< Isaiah 40 >
1 “Comfort, yes comfort my people!” says your God.
Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
2 “Speak lovingly to the people of Jerusalem, telling them that their hard times are over, that their sins have been forgiven, and that the Lord has paid them twice over for their sins.”
Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro.
3 A voice is heard calling, “Prepare the way for the Lord in the wilderness, make a straight highway for our God through the desert.
Inzwi rounodanidzira achiti, “Gadzirai nzira yaJehovha mugwenga, ruramisai mugwagwa waMwari wedu murenje.
4 Fill in all the valleys; level all the mountains and hills; smooth out the uneven ground; make the rough places flat.
Mipata yose ichasimudzirwa, makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa; nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani.
5 The Lord's glory will be revealed, and everyone will see it together. This is what the Lord has declared.”
Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, uye marudzi ose avanhu achazviona. Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”
6 A voice is heard saying, “Shout it out.” I asked, “What shall I shout?” “All human beings are like grass, and all their trustworthiness is like the flowers of the field.
Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?” “Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda.
7 The grass wilts and the flower fades when the Lord's breathes on them. Yes, the people are grass!
Uswa hunooma uye maruva anowa, nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo. Zvirokwazvo vanhu uswa.
8 However, even though the grass wilts and the flower fades, the word of our God will endure forever.”
Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”
9 Zion, bringer of good news, go up a high mountain. Jerusalem, bringer of good news, raise your voice and shout out loud. Don't be afraid to shout really loud! Tell the towns of Judah, “Here is your God!”
Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”
10 Look! The Lord God is coming with power! He will rule with a firm hand. Look! He's bringing his reward with him, coming to give his gift.
Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba, uye ruoko rwake runomubatira ushe. Tarirai, mubayiro wake anawo, uye zvaanoripira nazvo anazvo.
11 He looks after his flock like a shepherd. He picks up the lambs in his arms and holds them close to his chest. He leads those that are nursing young.
Anofudza makwai ake somufudzi: Anounganidza makwayana mumaoko ake agoatakurira pedyo nomwoyo wake; zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.
12 Who has measured the waters he holds in the palm of his hand? Who has marked off the heavens with the span of his hand? Who has worked out the amount of dust of the earth? Who has weighed the mountains on a scale and the hills with a balance?
Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza chake, kana kuyera denga noupamhi hwechanza chake? Ndianiko akaisa guruva rose rapasi mudengu, kana kuyera kurema kwamakomo nechiyero, nezvikomo pachiyero?
13 Who has measured the Spirit of the Lord, or taught him what to do as his counselor?
Ndiani akanzwisisa murangariro waJehovha, kana kumudzidzisa somudzidzisi wake?
14 Who did the Lord go to for advice to help him understand? Who taught him right from wrong? Who gave him knowledge and showed him the way of wisdom?
Ndiani akabvunzwa naJehovha kuti amujekesere, uye ndiani akamudzidzisa nzira yakanaka? Ndianiko akamudzidzisa ruzivo kana kumuratidza nzira yokunzwisisa?
15 It's obvious that the nations are just a drop in a bucket. They're like dust on a set of scales. He can pick up islands as if they weigh next to nothing.
Zvirokwazvo ndudzi dzavanhu dzakaita sedonhwe remvura riri muchirongo; vanongova seguruva riri pamusoro pechiyero; anoyera zviwi kunge guruva rakatsetseka.
16 All the wood in Lebanon for a fire and all its animals as a sacrifice wouldn't be enough a burnt offering.
Rebhanoni harina huni dzinoringana kuvesa moto wearitari, uye zvipfuwo zvaro hazvikwani kuita chipiriso chinopiswa.
17 To him all the nations are like nothing. He counts them as less than nothing—like they don't exist.
Ndudzi dzose dzakaita sepasina chinhu pamberi pake; iye anodziona sedzisina maturo, kunge dzisipo.
18 Who do you think is like God? What image do you think he looks like?
Zvino, mungafananidza Mwari naaniko? Ndoupi mufananidzo wamungamuenzanisa nawo?
19 Is he a metal idol that a craftsman casts in a mold, and then a goldsmith overlays it with gold and makes silver chains for it?
Kana chiri chifananidzo, muumbi anochiumba, mupfuri wegoridhe ochinamira negoridhe, uye anochiitira uketani hwesirivha.
20 Those who are too poor to pay for that choose wood that won't rot, then they look for a skilled wood-carver to make an idol that won't fall over.
Murombo anoshayiwa chipo anosarudza danda risingaori. Anotsvaka mhizha kuti imuvezere chifananidzo chisingazozungunuki.
21 Don't you know? Haven't you heard? Hasn't it been explained to you from the very beginning? Haven't you understood from the time the world was created?
Hamuzivi here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here?
22 God sits on his throne above the horizon of the earth; the people that live there are like grasshoppers. He stretches out the heavens like a curtain, spreading them out like a tent to live in.
Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vanhu vayo vakaita semhashu. Anotambanudza matenga setende, agoawaridzira setende kuti agaremo.
23 He brings leaders down; he makes the rulers of the world like nothing.
Anoita kuti machinda ave pasina, uye anoderedza vatongi venyika ino kuti vave pasina.
24 In fact they are hardly even planted, hardly even sown, hardly even taken root, when he blows on them and they wither, and the wind carries them away like straw.
Vachangosimwa, vachangodyarwa, vachangodzika midzi muvhu, iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi.
25 “Who are you going to compare me with? Who is equal to me?” asks the Holy One.
“Mungandienzanisa naaniko? Kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene.
26 Look at the heavens. Who created all this? He leads the stars like an army, and calls each one by name. Because he has great power and incredible strength, not a single one of them is missing.
Simudzai meso enyu mutarire kumatenga. Ndianiko akasika zvose izvi? Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe, achidzidana imwe neimwe nezita rayo. Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake, hapana kana imwe zvayo inoshayikwa.
27 Why do you speak like this, Jacob, and why do you say, Israel, “The Lord doesn't see what's happening to me, and he's ignoring my rights!”
Unoreveiko, iwe Jakobho, unogununʼuna chii, iwe Israeri uchiti, “Nzira yangu haizivikanwi naJehovha; Mwari wangu haana hanya nezvandinorwira?”
28 Don't you know? Haven't you heard? The Lord is the eternal God, the Creator of the whole earth. He's never weak or tired; you can't find out all he knows.
Hauzivi here? Hauna kunzwa here? Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi, Musiki wamagumo enyika. Haaneti kana kuziya, uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.
29 He gives strength to the weary and power the powerless.
Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba.
30 Even young people grow weak and tired—they fall down when they're exhausted.
Kunyange majaya anoneta uye anorukutika, uye majaya anogumburwa agowa;
31 But those who trust in the Lord will have their strength renewed. They will fly high with wings like eagles. They will run and not be tired. They will walk and not be worn out.
asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.