< Isaiah 19 >
1 A message about Egypt. Look, the Lord is riding on a fast-moving cloud on his way to Egypt. The idols of Egypt will tremble before Him, and the Egyptians will become weak with fear.
Chirevo pamusoro peIjipiti: Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, uye ari kuuya kuIjipiti. Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake, uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.
2 I will encourage Egyptians to attack other Egyptians. They will fight each other, neighbor versus neighbor, town versus town, and kingdom versus kingdom.
“Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita, mununʼuna acharwa nomukoma, muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye, guta richarwisana nerimwe guta, umambo hucharwisana nohumwe umambo.
3 I will destroy the confidence of the Egyptians. I will have their plans become all mixed up. They will ask their idols and the spirits of the dead what to do through mediums and spiritists.
VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.
4 I will hand the Egyptians over to a harsh dictator. A cruel king will rule over them, declares the Lord.
Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
5 The waters of the Nile will fail, and its riverbed will be sunbaked and dry.
Mvura yomurwizi ichapwa, uye mahombekombe erwizi achapwa agova akaoma.
6 The channels will start to stink; the branches of the Nile in Egypt will dry to a trickle and dry up; the reeds and rushes will wither away.
Migero ichanhuhwa; hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa. Tsanga nenhokwe zvichauna,
7 The vegetation along the banks of the Nile, and all the plants in the cultivated land along the Nile, will dry up and be blown away. Everything will be gone.
uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi, pamuromo werwizi. Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma, mbesa dzichapeperetswa nemhepo, hazvingazovapozve.
8 Fishermen will mourn: all of them all who use hooks to fish in the Nile will weep and wail, along with those who fish by throwing nets into the water.
Vabati vehove vachagomera uye vagorira, vose vanokanda zviredzo muna Nairi; vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.
9 The workers who prepare the flax for linen and the weavers of white fabric will be in despair.
Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba, varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.
10 The cloth workers will be depressed, and everyone who earns a wage will feel sick inside.
Vanobata nemicheka vachaora mwoyo, uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.
11 The leaders of Zoan are stupid. Pharaoh's wise counselors give advice that doesn't make sense. How can you tell Pharaoh, “I myself am a wise man, descended from ancient kings”?
Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi; makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano. Mungareva sei kuna Faro, kuti, “Ndini mumwe wavakachenjera, mudzidzi wamadzimambo akare?”
12 So where are your wise counselors? Let them tell you so you can understand what the Lord Almighty has planned to do to Egypt.
Zvino vakachenjera venyu varipiko? Ngavakuratidzei uye vakuzivisei zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro peIjipiti.
13 The leaders of Zoan have become stupid; the leaders of Memphis have been fooled; the important leaders of Egypt have misled their people.
Machinda eZoani ava mapenzi, vatungamiri veMemufisi vanyengerwa; mabwe ekona amarudzi avo atsausa Ijipiti.
14 The Lord has mixed up a spirit of confusion for them to drink, making the Egyptians stagger around in everything they do, like a drunk slipping up on his own vomit.
Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu; vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita, sezvinoita chidhakwa chinodzedzereka mumarutsi acho.
15 Nobody in Egypt can do anything, whoever they are—head or tail, palm tree or reed.
Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe, davi romuchindwe kana rushanga.
16 At that time the Egyptians will become like women. They will shake with fear when the Lord Almighty raises his arm against them.
Pazuva iro, vaIjipita vachafanana navakadzi. Vachadedera nokutya panosimudzwa ruoko rwaJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.
17 The land of Judah will be a source of terror to Egypt for whenever Judah is mentioned, all Egyptians will tremble over what the Lord Almighty has planned to do to them.
Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.
18 At that time there will be five cities in Egypt that speak the language of Canaan and who have sworn to worship the Lord Almighty. One of them will be called the City of the Sun.
Pazuva iro, maguta mashanu omuIjipiti achataura mutauro weKenani uye vachapikira vachazvipira kuna Jehovha Wamasimba Ose. Rimwe racho richanzi Guta roKuparadza.
19 At that time there will be an altar to the Lord right in the middle of Egypt, and a stone monument to the Lord on its border.
Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo.
20 This will be a sign and a witness to the presence of the Lord Almighty in the land of Egypt. When they cry out to the Lord for help because they are being oppressed, he will send them a savior to fight for them and to rescue them.
Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura.
21 The Lord will make himself known to Egypt, and at that time Egypt will come to know the Lord. They will worship him with sacrifices and offerings; they will make promises to the Lord and keep them.
Saka Jehovha achazviratidza kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha uye vagodzichengeta.
22 The Lord will inflict a plague on Egypt. He will do this, but he will heal them. They will come back to the Lord. He will respond to their prayers and heal them.
Jehovha acharova Ijipiti nehosha; acharova agovarapazve. Vachatendeukira kuna Jehovha, uye achapindura mikumbiro yavo nokuvarapa.
23 At that time there will be a highway from Egypt to Assyria. The Assyrians will go to Egypt, and the Egyptians will go to Assyria. The Egyptians and Assyrians will worship together.
Pazuva iro, pachava nenzira huru ichabva kuIjipiti ichienda kuAsiria. VaAsiria vachaenda kuIjipiti uye vaIjipita vachaendawo kuAsiria. VaIjipita navaAsiria vachanamata pamwe chete.
24 At that time Israel will be the third part of this alliance, joining with Egypt and Assyria, a blessing to the whole of the earth.
Pazuva iro Israeri ichava yechitatu, ichitevera Ijipiti neAsiria, ichava ropafadzo panyika.
25 The Lord Almighty will bless them, saying, “Blessed be Egypt, my people, Assyria, the creation of my hands, and Israel, my special possession.”
Jehovha Wamasimba Ose achavaropafadza achiti, “Ngavaropafadzwe vaIjipita vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu.”