< Deuteronomy 29 >

1 These are the words of the covenant which the LORD commanded Moses to make with the children of Israel in the land of Moab, beside the covenant which He made with them in Horeb.
Aya ndiwo mashoko esungano akarayirwa Mozisi naJehovha kuti aaite navana veIsraeri munyika yeMoabhu, kupamhidzira pamusoro pesungano yaakaita navo paHorebhi.
2 And Moses called unto all Israel, and said unto them: Ye have seen all that the LORD did before your eyes in the land of Egypt unto Pharaoh, and unto all his servants, and unto all his land;
Mozisi akadana vaIsraeri vose akati kwavari: Meso enyu akaona zvose zvakaitwa naJehovha muIjipiti kuna Faro, namachinda ake ose uye nokunyika yake yose.
3 the great trials which thine eyes saw, the signs and those great wonders;
Nameso enyu chaiwo makaona miedzo iya mikuru, nezviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru.
4 but the LORD hath not given you a heart to know, and eyes to see, and ears to hear, unto this day.
Asi kusvikira nanhasi Jehovha haana kukupai pfungwa dzokunzwisisa kana meso okuona kana nzeve dzokunzwa.
5 And I have led you forty years in the wilderness; your clothes are not waxen old upon you, and thy shoe is not waxen old upon thy foot.
Pamakore makumi mana andakakutungamirirai nomurenje, nguo dzenyu hadzina kusakara, kunyange neshangu dzenyu dzamaiva makapfeka.
6 Ye have not eaten bread, neither have ye drunk wine or strong drink; that ye might know that I am the LORD your God.
Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
7 And when ye came unto this place, Sihon the king of Heshbon, and Og the king of Bashan, came out against us unto battle, and we smote them.
Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda.
8 And we took their land, and gave it for an inheritance unto the Reubenites, and to the Gadites, and to the half-tribe of the Manassites.
Takatora nyika yavo tikaipa kuvaRubheni, navaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.
9 Observe therefore the words of this covenant, and do them, that ye may make all that ye do to prosper.
Chenjerai kuti munyatsotevera mashoko esungano iyi kuitira kuti muzobudirira pazvinhu zvose zvamunoita.
10 Ye are standing this day all of you before the LORD your God: your heads, your tribes, your elders, and your officers, even all the men of Israel,
Imi mose nhasi makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vatungamiri venyu navarume vose veIsraeri,
11 your little ones, your wives, and thy stranger that is in the midst of thy camp, from the hewer of thy wood unto the drawer of thy water;
pamwe chete navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vanogara pamisasa yenyu vanokutemerai huni dzenyu uye vanokukuchererai mvura.
12 that thou shouldest enter into the covenant of the LORD thy God — and into His oath — which the LORD thy God maketh with thee this day;
Makamira pano kuti muite sungano naJehovha Mwari wenyu, sungano iyo Jehovha ari kuita nemi nhasi achiisimbisa nemhiko,
13 that He may establish thee this day unto Himself for a people, and that He may be unto thee a God, as He spoke unto thee, and as He swore unto thy fathers, to Abraham, to Isaac, and to Jacob.
kuti akusimbisei nhasi savanhu vake, kuti ave Mwari wenyu sezvaakavimbisa uye sezvaakapika kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho.
14 Neither with you only do I make this covenant and this oath;
Ndiri kuita sungano iyi, nemhiko yacho, kwete nemi chete,
15 but with him that standeth here with us this day before the LORD our God, and also with him that is not here with us this day —
imi makamira nesu pano nhasi uno pamberi paJehovha Mwari wedu, asi navayawo vasiri pano nhasi.
16 for ye know how we dwelt in the land of Egypt; and how we came through the midst of the nations through which ye passed;
Imi pachenyu munoziva magariro atakaita muIjipiti uye namapfuuriro atakaita nomunyika dzatakafamba nemadziri parwendo kusvikira tasvika pano.
