< 2 Kings 23 >

1 And the king sent, and they gathered unto him all the elders of Judah and of Jerusalem.
Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema pamwe chete.
2 And the king went up to the house of the LORD, and all the men of Judah and all the inhabitants of Jerusalem with him, and the priests, and the prophets, and all the people, both small and great; and he read in their ears all the words of the book of the covenant which was found in the house of the LORD.
Akakwidza achienda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, navanhu veJerusarema, vaprista navaprofita, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha.
3 And the king stood on the platform, and made a covenant before the LORD, to walk after the LORD, and to keep His commandments, and His testimonies, and His statutes, with all his heart, and all his soul, to confirm the words of this covenant that were written in this book; and all the people stood to the covenant.
Mambo akamira pambiru akavandudza sungano pamberi paJehovha, kuti atevere Jehovha uye achengete zvaakarayira, nezvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose, nomweya wake wose nokudaro achisimbisa mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Ipapo vanhu vose vakazvipira kusungano.
4 And the king commanded Hilkiah the high priest, and the priests of the second order, and the keepers of the door, to bring forth out of the temple of the LORD all the vessels that were made for Baal, and for the Asherah, and for all the host of heaven; and he burned them without Jerusalem in the fields of Kidron, and carried the ashes of them unto Beth-el.
Zvino mambo akarayira Hirikia muprista mukuru, navaprista vaimutevera paukuru navarindi vemikova kuti vabvise mutemberi yaJehovha zvose zvakanga zvaitirwa Bhaari naAshera nenyeredzi dzose dzokudenga. Akazvipisira kunze kweJerusarema muminda yoMupata weKidhironi, akaendesa madota azvo kuBheteri.
5 And he put down the idolatrous priests, whom the kings of Judah had ordained to offer in the high places in the cities of Judah, and in the places round about Jerusalem; them also that offered unto Baal, to the sun, and to the moon, and to the constellations, and to all the host of heaven.
Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga.
6 And he brought out the Asherah from the house of the LORD, without Jerusalem, unto the brook Kidron, and burned it at the brook Kidron, and stamped it small to powder, and cast the powder thereof upon the graves of the common people.
Akabvisa danda raAshera mutemberi yaJehovha akariisa kuMupata weKidhironi kunze kweJerusarema akaripisirako. Akarikuya rikava madota, akaparadzira madota acho pamusoro pamarinda avanhuwo zvavo.
7 And he broke down the houses of the sodomites, that were in the house of the LORD, where the women wove coverings for the Asherah.
Akaputsawo dzimba dzezvifeve zvavarume zvapatemberi dzaiva mutemberi yaJehovha mairukira vakadzi machira aAshera.
8 And he brought all the priests out of the cities of Judah, and defiled the high places where the priests had made offerings, from Geba to Beer-sheba; and he broke down the high places of the gates that were at the entrance of the gate of Joshua the governor of the city, which were on a man's left hand as he entered the gate of the city.
Josia akabudisa vaprista vose vaibva mumaguta eJudha akashatisa matunhu akakwirira, kubva kuGebha kusvikira kuBheerishebha, kwaipisirwa zvinonhuhwira navaprista. Akaputsa dzimba dzapamatunhu akakwirira apamasuo apamukova weSuo raJoshua, mutongi weguta, raiva kuruboshwe rwesuo reguta.
9 Nevertheless the priests of the high places came not up to the altar of the LORD in Jerusalem, but they did eat unleavened bread among their brethren.
Kunyange zvazvo vaprista vamatunhu akakwirira vakanga vasingashumiri paaritari yaJehovha muJerusarema, vakadya zvingwa zvisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo vaprista.
10 And he defiled Topheth, which is in the valley of the son of Hinnom, that no man might make his son or his daughter to pass through the fire to Molech.
Akashatisa Tofeti iri muMupata weBheni Hinomi, kuitira kuti pasava nomunhu angapashandisa kubayira mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto kuna Moreki.
11 And he took away the horses that the kings of Judah had given to the sun, at the entrance of the house of the LORD, by the chamber of Nethan-melech the officer, which was in the precincts; and he burned the chariots of the sun with fire.
Akabvisa pasuo retemberi yaJehovha mabhiza akanga akumikidzwa kuzuva namadzimambo eJudha, akanga ari muchivanze pedyo nekamuri romubati ainzi Natani-Mereki. Ipapo Josia akapisa ngoro dzakanga dzakakumikidzwa kuzuva.
12 And the altars that were on the roof of the upper chamber of Ahaz, which the kings of Judah had made, and the altars which Manasseh had made in the two courts of the house of the LORD, did the king break down, and beat them down from thence, and cast the dust of them into the brook Kidron.
