< John 20 >

1 The first [day] of the week cometh Mary Magdalene early, when it was yet dark, unto the sepulchre, and seeth the stone taken away from the sepulchre.
Mangwanani, pazuva rokutanga revhiki, kuchakasviba, Maria Magadharena akaenda kuguva akaona kuti ibwe rakanga rabviswa pamukova.
2 Then she runneth, and cometh to Simon Peter, and to the other disciple, whom Jesus loved, and saith unto them, They have taken away the Lord out of the sepulchre, and we know not where they have laid him.
Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!”
3 Peter therefore went forth, and that other disciple, and came to the sepulchre.
Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva.
4 So they ran both together: and the other disciple did outrun Peter, and came first to the sepulchre.
Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe mudzidzi akamhanya kukunda Petro akatanga kusvika paguva.
5 And he stooping down, [and looking in], saw the linen clothes lying; yet went he not in.
Akakotama akatarira mukati pamicheka yakanga iri pasi asi haana kupinda.
6 Then cometh Simon Peter following him, and went into the sepulchre, and seeth the linen clothes lie,
Ipapo Simoni Petro, uyo akanga ari shure kwake, akasvikopinda muguva. Akaona micheka iri pasi,
7 And the napkin, that was about his head, not lying with the linen clothes, but wrapped together in a place by itself.
pamwe chete nomucheka wokuvigwa nawo wakanga uri mumusoro waJesu. Mucheka uyu wakanga wakapetwa uri woga, wakaparadzaniswa nomumwe mucheka.
8 Then went in also that other disciple, which came first to the sepulchre, and he saw, and believed.
Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda.
9 For as yet they knew not the scripture, that he must rise again from the dead.
(Vakanga vasati vanzwisisa kubva muRugwaro kuti Jesu aifanira kumuka kubva kuvakafa.)
10 Then the disciples went away again unto their own home.
Ipapo vadzidzi vakadzokera kumusha kwavo,
11 But Mary stood without at the sepulchre weeping: and as she wept, she stooped down, [and looked] into the sepulchre,
asi Maria akaramba amire kunze kweguva achichema. Achiri kuchema kudai, akakotama kuti atarire muguva
12 And seeth two angels in white sitting, the one at the head, and the other at the feet, where the body of Jesus had lain.
akaona vatumwa vaviri vane nguo chena, vagere pakambenge pane mutumbi waJesu, mumwe kumusoro uye mumwe kumakumbo.
13 And they say unto her, Woman, why weepest thou? She saith unto them, Because they have taken away my Lord, and I know not where they have laid him.
Vakamubvunza vakati, “Mai, munochemeiko?” Akati, “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kuti vamuisepi.”
14 And when she had thus said, she turned herself back, and saw Jesus standing, and knew not that it was Jesus.
Ipapo akatendeuka akatarira shure akaona Jesu amirepo, asi haana kuziva kuti akanga ari Jesu.
15 Jesus saith unto her, Woman, why weepest thou? whom seekest thou? She, supposing him to be the gardener, saith unto him, Sir, if thou have borne him hence, tell me where thou hast laid him, and I will take him away.
Akati, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Maria achifunga kuti aiva muchengeti webindu, akati, “Ishe, kana mamutora, ndiudzei henyu kwamamuisa ndigomutora.”
16 Jesus saith unto her, Mary. She turned herself, and saith unto him, Rabboni; which is to say, Master.
Jesu akati kwaari, “Maria.” Akatendeukira kwaari akadanidzira nechiHebheru achiti, “Rabhi!” (kureva kuti Mudzidzisi).
17 Jesus saith unto her, Touch me not; for I am not yet ascended to my Father: but go to my brethren, and say unto them, I ascend unto my Father, and your Father; and [to] my God, and your God.
Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti handisati ndadzokera kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undovaudza kuti, ‘Ndiri kudzokera kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu, naMwari wenyu.’”
18 Mary Magdalene came and told the disciples that she had seen the Lord, and [that] he had spoken these things unto her.
Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akandovaudza kuti, “Ndaona Ishe!” Uye akavaudza kuti Jesu akanga areva zvinhu izvi kwaari.
19 Then the same day at evening, being the first [day] of the week, when the doors were shut where the disciples were assembled for fear of the Jews, came Jesus and stood in the midst, and saith unto them, Peace [be] unto you.
Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
20 And when he had so said, he shewed unto them [his] hands and his side. Then were the disciples glad, when they saw the Lord.
Shure kwokutaura izvi, akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakafara zvikuru pavakaona Ishe.
21 Then said Jesus to them again, Peace [be] unto you: as [my] Father hath sent me, even so send I you.
Jesu akatizve kwavari, “Rugare ngaruve kwamuri! Sezvo Baba vakandituma, ndiri kukutumaiwo.”
22 And when he had said this, he breathed on [them], and saith unto them, Receive ye the Holy Ghost:
Uye adaro akavafemera akati, “Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23 Whose soever sins ye remit, they are remitted unto them; [and] whose soever [sins] ye retain, they are retained.
Kana muchiregerera ani zvake zvivi zvake, zvicharegererwa; kana musingavaregereri, havaregererwi.”
24 But Thomas, one of the twelve, called Didymus, was not with them when Jesus came.
Zvino Tomasi (ainzi Dhidhimo), mumwe wavane gumi navaviri, akanga asiri pamwe chete navamwe vadzidzi, Jesu paakauya.
25 The other disciples therefore said unto him, We have seen the Lord. But he said unto them, Except I shall see in his hands the print of the nails, and put my finger into the print of the nails, and thrust my hand into his side, I will not believe.
Saka vamwe vadzidzi vakamuudza kuti, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.”
26 And after eight days again his disciples were within, and Thomas with them: [then] came Jesus, the doors being shut, and stood in the midst, and said, Peace [be] unto you.
Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange zvazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
27 Then saith he to Thomas, Reach hither thy finger, and behold my hands; and reach hither thy hand, and thrust [it] into my side: and be not faithless, but believing.
Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.”
28 And Thomas answered and said unto him, My Lord and my God.
Tomasi akati kwaari, “Ishe wangu naMwari wangu!”
29 Jesus saith unto him, Thomas, because thou hast seen me, thou hast believed: blessed [are] they that have not seen, and [yet] have believed.
Ipapo Jesu akati kwaari, “Nokuda kwokuti wandiona, zvino watenda; vakaropafadzwa avo vasina kuona asi vakatenda.”
30 And many other signs truly did Jesus in the presence of his disciples, which are not written in this book:
Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
31 But these are written, that ye might believe that Jesus is the Christ, the Son of God; and that believing ye might have life through his name.
Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.

< John 20 >