< Jeremiah 25 >

1 This is the message that came to Jeremiah in the fourth year of Jehoiakim, son of Josiah, king of Judah, which was the first year of Nebuchadnezzar king of Babylon. It concerned all the people of Judah.
Shoko rakauya kuna Jeremia pamusoro pavanhu vose veJudha mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, iro rakanga riri gore rokutanga raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
2 So the prophet Jeremiah went and spoke to all the people of Judah and all of the people living in Jerusalem, telling them:
Saka Jeremia muprofita akati kuvanhu vose veJudha nokuna vose vaigara muJerusarema:
3 From the thirteenth year of the reign of Josiah, son of Amon, king of Judah until now, twenty-three years in total, messages from the Lord have come to me, and I have told you what he said time and again, but you have not listened.
Kwamakore makumi maviri namatatu, kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha kusvikira zuva ranhasi, shoko raJehovha ranga richiuya kwandiri uye ini ndikataura ndataurazve kwamuri, asi hamuna kuteerera.
4 Even though the Lord has sent all his servants the prophets to you time and again, you don't bother to listen or pay any attention.
Uye kunyange Jehovha akatuma varanda vake kwamuri ivo vaprofita nguva nenguva, imi hamuna kuteerera kana kurereka nzeve dzenyu.
5 The consistent message has been: Give up your evil ways and the evil things you're doing so you can live in the country that the Lord has given to you and your forefathers forever.
Ivo vakati, “Dzokai zvino mumwe nomumwe wenyu, kubva panzira dzenyu dzakaipa nepamabasa enyu akaipa, mugogara munyika yamakapiwa naJehovha imi namadzibaba enyu nokusingaperi.
6 Don't follow other gods and worship them, and don't anger me by making idols. Then I won't do anything to hurt you.
Regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire uye muvanamate; murege kunditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu. Ipapo handingakuitirei zvakaipa.”
7 But you've hurt yourselves by not listening to me, declares the Lord, because you angered me by making idols.
“Asi imi hamuna kunditeerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye makanditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu, mukaita kuti zvakaipa zvikuwirei.”
8 So this is what the Lord Almighty says: Because you have not obeyed what I told you,
Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Nemhaka yokuti hamuna kuteerera mashoko angu,
9 watch as I summon all the people of the north, declares the Lord. I'm going to send for my servant Nebuchadnezzar, king of Babylon, to attack this country and the people who live here, and all the surrounding nations. I will set them apart for destruction. I'm going to totally destroy you, and people will be horrified at what's happened to you and will mock you.
ndichadana marudzi ose okumusoro uye nomuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichavauyisa kuzorwa nenyika ino navanogaramo uye nendudzi dzose dzakavapoteredza. Ndichavaparadza zvachose uye ndichavaita chinhu chinovengwa nechinosekwa, nedongo nokusingaperi.
10 I will also put a stop to the cheerful sounds of celebration and the happy voices of the bride and bridegroom. No noise will come from millstones being used; no lamps will be lit.
Ndichabvisa pakati pavo manzwi okupembera nomufaro, namanzwi emwenga neechikomba, nenzwi reguyo nechiedza chemwenje.
11 This whole country will become an empty wasteland, and Judah and these other nations will serve the king of Babylon for seventy years.
Nyika ino yose ichava dongo, uye marudzi aya achashandira mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe.
12 However, when these seventy years are over, I'm going to punish the king of Babylon and that nation, the country of Babylonia, for their sin, declares the Lord. I will completely destroy them.
“Asi kana makore makumi manomwe apera, ndicharova mambo weBhabhironi norudzi rwake, nenyika yavaBhabhironi, pamusoro pemhosva yavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichaiita dongo nokusingaperi.
13 I will bring down on that country everything I threatened to do, everything that's written in this book which Jeremiah prophesied against all the different nations.
Ndichauyisa pamusoro penyika iyo zvinhu zvose zvandakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iri nezvakaprofitwa naJeremia pamusoro pendudzi dzose.
14 Many nations and powerful kings will make slaves of them, the Babylonians, and I will pay them back for the evil they've done.
Ivo pachavo vachatapwa nendudzi zhinji namadzimambo makuru; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo uye namabasa emaoko avo.”
15 This is what the Lord, the God of Israel, told me: Take this cup I'm handing to you. It contains the wine of my anger. You are to make all the nations I send you to drink from it.
Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kwandiri: “Tora kubva muruoko rwangu mukombe uyu wakazara newaini yokutsamwa kwangu unwise ndudzi dzose dzandinokutuma kwadziri.
16 They will drink and stumble around and go mad because of the war brought by the armies I'm sending to attack them.
Kana vachinge vainwa vachadzedzereka nokupenga nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo.”
