< Mark 16 >

1 And when the sabbath was past, Mary Magdalene, and Mary the mother of James, and Salome, had bought sweet spices, that they might come and anoint him.
Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vauye kunomuzodza.
2 And very early in the morning the first day of the week, they came unto the tomb at the rising of the sun.
Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wekutanga wevhiki vakauya kuguva, zuva robuda.
3 And they said among themselves, Who shall roll us away the stone from the door of the tomb?
Vakati pakati pavo: Ndiani achatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva?
4 And when they looked, they saw that the stone was rolled away: for it was very great.
Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakange rakunguruswa, nokuti raiva guru-guru.
5 And entering into the tomb, they saw a young man sitting on the right side, clothed in a long white garment; and they were affrighted.
Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya rakange rigere kurudyi, rakapfeka nguvo refu chena; vakavhunduka;
6 And he says unto them, Be not affrighted: All of you seek Jesus of Nazareth, which was crucified: he has risen; he is not here: behold the place where they laid him.
asi rakati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavakange vamuradzika.
7 But go your way, tell his disciples and Peter that he goes before you into Galilee: there shall all of you see him, as he said unto you.
Asi endai, munoudza vadzidzi vake naPetro kuti anokutungamirirai kuGarirea, muchanomuonako sezvaakakuudzai.
8 And they went out quickly, and fled from the tomb; for they trembled and were amazed: neither said they any thing to any man; for they were afraid.
Zvino vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vakange vachitya.
9 Now when Jesus was risen early the first day of the week, he appeared first to Mary Magdalene, out of whom he had cast seven devils.
(note: The most reliable and earliest manuscripts do not include Mark 16:9-20.) Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newekutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe.
10 And she went and told them that had been with him, as they mourned and wept.
Uyo akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira.
11 And they, when they had heard that he was alive, and had been seen of her, believed not.
Neava vanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakange aonekwa naye, havana kutenda.
12 After that he appeared in another form unto two of them, as they walked, and went into the country.
Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.
13 And they went and told it unto the residue: neither believed they them.
Zvino avawo vakaenda vakaudza vakange vasara; naavo vakasavatenda.
14 Afterward he appeared unto the eleven as they sat at food, and upbraided them with their unbelief and hardness of heart, because they believed not them which had seen him after he was risen.
Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akatsiura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vakange vamuona amuka.
15 And he said unto them, Go all of you into all the world, and preach the gospel to every creature.
Akati kwavari: Endai munyika yese muparidze evhangeri kuchisikwa chega-chega.
16 He that believes and is baptized shall be saved; but he that believes not shall be damned.
Uyo anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achapiwa mhosva.
17 And these signs shall follow them that believe; In my name shall they cast out devils; they shall speak with new tongues;
Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni, vachataura nendimi itsva;
18 They shall take up serpents; and if they drink any deadly thing, it shall not hurt them; they shall lay hands on the sick, and they shall recover.
vachanonga nyoka; kunyange vakanwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.
19 So then after the Lord had spoken unto them, he was received up into heaven, and sat on the right hand of God.
Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari.
20 And they went forth, and preached every where, the Lord working with them, and confirming the word (logos) with signs following. Amen.
Avo vakabuda, vakaparidza kwese-kwese, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.

< Mark 16 >