< Lamentations 3 >
1 I AM the man that has seen affliction by the rod of his wrath.
Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.
2 He has led me, and brought me into darkness, but not into light.
Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;
3 Surely against me is he turned; he turns his hand against me all the day.
zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.
4 My flesh and my skin has he made old; he has broken my bones.
Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
5 He has built against me, and compassed me with gall and travail.
Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.
6 He has set me in dark places, as they that be dead of old.
Akandigarisa murima savanhu vakafa kare kare.
7 He has hedged me about, that I cannot get out: he has made my chain heavy.
Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.
8 Also when I cry and shout, he shuts out my prayer.
Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze.
9 He has enclosed my ways with hewn stone, he has made my paths crooked.
Akadzivira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
10 He was to me as a bear lying in wait, and as a lion in secret places.
Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,
11 He has turned aside my ways, and pulled me in pieces: he has made me desolate.
akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura akandisiya ndisina mubatsiri.
12 He has bent his bow, and set me as a mark for the arrow.
Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.
13 He has caused the arrows of his quiver to enter into my reins.
Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
14 I was a derision to all my people; and their song all the day.
Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
15 He has filled me with bitterness, he has made me drunken with wormwood.
Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru.
16 He has also broken my teeth with gravel stones, he has covered me with ashes.
Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
17 And you have removed my soul far off from peace: I forgot prosperity.
Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
18 And I said, My strength and my hope is perished from the LORD:
Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
19 Remembering my affliction and my misery, the wormwood and the gall.
Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.
20 My soul has them still in remembrance, and is humbled in me.
Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
21 This I recall to my mind, therefore have I hope.
Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:
22 It is of the LORD’s mercies that we are not consumed, because his compassions fail not.
Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
23 They are new every morning: great is your faithfulness.
Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
24 The LORD is my portion, says my soul; therefore will I hope in him.
Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
25 The LORD is good to them that wait for him, to the soul that seeks him.
Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;
26 It is good that a man should both hope and quietly wait for the salvation of the LORD.
chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.
27 It is good for a man that he bear the yoke of his youth.
Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.
28 He sits alone and keeps silence, because he has borne it on him.
Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.
29 He puts his mouth in the dust; if so be there may be hope.
Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.
30 He gives his cheek to him that smites him: he is filled full with reproach.
Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.
31 For the LORD will not cast off for ever:
Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.
32 But though he cause grief, yet will he have compassion according to the multitude of his mercies.
Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.
33 For he does not afflict willingly nor grieve the children of men.
Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.
34 To crush under his feet all the prisoners of the earth.
Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,
35 To turn aside the right of a man before the face of the most High,
kurambira munhu kodzero yake pamberi peWokumusoro-soro,
36 To subvert a man in his cause, the LORD approves not.
kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
37 Who is he that says, and it comes to pass, when the Lord commands it not?
Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?
38 Out of the mouth of the most High proceeds not evil and good?
Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?
39 Why does a living man complain, a man for the punishment of his sins?
Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
40 Let us search and try our ways, and turn again to the LORD.
Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.
41 Let us lift up our heart with our hands to God in the heavens.
Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
42 We have transgressed and have rebelled: you have not pardoned.
“Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.
43 You have covered with anger, and persecuted us: you have slain, you have not pitied.
“Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira; makauraya musinganzwiri ngoni.
44 You have covered yourself with a cloud, that our prayer should not pass through.
Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.
45 You have made us as the offscouring and refuse in the middle of the people.
Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.
46 All our enemies have opened their mouths against us.
“Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.
47 Fear and a snare is come on us, desolation and destruction.
Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”
48 My eye runs down with rivers of water for the destruction of the daughter of my people.
Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.
49 My eye trickles down, and ceases not, without any intermission.
Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,
50 Till the LORD look down, and behold from heaven.
kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.
51 My eye affects my heart because of all the daughters of my city.
Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu, nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.
52 My enemies chased me sore, like a bird, without cause.
Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero vakandivhima seshiri.
53 They have cut off my life in the dungeon, and cast a stone on me.
Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;
54 Waters flowed over my head; then I said, I am cut off.
mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
55 I called on your name, O LORD, out of the low dungeon.
Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
56 You have heard my voice: hide not your ear at my breathing, at my cry.
Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
57 You drew near in the day that I called on you: you said, Fear not.
Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”
58 O LORD, you have pleaded the causes of my soul; you have redeemed my life.
Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.
59 O LORD, you have seen my wrong: judge you my cause.
Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!
60 You have seen all their vengeance and all their imaginations against me.
Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.
61 You have heard their reproach, O LORD, and all their imaginations against me;
Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,
62 The lips of those that rose up against me, and their device against me all the day.
dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu pamusoro pangu zuva rose.
63 Behold their sitting down, and their rising up; I am their music.
Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, vanondituka nenziyo dzavo.
64 Render to them a recompense, O LORD, according to the work of their hands.
Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, zvakaitwa namaoko avo.
65 Give them sorrow of heart, your curse to them.
Isai chidziro pamwoyo yavo, uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!
66 Persecute and destroy them in anger from under the heavens of the LORD.
Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, vabve pasi pamatenga aJehovha.