves.
Nemusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari neshamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.
13 And Pilate, when he had called together the chief priests and the rulers and the people,
Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,
14 Said unto them, Ye have brought this man unto me, as one that perverteth the people: and, behold, I, having examined [him] before you, have found no fault in this man touching those things whereof ye accuse him:
akati kwavari: Mauisa munhu uyu kwandiri seanotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;
15 No, nor yet Herod: for I sent you to him; and, lo, nothing worthy of death is done unto him.
kwete, kunyange Herodhe; nokuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.
16 I will therefore chastise him, and release [him].
Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
17 (For of necessity he must release one unto them at the feast.)
Nokuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.
18 And they cried out all at once, saying, Away with this [man], and release unto us Barabbas:
Asi vese vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.
19 (Who for a certain sedition made in the city, and for murder, was cast into prison.)
Iye wakange akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo rakange raitika muguta uye neumhondi.
20 Pilate therefore, willing to release Jesus, spake again to them.
Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.
21 But they cried, saying, Crucify [him], crucify him.
Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!
22 And he said unto them the third time, Why, what evil hath he done? I have found no cause of death in him: I will therefore chastise him, and let [him] go.
Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
23 And they were instant with loud voices, requiring that he might be crucified. And the voices of them and of the chief priests prevailed.
Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.
24 And Pilate gave sentence that it should be as they required.
Zvino Pirato wakatema kuti chikumbiro chavo chiitike.
25 And he released unto them him that for sedition and murder was cast into prison, whom they had desired; but he delivered Jesus to their will.
Akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakange akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.
26 And as they led him away, they laid hold upon one Simon, a Cyrenian, coming out of the country, and on him they laid the cross, that he might bear [it] after Jesus.
Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.
27 And there followed him a great company of people, and of women, which also bewailed and lamented him.
Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.
28 But Jesus turning unto them said, Daughters of Jerusalem, weep not for me, but weep for yourselves, and for your children.
Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;
29 For, behold, the days are coming, in the which they shall say, Blessed [are] the barren, and the wombs that never bare, and the paps which never gave suck.
nokuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kunwisa.
30 Then shall they begin to say to the mountains, Fall on us; and to the hills, Cover us.
Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.
31 For if they do these things in a green tree, what shall be done in the dry?
Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?
32 And there were also two other, malefactors, led with him to be put to death.
Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.
33 And when they were come to the place, which is called Calvary, there they crucified him, and the malefactors, one on the right hand, and the other on the left.
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.
34 Then said Jesus, Father, forgive them; for they know not what they do. And they parted his raiment, and cast lots.
Jesu ndokuti: Baba, vakanganwirei; nokuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.
35 And the people stood beholding. And the rulers also with them derided [him], saying, He saved others; let him save himself, if he be Christ, the chosen of God.
Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamuseka, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.
36 And the soldiers also mocked him, coming to him, and offering him vinegar,
Nemautowo akamuseka, achimuvigira vhiniga,
37 And saying, If thou be the king of the Jews, save thyself.
uye vachiti: Kana iwe uri Mambo weVaJudha, zviponese.
38 And a superscription also was written over him in letters of Greek, and Latin, and Hebrew, THIS IS THE KING OF THE JEWS.
Zvino kwakange kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.
39 And one of the malefactors which were hanged railed on him, saying, If thou be Christ, save thyself and us.
Uye umwe wevaiti vezvakaipa vakange vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.
40 But the other answering rebuked him, saying, Dost not thou fear God, seeing thou art in the same condemnation?
Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?
41 And we indeed justly; for we receive the due reward of our deeds: but this man hath done nothing amiss.
Isu zvirokwazvo zvakarurama, nokuti tinogamuchira zvakafanira zvatakaita; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
42 And he said unto Jesus, Lord, remember me when thou comest into thy kingdom.
Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.
43 And Jesus said unto him, Verily I say unto thee, To day shalt thou be with me in paradise.
Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.
44 And it was about the sixth hour, and there was a darkness over all the earth until the ninth hour.
Zvino rakange rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yese, kusvikira paawa repfumbamwe.
45 And the sun was darkened, and the veil of the temple was rent in the midst.
Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.
46 And when Jesus had cried with a loud voice, he said, Father, into thy hands I commend my spirit: and having said thus, he gave up the ghost.
Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.
47 Now when the centurion saw what was done, he glorified God, saying, Certainly this was a righteous man.
Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu wakange akarurama.
48 And all the people that came together to that sight, beholding the things which were done, smote their breasts, and returned.
Nezvaunga zvese zvakange zvakaungana kuzoona izvozvi, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.
49 And all his acquaintance, and the women that followed him from Galilee, stood afar off, beholding these things.
Nevazikanwi vake vese, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.
50 And, behold, [there was] a man named Joseph, a counsellor; [and he was] a good man, and a just:
Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;
51 (The same had not consented to the counsel and deed of them; ) [he was] of Arimathæa, a city of the Jews: who also himself waited for the kingdom of God.
iye wakange asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta reVaJudha, naiyewo wakange achimirira ushe hwaMwari.
52 This [man] went unto Pilate, and begged the body of Jesus.
Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.
53 And he took it down, and wrapped it in linen, and laid it in a sepulchre that was hewn in stone, wherein never man before was laid.
Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva rakange rakacherwa pabwe, makange musina kumboradzikwa munhu.
54 And that day was the preparation, and the sabbath drew on.
Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.
55 And the women also, which came with him from Galilee, followed after, and beheld the sepulchre, and how his body was laid.
Nevakadziwo, vakange vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, nokuti mutumbi wake waradzikwa sei.
56 And they returned, and prepared spices and ointments; and rested the sabbath day according to the commandment.
Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.