< Genesis 39 >

1 And Joseph was brought down to Egypt; and Potiphar, an officer of Pharaoh's, the captain of the guard, an Egyptian, bought him of the hand of the Ishmaelites, that had brought him down thither.
Zvino Josefa akanga atorwa akaendeswa kuIjipiti. Potifa muIjipita uyo akanga ari mumwe wamachinda aFaro ari mukuru wavarindi, akamutenga kuvaIshumaeri avo vakanga vamuendesa ikoko.
2 And the LORD was with Joseph, and he was a prosperous man; and he was in the house of his master the Egyptian.
Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire, uye aigara mumba momuIjipita, tenzi wake.
3 And his master saw that the LORD was with him, and that the LORD made all that he did to prosper in his hand.
Tenzi wake akati achiona kuti Jehovha akanga anaye uye kuti Jehovha akamuita kuti abudirire muzvinhu zvose zvaakanga achiita,
4 And Joseph found favour in his sight, and he ministered unto him. And he appointed him overseer over his house, and all that he had he put into his hand.
Josefa akawana nyasha pamberi pake uye akava mubatiri wake. Potifa akamuita kuti ave mutariri weimba yake, uye akamuita muchengeti wezvinhu zvose zvakanga zviri zvake.
5 And it came to pass from the time that he appointed him overseer in his house, and over all that he had, that the LORD blessed the Egyptian's house for Joseph's sake; and the blessing of the LORD was upon all that he had, in the house and in the field.
Kubvira panguva yaakamuisa kuti ave mutariri weimba yake nowezvinhu zvose zvaaiva nazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipita nokuda kwaJosefa. Maropafadzo aJehovha akanga ari pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zviri zvaPotifa, zvose mumba nomumunda.
6 And he left all that he had in Joseph's hand; and, having him, he knew not aught save the bread which he did eat. And Joseph was of beautiful form, and fair to look upon.
Saka akaisa mumaoko aJosefa zvinhu zvose zvaakanga anazvo; Josefa ari mutariri, iye haana kumbova nehanya nezvimwe zvinhu kunze kwezvokudya zvaaidya bedzi. Zvino Josefa akanga akanyatsoumbwa, akanaka,
7 And it came to pass after these things, that his master's wife cast her eyes upon Joseph; and she said: 'Lie with me.'
uye shure kwechinguva mukadzi watenzi wake akatarira Josefa ndokubva ati kwaari, “Uya uzovata neni!”
8 But he refused, and said unto his master's wife: 'Behold, my master, having me, knoweth not what is in the house, and he hath put all that he hath into my hand;
Asi akaramba. Akati kwaari, “Ini somutariri, tenzi wangu haana kuva nehanya nezvinhu zvose zviri mumba make; zvose zvaanazvo, akazviisa mumaoko angu.
9 he is not greater in this house than I; neither hath he kept back any thing from me but thee, because thou art his wife. How then can I do this great wickedness, and sin against God?'
Hamuna munhu mukuru muno mumba kupfuura ini. Tenzi wangu havana kundinyima kana chinhu chimwe zvacho kunze kwenyu, nokuti imi muri mukadzi wavo. Zvino ndingaitirei chinhu chakaipa kudai uye ndichitadzira Mwari?”
10 And it came to pass, as she spoke to Joseph day by day, that he hearkened not unto her, to lie by her, or to be with her.
Uye kunyange zvake aitaura naJosefa zuva nezuva, iye akaramba kuenda panhoo naye, kana kutombova naye.
11 And it came to pass on a certain day, when he went into the house to do his work, and there was none of the men of the house there within,
Rimwe zuva akapinda mumba kuti andoita mabasa ake, uye kwakanga kusina mumwe wavashandi vomumba aivamo.
12 that she caught him by his garment, saying: 'Lie with me.' And he left his garment in her hand, and fled, and got him out.
Akamubata nejasi rake uye akati, “Uya kumubhedha uzovata neni!” Asi akasiya jasi rake muruoko rwake akamhanya ndokubuda kunze kwemba.
13 And it came to pass, when she saw that he had left his garment in her hand, and was fled forth,
Akati aona kuti asiya jasi rake muruoko rwake uye kuti akanga abuda kunze kwemba,
14 that she called unto the men of her house, and spoke unto them, saying: 'See, he hath brought in a Hebrew unto us to mock us; he came in unto me to lie with me, and I cried with a loud voice.
akadanidzira kuvashandi, akati, “Tarirai, muHebheru uyu akauyiswa kwatiri kuti azotidadira! Apinda muno kuti azovata neni, asi ndaridza mhere.
15 And it came to pass, when he heard that I lifted up my voice and cried, that he left his garment by me, and fled, and got him out.'
Paanzwa ndoridza mhere kuti ndibatsirwe, abva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.”
16 And she laid up his garment by her, until his master came home.
Akachengeta jasi rake parutivi pake kusvikira tenzi wake auya kumba.
17 And she spoke unto him according to these words, saying: 'The Hebrew servant, whom thou hast brought unto us, came in unto me to mock me.
Ipapo akamutaurira nyaya iyi akati, “Uya muranda wechiHebheru wamakauyisa kwatiri akauya kwandiri kuti azondidadira.
18 And it came to pass, as I lifted up my voice and cried, that he left his garment by me, and fled out.'
Asi pandangoridza mhere kuti ndibatsirwe, akabva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.”
19 And it came to pass, when his master heard the words of his wife, which she spoke unto him, saying: 'After this manner did thy servant to me'; that his wrath was kindled.
Tenzi wake akati anzwa nyaya yaakaudzwa nomukadzi wake achiti, “Izvi ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wako,” akavira nehasha.
20 And Joseph's master took him, and put him into the prison, the place where the king's prisoners were bound; and he was there in the prison.
Tenzi waJosefa akamutora akamuisa mutorongo, nzvimbo yaichengeterwa vasungwa vamambo; saka akava mutorongo.
21 But the LORD was with Joseph, and showed kindness unto him, and gave him favour in the sight of the keeper of the prison.
Jehovha akava naJosefa; akamunzwira tsitsi akamuitira nyasha pamberi pomutariri womutorongo.
22 And the keeper of the prison committed to Joseph's hand all the prisoners that were in the prison; and whatsoever they did there, he was the doer of it.
Saka mutariri womutorongo akaita kuti Josefa ave mutariri wavose vaiva vakabatwa mutorongo, uye ndiye aiona nezvose zvaiitwa imomo.
23 The keeper of the prison looked not to any thing that was under his hand, because the LORD was with him; and that which he did, the LORD made it to prosper.
Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chipi zvacho chaiva pasi paJosefa, nokuti Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire pane zvose zvaaiita.

< Genesis 39 >