< Leviticus 18 >
1 And the Lord spake vnto Moses, saying,
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 Speake vnto the children of Israel, and say vnto them, I am the Lord your God.
“Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.
3 After ye doings of the land of Egypt, wherin ye dwelt, shall ye not doe: and after the maner of the land of Canaan, whither I will bring you, shall ye not do, neither walke in their ordinances,
Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo.
4 But do after my iudgements, and keepe mine ordinances, to walke therein: I am the Lord your God.
Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
5 Ye shall keepe therefore my statutes, and my iudgements, which if a man doe, he shall then liue in them: I am the Lord.
Chengetai mirayiro nemitemo yangu nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha.
6 None shall come neere to any of ye kinred of his flesh to vncouer her shame: I am the Lord.
“‘Hapana anofanira kuswedera kuhama yepedyo kuti avate naye. Ndini Jehovha.
7 Thou shalt not vncouer the shame of thy father, nor the shame of thy mother: for she is thy mother, thou shalt not discouer her shame.
“‘Usazvidza baba vako nokusangana namai vako. Ndimai vako usasangana navo.
8 The shame of thy fathers wife shalt thou not discouer: for it is thy fathers shame.
“‘Usasangana nomukadzi wababa vako, izvi zvingazvidza baba vako.
9 Thou shalt not discouer the shame of thy sister the daughter of thy father, or the daughter of thy mother, whether shee bee borne at home, or borne without: thou shalt not discouer their shame.
“‘Usasangana nehanzvadzi yako kana mwanasikana wababa vako kana mwanasikana wamai vako, zvisinei kuti akaberekwa mumba mumwe chete kana kumwewo.
10 The shame of thy sonnes daughter, or of thy daughters daughter, thou shalt not, I say, vncouer their shame: for it is thy shame.
“‘Usasangana nomwanasikana womwanakomana wako kana mwanasikana womwanasikana wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwauri.
11 The shame of thy fathers wiues daughter, begotten of thy father (for she is thy sister) thou shalt not, I say, discouer her shame.
“‘Usasangana nomwanasikana womukadzi wababa vako akaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako.
12 Thou shalt not vncouer the shame of thy fathers sister: for she is thy fathers kinswoman.
“‘Usasangana nehanzvadzi yababa vako, ihama yababa vako yepedyo.
13 Thou shalt not discouer the shame of thy mothers sister: for she is thy mothers kinsewoman.
“‘Usasangana nomukoma kana mununʼuna wamai vako nokuti ihama yamai vako yepedyo.
14 Thou shalt not vncouer the shame of thy fathers brother: that is, thou shalt not goe in to his wife, for she is thine aunte.
“‘Usazvidza mununʼuna kana mukoma wababa vako nokuswedera kumukadzi wavo kuti uvate naye; nokuti ndimaiguru kana mainini.
15 Thou shalt not discouer the shame of thy daughter in lawe: for she is thy sonnes wife: therefore shalt thou not vncouer her shame.
“‘Usasangana nomuroora wako, mukadzi womwanakomana wako; usasangana naye.
16 Thou shalt not discouer the shame of thy brothers wife. for it is thy brothers shame.
“‘Usasangana nomukadzi womukoma kana mununʼuna wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwomukoma kana mununʼuna wako.
17 Thou shalt not discouer the shame of the wife and of her daughter, neither shalt thou take her sonnes daughter, nor her daughters daughter, to vncouer her shame: for they are thy kinsfolkes, and it were wickednesse.
“‘Usasangana nomukadzi pamwe chete nomwanasikana wake. Usasangana nomwanasikana womwanakomana wake kana mwanasikana womwanasikana wake; ihama dzake dzepedyo. Zvakaipa izvozvo.
18 Also thou shalt not take a wife with her sister, during her life, to vexe her, in vncouering her shame vpon her.
“‘Usatora mununʼuna womukadzi wako kuti ave mukadzinyina, varwisane, ugosangana naye mukadzi wako achiri mupenyu.
19 Thou shalt not also go vnto a woman to vncouer her shame, as long as she is put apart for her disease.
“‘Usaswedera kumukadzi kuti usangane naye panguva yokusachena kwokuenda kumwedzi kwake.
20 Moreouer, thou shalt not giue thy selfe to thy neighbours wife by carnall copulation, to be defiled with her.
“‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye.
21 Also thou shalt not giue thy children to offer them vnto Molech, neither shalt thou defile the name of thy God: for I am the Lord.
“‘Usapa ani zvake pakati pavana vako kuti vabayirwe kuna Moreki nokuti haufaniri kumhura zita raJehovha. Ndini Jehovha.
22 Thou shalt not lie with ye male as one lieth with a woman: for it is abomination.
“‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza.
23 Thou shalt not also lie with any beast to bee defiled therewith, neither shall any woman stand before a beast, to lie downe thereto: for it is abomination.
“‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru.
24 Yee shall not defile your selues in any of these things: for in al these the nations are defiled, which I will cast out before you:
“‘Musazvisvibisa neimwe yenzira idzi nokuti ndudzi dzandichadzinga pamberi penyu dzakazvisvibisa naizvozvo.
25 And the land is defiled: therefore I wil visit the wickednesse thereof vpon it, and the lande shall vomit out her inhabitants.
Kunyange nyika yakasvibiswa; naizvozvo ndakairanga nokuda kwezvakaipa zvayo uye nyika yakarutsa vagari vayo.
26 Ye shall keepe therefore mine ordinances, and my iudgements, and commit none of these abominations, aswell hee that is of the same countrey, as the straunger that soiourneth among you.
Asi imi munofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. Zvizvarwa zvenyu navatorwa vagere pakati penyu havafaniri kuita kana chimwe chezvinhu zvinonyangadza izvi,
27 (For all these abominations haue the men of the land done, which were before you, and the land is defiled:
nokuti zvinhu zvose izvi zvakaitwa navanhu vaigara munyika iyoyo musati mavamo, uye nyika ikasvibiswa.
28 And shall not the lande spue you out if ye defile it, as it spued out the people that were before you?)
Uye kana mukasvibisa nyika, ichakurutsirai kunze sokurutsa kwayakaita ndudzi dzaigaramo imi musati mavamo.
29 For whosoeuer shall commit any of these abominations, the persons that doe so, shall bee cut off from among their people.
“‘Ani naani anoita zvinonyangadza izvi, vanhu vakadaro vanofanira kubviswa kubva pavanhu vokwavo.
30 Therefore shall yee keepe mine ordinances that ye do not any of the abominable customes, which haue bene done before you, and that yee defile not your selues therein: for I am the Lord your God.
Chengetai zvandakakurayirai uye musatevedzera kana imwe yetsika dzinonyangadza dzaiitwa musati mauya, uye musazvisvibisa nadzo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”