Akaputsira pasi aritari dzakanga dzavakwa namadzimambo eJudha pamusoro pedenga, pedyo nekamuri rapamusoro raAhazia, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zvetemberi yaJehovha. Akadzibvisapo, akadziputsa-putsa uye akakanda marara acho muMupata weKidhironi.
13 And the high places that were before Jerusalem, which were on the right hand of the mount of corruption, which Solomon the king of Israel had builded for Ashtoreth the detestation of the Zidonians, and for Chemosh the detestation of Moab, and for Milcom the abomination of the children of Ammon, did the king defile.
Mambo akashatisawo matunhu akakwirira akanga ari kumabvazuva kweJerusarema nechezasi kweChikomo choUori, izvo zvakanga zvavakwa naSoromoni mambo weIsraeri achivakira Ashitoreti mwari anonyangadza wavaSidhoni naKemoshi mwari anonyangadza wavaMoabhu, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.
14 And he broke in pieces the pillars, and cut down the Asherim, and filled their places with the bones of men.
Josia akaputsa-putsa shongwe dzamatombo aiera akatema matanda aAshera akafukidza nzvimbo dzacho namapfupa avanhu.
15 Moreover the altar that was at Beth-el, and the high place which Jeroboam the son of Nebat, who made Israel to sin, had made, even that altar and the high place he broke down; and he burned the high place and stamped it small to powder, and burned the Asherah.
Pamusoro paizvozvo, akaparadza aritari paBheteri nenzvimbo yakakwirira yakaitwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akaita kuti Israeri itadze, kunyange aritari iyoyo nenzvimbo yakakwirira akazviputsa. Akapisa nzvimbo yakakwirira akaikuya kuita upfu, uye akapisawo danda raAshera.
16 And as Josiah turned himself, he spied the sepulchres that were there in the mount; and he sent, and took the bones out of the sepulchres, and burned them upon the altar, and defiled it, according to the word of the LORD which the man of God proclaimed, who proclaimed these things.
Ipapo Josia akatarira-tarira uye paakaona makuva akanga aripo pamusoro pechikomo, akarayira kuti mapfupa abviswe maari uye apiswe paaritari kuti aishatise, maererano neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari akaprofita zvinhu izvi.
17 Then he said: 'What monument is that which I see?' And the men of the city told him: 'It is the sepulchre of the man of God, who came from Judah, and proclaimed these things that thou hast done against the altar of Beth-el.'
Mambo akabvunza akati, “Ko, shongwe yeguva yandinoona iyo ndeyani?” Varume vomuguta vakati, “Ndiyo inoratidza guva romunhu waMwari akabva kuJudha akaprofita pamusoro pearitari yeBheteri nezvinhu izvi zvamaita kwairi.”
18 And he said: 'Let him be; let no man move his bones.' So they let his bones alone, with the bones of the prophet that came out of Samaria.
Iye akati, “Regai azorore. Ngakurege kuva nomunhu anokanganisa mapfupa ake.” Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwe chete neomuprofita akanga abva kuSamaria.
19 And all the houses also of the high places that were in the cities of Samaria, which the kings of Israel had made to provoke the LORD, Josiah took away, and did to them according to all the acts that he had done in Beth-el.
Josia akaita zvimwe chetezvo sezvaakanga aita paBheteri akabvisa uye akashatisa temberi dzose dzapamatunhu akakwirira dzakanga dzavakwa namadzimambo eIsraeri mumaguta eSamaria, akanga atsamwisa Jehovha,
20 And he slew all the priests of the high places that were there, upon the altars, and burned men's bones upon them; and he returned to Jerusalem.
Josia akauraya vaprista vose vokumatunhu akakwirira pamusoro pearitari uye akapisirapo mapfupa avanhu. Ipapo akabva adzokera kuJerusarema.
21 And the king commanded all the people, saying: 'Keep the passover unto the LORD your God, as it is written in this book of the covenant.'
Mambo akarayira vanhu vose akati, “Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika sezvazvakanyorwa muBhuku iri reSungano.”
22 For there was not kept such a passover from the days of the judges that judged Israel, nor in all the days of the kings of Israel, nor of the kings of Judah;
Hakuna kumbova nepasika yakadai kubvira pamazuva avatongi vakatungamirira Israeri kana pamazuva amadzimambo avaIsraeri, namadzimambo eJudha.
23 but in the eighteenth year of king Josiah was this passover kept to the LORD in Jerusalem.
Asi mugore regumi namasere raMambo Josia, pasika iyi yakaitirwa Jehovha muJerusarema.
