< Job 42 >

1 Then Job answered the Lord.
Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:
2 “I know you can do anything. No one can prevent you doing what you want.
“Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.
3 You asked, ‘Who is this who questions my wisdom by talking so ignorantly?’ I was speaking about things I didn't understand—things too wonderful for me to know.
Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.
4 You told me, ‘Listen to me, I am going to speak. I am going to question you, and you must answer me.’
“Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’
5 Before, I had only heard about you, but now I've seen you for myself.
Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi.
6 That is why I'm sorry for what I said, and I repent in dust and ashes.”
Naizvozvo ndinozvishora pachangu, uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.”
7 After the Lord had finished speaking to Job he said to Eliphaz the Temanite, “I am angry with you and your two friends because you have not told the truth about me, as my servant Job did.
Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho.
8 So take seven bulls and seven rams and go to my servant Job, and you shall offer a burnt offering for yourselves. My servant Job will pray on your behalf and I will accept his prayer and not deal with you according to your foolishness, because you have not told the truth about me, as my servant Job did.”
Saka zvino chitorai hando nomwe namakondobwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.”
9 So Eliphaz the Temanite, Bildad the Shuhite, and Zophar the Naamathite did what the Lord commanded them, and the Lord accepted Job's prayer.
Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.
10 The Lord restored Job's prosperity when he prayed for his friends, and gave him twice as much as he had before.
Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare.
11 Then all his brothers and sisters and friends he'd previously known came and ate with him at his home. They showed him sympathy and comforted him because of all the trouble the Lord had caused him. Each one of them gave him money and a gold ring.
Vanunʼuna vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe.
12 The Lord blessed the last part of Job's life more than the first part. Now he owned 14,000 sheep, 6,000 camels, 1,000 teams of oxen, and 1,000 female donkeys.
Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru.
13 Job also had seven sons and three daughters.
Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.
14 Job called the first daughter Jemimah, the second Keziah, and the third Keren-Happuch.
Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki.
15 Nowhere in all the land were there women as beautiful as Job's daughters, and Job gave them the same inheritance as their brothers.
Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo.
16 Job lived 140 years after this, seeing his children, and grandchildren, in fact four generations.
Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina.
17 Then Job died at an old age, having lived a very full life.
Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji.

< Job 42 >