17 and ye have seen their detestable things, and their idols, wood and stone, silver and gold, which were with them —
Makaona pakati padzo zvifananidzo nezviumbwa zvinonyangadza zvamatanda namabwe, zvesirivha negoridhe.
18 lest there should be among you man, or woman, or family, or tribe, whose heart turneth away this day from the LORD our God, to go to serve the gods of those nations; lest there should be among you a root that beareth gall and wormwood;
Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro.
19 and it come to pass, when he heareth the words of this curse, that he bless himself in his heart, saying: 'I shall have peace, though I walk in the stubbornness of my heart — that the watered be swept away with the dry';
Kana munhu akadaro akanzwa mashoko emhiko iyi, anozviropafadza uye naizvozvo agofunga kuti, “Ndichava norugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yangu.” Izvi zvichauyisa njodzi panyika nyoro uye napanyika yakaoma.
20 the LORD will not be willing to pardon him, but then the anger of the LORD and His jealousy shall be kindled against that man, and all the curse that is written in this book shall lie upon him, and the LORD shall blot out his name from under heaven;
Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga.
21 and the LORD shall separate him unto evil out of all the tribes of Israel, according to all the curses of the covenant that is written in this book of the law.
Jehovha achamutsaura iye ari oga kubva pamarudzi ose eIsraeri kuti amuise panjodzi, maererano nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri romurayiro.
22 And the generation to come, your children that shall rise up after you, and the foreigner that shall come from a far land, shall say, when they see the plagues of that land, and the sicknesses wherewith the LORD hath made it sick;
Vana venyu, ivo zvizvarwa zvichazokuteverai uye navatorwa vachauya kubva kunyika dziri kure pavachazoona matambudziko achawira nyika uye nezvirwere zvaicharohwa nazvo naJehovha.
23 and that the whole land thereof is brimstone, and salt, and a burning, that it is not sown, nor beareth, nor any grass groweth therein, like the overthrow of Sodom and Gomorrah, Admah and Zeboiim, which the LORD overthrew in His anger, and in His wrath;
Nyika yose inenge ichitsva nokuparadzwa nomunyu nesafuri, pasina zvakadyarwa, pasina zvinomeramo, pasina uswa nemiti zvinokuramo. Zvichaita sokuparadzwa kweSodhomu neGomora kana kuparadzwa kweAdhama neZebhoimi, idzo Jehovha akaparadza mukutsamwa kwake kunotyisa.
24 even all the nations shall say 'Wherefore hath the LORD done thus unto this land? what meaneth the heat of this great anger?'
Ndudzi dzose dzichabvunza dzichiti, “Ko, sei Jehovha akaita izvi kunyika iyi. Sei akatsamwa zvinotyisa kudai?”
25 then men shall say: 'Because they forsook the covenant of the LORD, the God of their fathers, which He made with them when He brought them forth out of the land of Egypt;
Zvino mhinduro yacho ichava yokuti, “Nemhaka yokuti vanhu vake vakasiya sungano yaJehovha, iye Mwari wamadzibaba avo, sungano yaakaita navo paakavabudisa kubva muIjipiti.
26 and went and served other gods, and worshipped them, gods that they knew not, and that He had not allotted unto them;
Vakabva vakaenda vakandonamata vamwe vamwari uye vakavapfugamira, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vaakanga asina kuvapa.
27 therefore the anger of the LORD was kindled against this land, to bring upon it all the curse that is written in this book;
Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro penyika iyi, zvokuti akauyisa pamusoro payo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri.
28 and the LORD rooted them out of their land in anger, and in wrath, and in great indignation, and cast them into another land, as it is this day'. —
Mukutsamwa kunotyisa nehasha huru Jehovha akavadzura kubva munyika yavo akavarasira kune imwe nyika sezvazvakaita iye zvino.”
29 The secret things belong unto the LORD our God; but the things that are revealed belong unto us and to our children for ever, that we may do all the words of this law.
Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvinhu zvakaratidzwa ndezvedu isu navana vedu nokusingaperi, kuti tigotevera mashoko ose omurayiro uyu.

< Deuteronomy 29 >