< 1 Chronicles 16 >
1 And they brought in the ark of God, and set it in the midst of the tent that David had pitched for it, and they offered burnt-offerings and peace-offerings before God.
Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.
2 And when David had made an end of offering the burnt-offering and the peace-offerings, he blessed the people in the name of the LORD.
Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.
3 And he dealt to every one of Israel, both man and woman, to every one a loaf of bread, and a cake made in a pan, and a sweet cake.
Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma.
4 And he appointed certain of the Levites to minister before the ark of the LORD, and to celebrate and to thank and praise the LORD, the God of Israel:
Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:
5 Asaph the chief, and second to him Zechariah, Jeiel, and Shemiramoth, and Jehiel, and Mattithiah, and Eliab, and Benaiah, and Obed-edom, and Jeiel, with psalteries and with harps; and Asaph with cymbals, sounding aloud;
Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira
6 and Benaiah and Jahaziel the priests with trumpets continually, before the ark of the covenant of God.
uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
7 Then on that day did David first ordain to give thanks unto the LORD, by the hand of Asaph and his brethren.
Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:
8 O give thanks unto the LORD, call upon His name; make known His doings among the peoples.
Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.
9 Sing unto Him, sing praises unto Him; speak ye of all His marvellous works.
Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.
10 Glory ye in His holy name; let the heart of them rejoice that seek the LORD.
Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.
11 Seek ye the LORD and His strength; seek His face continually.
Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
12 Remember His marvellous works that He hath done, His wonders, and the judgments of His mouth;
Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.
13 O ye seed of Israel His servant, ye children of Jacob, His chosen ones.
Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake, haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
14 He is the LORD our God; His judgments are in all the earth.
Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri munyika yose.
15 Remember His covenant for ever, the word which He commanded to a thousand generations;
Anorangarira sungano yake nokusingaperi, shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa.
16 The covenant which He made with Abraham, and His oath unto Isaac;
Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
17 And He established it unto Jacob for a statute, to Israel for an everlasting covenant;
Akasimbisa kuna Jakobho somutemo, kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:
18 Saying: 'Unto thee will I give the land of Canaan, the lot of your inheritance.'
“Kwauri ndichapa nyika yeKenani, sechikamu chenhaka yako.”
19 When ye were but a few men in number, yea, very few, and sojourners in it,
Pavakanga vari vashoma, vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,
20 And when they went about from nation to nation, and from one kingdom to another people,
vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe, kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.
21 He suffered no man to do them wrong, yea, for their sake He reproved kings:
Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire; nokuda kwavo akatuka madzimambo.
22 'Touch not Mine anointed ones, and do My prophets no harm.'
“Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
23 Sing unto the LORD, all the earth; proclaim His salvation from day to day.
Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
24 Declare His glory among the nations, His marvellous works among all the peoples.
Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
25 For great is the LORD, and highly to be praised; He also is to be feared above all gods.
Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
26 For all the gods of the peoples are things of nought; but the LORD made the heavens.
Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga.
27 Honour and majesty are before Him; strength and gladness are in His place.
Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.
28 Ascribe unto the LORD, ye kindreds of the peoples, ascribe unto the LORD glory and strength.
Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,
29 Ascribe unto the LORD the glory due unto His name; bring an offering, and come before Him; worship the LORD in the beauty of holiness.
ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
30 Tremble before Him, all the earth; the world also is established that it cannot be moved.
Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi.
31 Let the heavens be glad, and let the earth rejoice; and let them say among the nations: 'The LORD reigneth.'
Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!”
32 Let the sea roar, and the fulness thereof; let the field exult, and all that is therein;
Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri; minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.
33 Then shall the trees of the wood sing for joy, before the LORD, for He is come to judge the earth.
Ipapo miti yesango ichaimba, ichaimba nomufaro pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika.
34 O give thanks unto the LORD; for He is good; for His mercy endureth for ever.
Vongai Jehovha nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
35 And say ye: 'Save us, O God of our salvation, and gather us together and deliver us from the nations, that we may give thanks unto Thy holy name, that we may triumph in Thy praise.'
Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu; tiunganidzei uye mutirwire pandudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene kuti tifarisise mukukurumbidzai.”
36 Blessed be the LORD, the God of Israel, from everlasting even to everlasting. And all the people said: 'Amen,' and praised the LORD.
Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.
37 So he left there, before the ark of the covenant of the LORD, Asaph and his brethren, to minister before the ark continually, as every day's work required;
Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.
38 and Obed-edom with their brethren, threescore and eight; Obed-edom also the son of Jedithun and Hosah to be door-keepers;
Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo.
39 and Zadok the priest, and his brethren the priests, before the tabernacle of the LORD in the high place that was at Gibeon,
Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni
40 to offer burnt-offerings unto the LORD upon the altar of burnt-offering continually morning and evening, even according to all that is written in the Law of the LORD, which He commanded unto Israel;
kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.
41 and with them Heman and Jeduthun, and the rest that were chosen, who were mentioned by name, to give thanks to the LORD, because His mercy endureth for ever;
Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”
42 and with them Heman and Jeduthun, to sound aloud with trumpets and cymbals, and with instruments for the songs of God; and the sons of Jeduthun to be at the gate.
Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.
43 And all the people departed every man to his house; and David returned to bless his house.
Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.