24 Moreover them that divined by a ghost or a familiar spirit, and the teraphim, and the idols, and all the detestable things that were spied in the land of Judah and in Jerusalem, did Josiah put away, that he might confirm the words of the law which were written in the book that Hilkiah the priest found in the house of the LORD.
Pamusoro paizvozvo, Josia akabvisa masvikiro ose navavuki, navaiita zvemidzimu, nezvifananidzo nezvimwe zvose zvinonyangadza zvaionekwa muJudha nomuJerusarema. Akaita izvi kuti azadzise zvaidikanwa nomurayiro wakanga wakanyorwa mubhuku rakanga rakawanikwa nomuprista Hirikia mutemberi yaJehovha.
25 And like unto him was there no king before him, that turned to the LORD with all his heart, and with all his soul, and with all his might, according to all the law of Moses; neither after him arose there any like him.
Hapana kumbova namambo akaita saJosia kuna vakamutangira kana vakamutevera, akatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, uye nesimba rake rose, sezvaakaita achitevera Murayiro wose waMozisi.
26 Notwithstanding the LORD turned not from the fierceness of His great wrath, wherewith His anger was kindled against Judah, because of all the provocations wherewith Manasseh had provoked Him.
Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kushanduka pakupisa kwehasha dzake dzinotyisa, dzaipisira Judha nokuda kwezvose zvakaitwa naManase achimutsamwisa.
27 And the LORD said: 'I will remove Judah also out of My sight, as I have removed Israel, and I will cast off this city which I have chosen, even Jerusalem, and the house of which I said: My name shall be there.'
Naizvozvo Jehovha akati, “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu sokubvisa kwandakaita Israeri, uye ndicharamba Jerusarema, guta randakasarudza, netemberi iyi, yandakataura pamusoro payo ndichiti, ‘Zita rangu richagarapo.’”
28 Now the rest of the acts of Josiah, and all that he did, are they not written in the book of the chronicles of the kings of Judah?
Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJosia, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
29 In his days Pharaoh-necoh king of Egypt went up against the king of Assyria to the river Euphrates; and king Josiah went against him; and he slew him at Megiddo, when he had seen him.
Josia paakanga ari mambo, Faro Neko mambo weIjipiti akaenda kuRwizi Yufuratesi kuti andobatsira mambo weAsiria. Mambo Josia akaenda kundorwisana naye, asi Neko akamuona akamuuraya paMegidho.
30 And his servants carried him in a chariot dead from Megiddo, and brought him to Jerusalem, and buried him in his own sepulchre. And the people of the land took Jehoahaz the son of Josiah, and anointed him, and made him king in his father's stead.
Varanda vaJosia vakatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho kusvika kuJerusarema vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika imomo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuzodza uye vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.
31 Jehoahaz was twenty and three years old when he began to reign; and he reigned three months in Jerusalem; and his mother's name was Hamutal the daughter of Jeremiah of Libnah.
Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri namatatu paakava mambo, akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia, vaibva kuRibhina.
32 And he did that which was evil in the sight of the LORD, according to all that his fathers had done.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.
33 And Pharaoh-necoh put him in bands at Riblah in the land of Hamath, that he might not reign in Jerusalem; and put the land to a fine of a hundred talents of silver, and a talent of gold.
Faro Neko akamusunga nengetani paRibhira munyika yeHamati kuti asatonga muJerusarema, uye akaisa mutero pamusoro peJudha wamatarenda zana esirivha netarenda regoridhe.
34 And Pharaoh-necoh made Eliakim the son of Josiah king in the room of Josiah his father, and changed his name to Jehoiakim; but he took Jehoahaz away; and he came to Egypt, and died there.
Faro Neko akagadza Eriakimi mwanakomana waJosia kuti ave mambo panzvimbo yababa vake uye Josia akashandura zita raEriakimi kuti rive Jehoyakimi. Asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti, uye ndiko kwaakafira.
35 And Jehoiakim gave the silver and the gold to Pharaoh; but he taxed the land to give the money according to the commandment of Pharaoh; he exacted the silver and the gold of the people of the land, of every one according to his taxation, to give it unto Pharaoh-necoh.
Jehoyakimi akapa Faro Neko sirivha negoridhe sezvaakanga areva. Kuti aite izvozvo, akaripisa vanhu vomunyika imomo mutero achitora sirivha negoridhe kubva kuvanhu venyika maererano nezvavakanga vatarirwa.
36 Jehoiakim was twenty and five years old when he began to reign; and he reigned eleven years in Jerusalem; and his mother's name was Zebudah the daughter of Pedaiah of Rumah.
Jehoyakimi akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi nerimwe muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya; vaibva kuRuma.
37 And he did that which was evil in the sight of the LORD, according to all that his fathers had done.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

< 2 Kings 23 >