< Leviticus 9 >

1 And it came to pass on the eighth day, that Moses called Aaron and his sons, and the elders of Israel;
Pazuva rorusere Mozisi akadana Aroni navanakomana vake navakuru veIsraeri.
2 and he said unto Aaron: 'Take thee a bull-calf for a sin-offering, and a ram for a burnt-offering, without blemish, and offer them before the LORD.
Akati kuna Aroni, “Tora hando diki yechipiriso chako chechivi negondobwe rechipiriso chako chinopiswa zvose zvisina kuremara ugouya nazvo kuna Jehovha.
3 And unto the children of Israel thou shalt speak, saying: Take ye a he-goat for a sin-offering; and a calf and a lamb, both of the first year, without blemish, for a burnt-offering;
Uti kuvana veIsraeri, ‘Torai nhongo yembudzi yechipiriso chechivi, mhuru negwayana zvose zvine gore uye zvisina kuremara sechipiriso chinopiswa
4 and an ox and a ram for peace-offerings, to sacrifice before the LORD; and a meal-offering mingled with oil; for to-day the LORD appeareth unto you.'
nehando negondobwe zvechipiriso chokuwadzana kuti mubayire pamberi paJehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo chakasanganiswa namafuta. Nokuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’”
5 And they brought that which Moses commanded before the tent of meeting; and all the congregation drew near and stood before the LORD.
Vakatora zvinhu zvakarayirwa naMozisi vakaenda nazvo mberi kweTende Rokusangana uye ungano yose ikauya ikamira pamberi paJehovha.
6 And Moses said: 'This is the thing which the LORD commanded that ye should do; that the glory of the LORD may appear unto you.'
Ipapo Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kuti muite kuti kubwinya kwaJehovha kugoratidzwa kwamuri.”
7 And Moses said unto Aaron: 'Draw near unto the altar, and offer thy sin-offering, and thy burnt-offering, and make atonement for thyself, and for the people; and present the offering of the people, and make atonement for them; as the LORD commanded.'
Mozisi akati kuna Aroni, “Uya kuaritari ugobayira chipiriso chako chechivi nechipiriso chako chinopiswa ugozviyananisira iwe navanhu; bayira chipiriso chavanhu ugovayananisira sezvakarayirwa naJehovha.”
8 So Aaron drew near unto the altar, and slew the calf of the sin-offering, which was for himself.
Saka Aroni akauya kuaritari akabaya mhuru sechipiriso chechivi chake.
9 And the sons of Aaron presented the blood unto him; and he dipped his finger in the blood, and put it upon the horns of the altar, and poured out the blood at the base of the altar.
Vanakomana vake vakauya neropa kwaari akanyika munwe wake muropa akariisa panyanga dzearitari. Rimwe ropa rose akaridururira mujinga mearitari.
10 But the fat, and the kidneys, and the lobe of the liver of the sin-offering, he made smoke upon the altar; as the LORD commanded Moses.
Akapisa mafuta, itsvo namafuta akafukidza chiropa kubva pachipiriso chechivi paaritari sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
11 And the flesh and the skin were burnt with fire without the camp.
Nyama nedehwe akazvipisa kunze kwomusasa.
12 And he slew the burnt-offering; and Aaron's sons delivered unto him the blood, and he dashed it against the altar round about.
Ipapo akabaya chipiriso chinopiswa, uye vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose.
13 And they delivered the burnt-offering unto him, piece by piece, and the head; and he made them smoke upon the altar.
Vakamutambidza chipiriso chinopiswa chidimbu nechidimbu zvichisanganisira musoro akazvipisa paaritari.
14 And he washed the inwards and the legs, and made them smoke upon the burnt-offering on the altar.
Akasuka ura namakumbo akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa paaritari.
15 And the people's offering was presented; and he took the goat of the sin-offering which was for the people, and slew it, and offered it for sin, as the first.
Ipapo Aroni akauya nechipiriso chavanhu akatora mbudzi yechipiriso chavanhu chechivi akaiuraya uye akaipa sechipiriso chechivi sezvaakaita neyokutanga.
16 And the burnt-offering was presented; and he offered it according to the ordinance.
Akauya nechipiriso chinopiswa akachipa nenzira yakatarwa.
17 And the meal-offering was presented; and he filled his hand therefrom, and made it smoke upon the altar, besides the burnt-offering of the morning.
Akauyawo nechipiriso chezviyo, akatora tsama yacho akaipisa paaritari achiwedzera pachipiriso chinopiswa mangwanani.
18 He slew also the ox and the ram, the sacrifice of peace-offerings, which was for the people; and Aaron's sons delivered unto him the blood, and he dashed it against the altar round about,
Akabaya hando negondobwe sechipiriso chokuwadzana chavanhu. Vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose.
19 and the fat of the ox, and of the ram, the fat tail, and that which covereth the inwards, and the kidneys, and the lobe of the liver.
Asi mafuta ehando neegondobwe, chimuswe chakakora, fukidziro yamafuta, itsvo nezvinofukidza chiropa,
20 And they put the fat upon the breasts, and he made the fat smoke upon the altar.
izvi vakazviisa pazvityu. Aroni akapisa mafuta paaritari.
21 And the breasts and the right thigh Aaron waved for a wave-offering before the LORD; as Moses commanded.
Aroni akaninira zvityu nebandauko rokurudyi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira sokurayirwa kwaMozisi.
22 And Aaron lifted up his hands toward the people, and blessed them; and he came down from offering the sin-offering, and the burnt-offering, and the peace-offerings.
Ipapo Aroni akasimudzira maoko ake kuvanhu akavaropafadza. Apedza kubayira chipiriso chechivi, chipiriso chinopiswa nechipiriso chokuwadzana akaburuka pasi.
23 And Moses and Aaron went into the tent of meeting, and came out, and blessed the people; and the glory of the LORD appeared unto all the people.
Mozisi naAroni vakapinda muTende Rokusangana. Pavakabuda vakaropafadza vanhu, uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose.
24 And there came forth fire from before the LORD, and consumed upon the altar the burnt-offering and the fat; and when all the people saw it, they shouted, and fell on their faces.
Moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta paaritari. Vanhu vose pavakazviona vakadanidzira nomufaro uye vakawira pasi nezviso zvavo.

< Leviticus 9 >