< Matthew 11 >

1 When Jesus had finished giving instructions to his twelve disciples, he left to go and teach and speak publicly in the nearby towns.
Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo.
2 While John was in prison he heard what the Messiah was doing, so he sent his disciples
Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
3 to ask on his behalf, “Are you the one we were expecting to come, or should we continue to look for someone else?”
akati kwaari: Imwi ndimwi anouya here, kana titarisire umwe?
4 Jesus answered them, “Go back and tell John what you hear and what you see.
Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona:
5 The blind can see, the crippled can walk, the lepers are healed, the deaf can hear, the dead are resurrected, and the poor hear the good news.
Mapofu anoonazve, uye mhetamakumbo dzinofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri;
6 Blessed are those who don't reject me!”
wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.
7 As they left, Jesus began to talk to the crowds about John. “What were you expecting to see when you went out into the desert? A reed tossed about by the wind?
Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozungunuswa nemhepo here?
8 So what did you go to see? A man dressed in fancy clothes? People dressed like that live in kings' palaces.
Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo.
9 So what did you go to see then? A prophet? Yes, and I tell you he is much more than a prophet!
Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura kwazvo muporofita;
10 He's the one this Scripture was written about: ‘I'm sending my messenger on ahead of you. He will prepare your way for you.’
nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
11 I tell you the truth, that among humanity there's no one greater than John the Baptist, but even the least important in the kingdom of heaven is greater than he is.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudikisa muushe hwekumatenga mukuru kwaari.
12 From the time of John the Baptist up till now the kingdom of heaven continues to be under attack and violent people are trying to seize it by force.
Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambiwa, nevapambi vanohutora nesimba.
13 For all the prophets and the law spoke for God until John came.
Nokuti vaporofita vese nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani;
14 If you're prepared to believe it, he is Elijah, the one who was expected to come.
zvino kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya.
15 Anybody with ears should be listening!
Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
16 What shall I compare this generation to? It's like children sitting in the market places shouting to each other,
Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo,
17 ‘We played the flute for you and you didn't dance; we sang sad songs and you didn't cry.’
vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema.
18 John didn't come feasting and drinking, so people say, ‘He's devil-possessed!’
Nokuti Johwani wakauya asingadyi kana kunwa, asi vanoti: Ane dhimoni.
19 On the other hand the Son of man came and did feast and drink, and people say, ‘Look, he's greedy and drinks too much; he's a friend of tax collectors and sinners!’ But wisdom is shown to be right by what it does…”
Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achinwa, zvino vanoti: Tarirai munhu anokara uye munwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinonzi dzakarurama nevana vadzo.
20 Then he began to reprimand the towns where he'd done most of his miracles because they had not repented.
Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati:
21 “Shame on you, Korazin! Shame on you, Bethsaida! If the miracles had been performed in Tyre and Sidon which happened among you, they would have repented in sackcloth and ashes long ago.
Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota.
22 But I tell you that on the Day of Judgment it will be better for Tyre and Sidon than it will for you!
Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuTire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi.
23 And what about you, Capernaum? Will you be exalted to heaven? No, you'll go down to Hades! If the miracles had been performed in Sodom which happened among you, Sodom would still be here today. (Hadēs g86)
Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino. (Hadēs g86)
24 But I tell you that on the Day of Judgment it will be better for Sodom than it will for you!”
Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe.
25 Then Jesus prayed, “I praise you, Father, Lord of heaven and earth, for you've hidden these things from the clever and sophisticated. Instead you've revealed them to ordinary people.
Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.
26 Yes, Father, you were pleased to do this!
Hongu Baba, nokuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu.
27 Everything has been entrusted to me by my Father, and no one really understands the Son, except the Father, and no one really understands the Father, except the Son, and those to whom the Son chooses to reveal him.
Zvinhu zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve anoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.
28 Come to me, all of you who struggle and who are burdened down. I will give you rest.
Uyai kwandiri mese makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo.
29 Accept my yoke, and learn from me. For I am kind and I have a humble heart, and in me you will find the rest you need.
Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu;
30 For my yoke is gentle, and my burden is light.”
nokuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka.

< Matthew 11 >