< Matthew 4 >

1 Then Jesus was led by the Spirit into the desert to be tempted by the devil.
Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori.
2 After fasting forty days and nights, he was hungry.
Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara.
3 The tempter came and said to him, “If you really are the Son of God, order these stones to turn into bread.”
Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.”
4 Jesus answered, “As Scripture says, ‘Human beings do not live by only eating bread, but by every word that comes from the mouth of God.’”
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’”
5 Then the devil took him to the holy city and placed him on the top of the Temple.
Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati,
6 “If you really are the son of God, then throw yourself off,” he told Jesus. “As Scripture says, ‘He will order his angels to save you from harm. They will catch you so that you won't fall by tripping over a stone.’”
“Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Acharayira vatumwa vake pamusoro pako uye vachakusimudza namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”
7 Jesus answered, “As Scripture also says, ‘You shall not tempt the Lord your God.’”
Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’”
8 Then the devil took Jesus to a very high mountain and showed him all the kingdoms of the world in all their glory.
Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,
9 He said to Jesus, “I will give you all these if you fall down on your knees and worship me.”
akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”
10 “Go away, Satan!” said Jesus. “As Scripture says, ‘You shall worship the Lord your God and serve him, and him alone.’”
Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’”
11 Then the devil left him, and angels came to care for him.
Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.
12 When Jesus heard that John had been arrested, he returned to Galilee.
Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea.
13 Leaving Nazareth, he came to stay in Capernaum, on the shores of the sea in the regions of Zebulun and Naphthali.
Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari,
14 This fulfilled what Isaiah the prophet said,
kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti:
15 “In the land of Zebulun and the land of Naphthali, on the road to the sea, across the Jordan River, in Galilee where the foreigners live:
“Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani, Garirea reveDzimwe Ndudzi,
16 The people living in darkness saw a great light; the light of dawn has shined on those living in the land of the shadow of death.”
vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru; kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chavhenekera.”
17 From that time on Jesus began declaring his message, saying, “Repent, for the kingdom of heaven has arrived!”
Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
18 As he was walking by the sea of Galilee Jesus saw two brothers. Simon, also called Peter, and his brother Andrew, were casting a net in the sea. They made their living by catching fish.
Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.
19 “Come and follow me, and I will teach you how to catch people,” he told them.
Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”
20 They left their nets immediately and followed him.
Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.
21 Continuing on he saw two other brothers, James and John. They were in a boat with their father Zebedee, mending their nets. He called them to follow him.
Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana,
22 They left the boat and their father immediately, and followed him.
uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
23 Jesus traveled throughout Galilee, teaching in the synagogues, telling the good news of the kingdom, and healing all the diseases and illnesses the people had.
Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu.
24 News about him spread throughout the province of Syria. They brought everyone who was sick to him: people troubled by seizures, the demon-possessed, those who were mentally ill, people who were paralyzed, and he healed all of them.
Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa.
25 Large crowds followed him from Galilee, Decapolis, Jerusalem, Judea, and the region beyond Jordan.
Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.

< Matthew 4 >