17 I took the cup the Lord handed to me and made all the nations he sent me to drink from it:
Saka ndakatora mukombe muruoko rwaJehovha ndikaita kuti ndudzi dzose dzaakandituma kwadziri dzinwe:
18 To Jerusalem and the towns of Judah, its kings and officials, destroying them so that people were horrified at what happened to them and mocked them and cursed them (and they are still like this today);
Jerusarema namaguta eJudha, namadzimambo, namachinda aro, kuti aitwe matongo, chinhu chinovengwa nechinosekesa, nechinotukwa, sezvaakaita iye nhasi;
19 to Pharaoh, king of Egypt, and his officials, leaders, all his people
Faro mambo weIjipiti, navaranda vake, namachinda ake uye navanhu vake vose,
20 and all the foreigners living there; to all the kings of the country of Uz; to all the kings of the Philistines: Ashkelon, Gaza, Ekron, and what's left of Ashdod;
navatorwa vose variko; namadzimambo ose eUzi; namadzimambo ose eFiristia (neavo veAshikeroni, neGaza, neEkironi, navanhu vakasiyiwa kuAshidhodhi);
21 to Edom, Moab, and the Ammonites;
Edhomu neMoabhu neAmoni;
22 to all the kings of Tyre and Sidon; to the kings of the Mediterranean sea coast;
namadzimambo ose eTire neSidhoni; namadzimambo emuzviwi mhiri kwegungwa;
23 to Dedan, Tema, Buz, and all those who trim their hair on the sides of their heads;
neDhedhani, neTema, neBhuzi navose vari kunzvimbo dziri kure;
24 to all the kings of Arabia; and to all the kings of the different tribes living in the desert;
madzimambo ose eArabhia namadzimambo ose enyika dzavatorwa vanogara mugwenga;
25 to all the kings of Zimri, Elam, and Media;
namadzimambo ose eZimuri, neEramu neFiristia,
26 to all the kings of the north; in fact to all the kingdoms on earth whether close or far away, one after another. After all of them, the king of Babylon will drink it too.
namadzimambo ose okumusoro vepedyo nevokure, mumwe achitevera mumwe, ushe hwose huri pamusoro penyika. Shure kwaivava vose, mambo weSheshaki achazoinwawo.
27 Tell them this is what the Lord Almighty, the God of Israel, says: Drink, make yourselves drunk, and vomit. Because of the war you'll be killed, falling down never to get up again.
“Ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Inwai mudhakwe, murutse, muwe, uye murege kuzomukazve nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’
28 If they should refuse to take the cup and drink from it, tell them that this is what the Lord Almighty says: You can't avoid drinking it—you have to!
Asi kana vakaramba kutora mukombe muruoko rwako kuti vamwe, uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Munofanira kuinwa!
29 Can't you see that I'm about to bring disaster down on my own city, so do you really think you wouldn't be punished as well? You won't go unpunished, for I am bringing war to everyone on earth, declares the Lord Almighty.
Tarirai, ndava kutanga kuuyisa njodzi pamusoro peguta rinodanwa neZita rangu, ko, imi mungarega kurangwa here? Hamungaregi kurangwa nokuti ndava kudana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’
30 Give this whole message as a prophecy against them. Tell them: The Lord will thunder from high above. He will thunder loudly from the holy place where he lives. He will give a great roar against the sheepfolds. He will give a loud shout like people treading the grapes, frightening everyone who lives on earth.
“Zvino chiprofita mashoko aya ose pamusoro pavo uchiti: “‘Jehovha achaomba ari kumusoro; achatinhira ari pachigaro chake chitsvene uye achaomba zvikuru pamusoro penyika yake. Achadanidzira sezvinoita vanotsika mazambiringa, achidanidzira kuna vose vagere panyika.
31 The sound will reach everywhere on the earth because the Lord is accusing the nations. He is judging everyone, executing the wicked, declares the Lord.
Bope richaunga kusvikira kumagumo enyika, nokuti Jehovha achapa ndudzi mhosva; achauyisa kutonga pamusoro pamarudzi ose avanhu uye achaisa vakaipa kumunondo,’” ndizvo zvinotaura Jehovha.
32 This is what the Lord Almighty says: Watch out! Disaster is falling on one nation after another; an immense storm is building up in the far distance.
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai, njodzi iri kupararira ichibva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe; dutu guru rasimuka richibva kumagumo enyika.”
33 Those killed by the Lord at that time will cover the earth from one end to the other. No one will mourn them, or collect them, or bury them. They will be like piles of manure lying on the ground.
Panguva iyo vakaurayiwa naJehovha vachava pose pose vachibva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe. Havangachemwi kana kuunganidzwa, kana kuvigwa, asi vachava somupfudze uri pamusoro penyika.
34 Cry out and weep, you shepherds! Roll around on the ground mourning, you leaders of the flock. The time for you to be killed has come; you will fall, smashed like the finest pottery.
Chemai uye muungudze, imi vafudzi; umburukai muguruva, imi vatungamiri veboka. Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika; muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu.
35 The shepherds won't be able to run away; the leaders of the flock won't escape.
Vafudzi vachashayiwa kwokutizira, uye vakuru veboka vachashayiwa kwokutizira.
36 Listen to the cries of the shepherds, the weeping of the leaders of the flock, for the Lord is destroying their pasturelands.
Inzwai kuchema kwavafudzi, kuungudza kwavatungamiri veboka, nokuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo.
37 The peaceful sheepfolds have been ruined because of the Lord's fierce anger.
Mafuro ano runyararo achaparadzwa nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.
38 The Lord has left his den like a lion, because their country has been devastated by the invading armies, and because of the Lord's fierce anger.
Seshumba, achabva panzvimbo yake yokuvanda, uye nyika yavo ichaparadzwa nokuda kwomunondo womumanikidzi, uye nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.

< Jeremiah 25 >