< Exodus 7 >

1 And the LORD said to Moses, See, I have made you a god to Pharaoh: and Aaron your brother shall be your prophet.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako.
2 You shall speak all that I command you: and Aaron your brother shall speak to Pharaoh, that he send the children of Israel out of his land.
Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.
3 And I will harden Pharaoh’s heart, and multiply my signs and my wonders in the land of Egypt.
Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti,
4 But Pharaoh shall not listen to you, that I may lay my hand on Egypt, and bring forth my armies, and my people the children of Israel, out of the land of Egypt by great judgments.
haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye namabasa okutonga kukuru ndichabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu vaIsraeri.
5 And the Egyptians shall know that I am the LORD, when I stretch forth my hand on Egypt, and bring out the children of Israel from among them.
Uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi.”
6 And Moses and Aaron did as the LORD commanded them, so did they.
Mozisi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha.
7 And Moses was fourscore years old, and Aaron fourscore and three years old, when they spoke to Pharaoh.
Mozisi akanga ana makore makumi masere uye Aroni makumi masere namatatu pavakataura kuna Faro.
8 And the LORD spoke to Moses and to Aaron, saying,
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
9 When Pharaoh shall speak to you, saying, Show a miracle for you: then you shall say to Aaron, Take your rod, and cast it before Pharaoh, and it shall become a serpent.
“Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.”
10 And Moses and Aaron went in to Pharaoh, and they did so as the LORD had commanded: and Aaron cast down his rod before Pharaoh, and before his servants, and it became a serpent.
Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka.
11 Then Pharaoh also called the wise men and the sorcerers: now the magicians of Egypt, they also did in like manner with their enchantments.
Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo.
12 For they cast down every man his rod, and they became serpents: but Aaron’s rod swallowed up their rods.
Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
13 And he hardened Pharaoh’s heart, that he listened not to them; as the LORD had said.
Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
14 And the LORD said to Moses, Pharaoh’s heart is hardened, he refuses to let the people go.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende.
15 Get you to Pharaoh in the morning; see, he goes out to the water; and you shall stand by the river’s brink against he come; and the rod which was turned to a serpent shall you take in your hand.
Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka.
16 And you shall say to him, The LORD God of the Hebrews has sent me to you, saying, Let my people go, that they may serve me in the wilderness: and, behold, till now you would not hear.
Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera.’
17 Thus says the LORD, In this you shall know that I am the LORD: behold, I will smite with the rod that is in my hand on the waters which are in the river, and they shall be turned to blood.
Zvanzi naJehovha: ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye ichashanduka ikava ropa.
18 And the fish that is in the river shall die, and the river shall stink; and the Egyptians shall loathe to drink of the water of the river.
Hove dziri muna Nairi dzichafa, uye rwizi ruchanhuhwa; vaIjipita havazokwanisi kunwa mvura yarwo.’”
19 And the LORD spoke to Moses, Say to Aaron, Take your rod, and stretch out your hand on the waters of Egypt, on their streams, on their rivers, and on their ponds, and on all their pools of water, that they may become blood; and that there may be blood throughout all the land of Egypt, both in vessels of wood, and in vessels of stone.
Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yemiti neyamabwe.”
20 And Moses and Aaron did so, as the LORD commanded; and he lifted up the rod, and smote the waters that were in the river, in the sight of Pharaoh, and in the sight of his servants; and all the waters that were in the river were turned to blood.
Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, mvura yose ikashanduka ikava ropa.
21 And the fish that was in the river died; and the river stank, and the Egyptians could not drink of the water of the river; and there was blood throughout all the land of Egypt.
Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti.
22 And the magicians of Egypt did so with their enchantments: and Pharaoh’s heart was hardened, neither did he listen to them; as the LORD had said.
Asi nʼanga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
23 And Pharaoh turned and went into his house, neither did he set his heart to this also.
Asi akadzokera mumuzinda wake, uye haana kunyange kuzviisa mumwoyo make.
24 And all the Egyptians dig round about the river for water to drink; for they could not drink of the water of the river.
Uye vaIjipita vose vakachera mujinga maNairi kuti vawane mvura yokunwa, nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yomurwizi.
25 And seven days were fulfilled, after that the LORD had smitten the river.
Mazuva manomwe akapfuura mushure mokunge Jehovha arova Nairi.

< Exodus 7 >