< John 7 >

1 AFTER these things Jesus walked in Galilee: for he would not walk in Jewry, because the Jews sought to kill him.
Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti VaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya.
2 Now the Jews’ feast of tabernacles was at hand.
Zvino mutambo weVaJudha, mutambo wematende wakange waswedera.
3 His brethren therefore said unto him, Depart hence, and go into Judæa, that thy disciples also may see the works that thou doest.
Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.
4 For there is no man that doeth any thing in secret, and he himself seeketh to be known openly. If thou do these things, shew thyself to the world.
Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivande iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.
5 For neither did his brethren believe in him.
Nokuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari.
6 Then Jesus said unto them, My time is not yet come: but your time is alway ready.
Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
7 The world cannot hate you; but me it hateth, because I testify of it, that the works thereof are evil.
Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.
8 Go ye up unto this feast: I go not up yet unto this feast; for my time is not yet full come.
Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika.
9 When he had said these words unto them, he abode still in Galilee.
Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.
10 But when his brethren were gone up, then went he also up unto the feast, not openly, but as it were in secret.
Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.
11 Then the Jews sought him at the feast, and said, Where is he?
Zvino VaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya?
12 And there was much murmuring among the people concerning him: for some said, He is a good man: others said, Nay; but he deceiveth the people.
Kwakavapo kun'un'una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga.
13 Howbeit no man spake openly of him for fear of the Jews.
Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya VaJudha.
14 Now about the midst of the feast Jesus went up into the temple, and taught.
Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.
15 And the Jews marvelled, saying, How knoweth this man letters, having never learned?
Zvino VaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza?
16 Jesus answered them, and said, My doctrine is not mine, but his that sent me.
Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma.
17 If any man will do his will, he shall know of the doctrine, whether it be of God, or whether I speak of myself.
Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu.
18 He that speaketh of himself seeketh his own glory: but he that seeketh his glory that sent him, the same is true, and no unrighteousness is in him.
Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.
19 Did not Moses give you the law, and yet none of you keepeth the law? Why go ye about to kill me?
Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?
20 The people answered and said, Thou hast a devil: who goeth about to kill thee?
Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya?
21 Jesus answered and said unto them, I have done one work, and ye all marvel.
Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mese.
22 Moses therefore gave unto you circumcision; (not because it is of Moses, but of the fathers; ) and ye on the sabbath day circumcise a man.
Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.
23 If a man on the sabbath day receive circumcision, that the law of Moses should not be broken; are ye angry at me, because I have made a man every whit whole on the sabbath day?
Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?
24 Judge not according to the appearance, but judge righteous judgment.
Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.
25 Then said some of them of Jerusalem, Is not this he, whom they seek to kill?
Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here?
26 But, lo, he speaketh boldly, and they say nothing unto him. Do the rulers know indeed that this is the very Christ?
Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?
27 Howbeit we know this man whence he is: but when Christ cometh, no man knoweth whence he is.
Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva.
28 Then cried Jesus in the temple as he taught, saying, Ye both know me, and ye know whence I am: and I am not come of myself, but he that sent me is true, whom ye know not.
Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.
29 But I know him: for I am from him, and he hath sent me.
Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.
30 Then they sought to take him: but no man laid hands on him, because his hour was not yet come.
Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake rakange risati rasvika.
31 And many of the people believed on him, and said, When Christ cometh, will he do more miracles than these which this man hath done?
Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?
32 The Pharisees heard that the people murmured such things concerning him; and the Pharisees and the chief priests sent officers to take him.
VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; VaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.
33 Then said Jesus unto them, Yet a little while am I with you, and then I go unto him that sent me.
Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.
34 Ye shall seek me, and shall not find me: and where I am, thither ye cannot come.
Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.
35 Then said the Jews among themselves, Whither will he go, that we shall not find him? will he go unto the dispersed among the Gentiles, and teach the Gentiles?
Naizvozvo VaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira veVaGiriki, adzidzise VaGiriki here?
36 What manner of saying is this that he said, Ye shall seek me, and shall not find me: and where I am, thither ye cannot come?
Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?
37 In the last day, that great day of the feast, Jesus stood and cried, saying, If any man thirst, let him come unto me, and drink.
Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe.
38 He that believeth on me, as the scripture hath said, out of his belly shall flow rivers of living water.
Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake.
39 (But this spake he of the Spirit, which they that believe on him should receive: for the Holy Ghost was not yet given; because that Jesus was not yet glorified.)
Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nokuti Jesu wakange asati akudzwa.
40 Many of the people therefore, when they heard this saying, said, Of a truth this is the Prophet.
Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.
41 Others said, This is the Christ. But some said, Shall Christ come out of Galilee?
Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here?
42 Hath not the scripture said, That Christ cometh of the seed of David, and out of the town of Bethlehem, where David was?
Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi?
43 So there was a division among the people because of him.
Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.
44 And some of them would have taken him; but no man laid hands on him.
Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.
45 Then came the officers to the chief priests and Pharisees; and they said unto them, Why have ye not brought him?
Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru neVaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?
46 The officers answered, Never man spake like this man.
Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.
47 Then answered them the Pharisees, Are ye also deceived?
Zvino VaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?
48 Have any of the rulers or of the Pharisees believed on him?
Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuVaFarisi?
49 But this people who knoweth not the law are cursed.
Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.
50 Nicodemus saith unto them, (he that came to Jesus by night, being one of them, )
Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:
51 Doth our law judge any man, before it hear him, and know what he doeth?
Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?
52 They answered and said unto him, Art thou also of Galilee? Search, and look: for out of Galilee ariseth no prophet.
Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.
53 And every man went unto his own house.
Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.

< John 7 >