< Ezekiel 16 >

1 Another message from the Lord came to me, saying,
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Son of man, challenge Jerusalem over her disgusting practices.
“Mwanakomana womunhu, tsiura Jerusarema pamwe chete nezvinyangadzo zvaro
3 Tell Jerusalem that this is what the Lord God says to her: You really are a Canaanite, both by your birth and parentage. Your father was an Amorite, and your mother was a Hittite.
uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusarema: Madzitateguru ako nokwaakaberekerwa ndiko kunyika yeKenani; baba vako vakanga vari muAmori uye mai vako vakanga vari muHiti.
4 On the day you were born your cord was not cut, and you weren't washed to clean you up, you weren't rubbed with salt, and you weren't wrapped in cloths.
Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye hauna kutongokwizwa nomunyu kana kuputirwa mumucheka.
5 No one looked on you with love to do anything like this for you; no one showed any kind of care for you. No, you were thrown away in a field, abandoned and despised from the day you were born.
Hakuna munhu akakunzwira tsitsi kana kuva nengoni newe kuti akuitire chinhu chimwe chezvinhu izvi. Asi, wakarasirwa kusango, nokuti musi wawakaberekwa iwe wakashorwa.
6 But I passed by and saw you kicking, covered in your own blood. As you were lying there in your blood I told you, ‘I want you to live!’ I said to you right there, ‘I want you to live!’
“‘Ipapo ndakapfuura napo ndikakuona uchipfakanyika uri muropa rako, uye pawakanga uvete ipapo uri muropa rako, ndakati kwauri, “Rarama!”
7 I help you to grow like a plant in the field. You grew up into a beautiful young woman. Your breasts developed and your body hair grew, and you were completely naked.
Ndakakuita kuti ukure somuti wesango. Wakakura ukanyatsoumbika ukava ukomba hwakaisvonaka. Mazamu ako akakura nebvudzi rako rikakura, iyewe wakanga wakashama usina chinhu.
8 When I passed by again, I looked at you and saw that you were old enough for lovemaking. So I spread my robe over you and covered up your naked body. I committed myself to you and made a solemn agreement with you, and made you mine, declares the Lord God.
“‘Shure kwaizvozvo, ndakapfuura nepauri, uye pandakatarira pauri ndakaona kuti wakanga wakura pane zvorudo, ndikawarira rutivi rwenguo yangu pamusoro pako ndokukufukidza pakushama kwako. Ndakakupikira ndikaita sungano newe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iwe ukava wangu.
9 Then I washed you with water, cleaned off your blood, and anointed you with oil.
“‘Ndakakushambidza nemvura uye ndikakugeza kubvisa ropa rako, ndokukuzodza mafuta.
10 I put a beautifully embroidered dress on you and gave you fine leather sandals. I clothed you in fine linen and covered you with silk.
Ndakakufukidza nezvakarukwa zvakanaka ndikakupfekedza shangu dzamatehwe.
11 I gave you jewelry—I put bracelets on your wrists and a necklace around your neck.
Ndakakufukidza nomucheka wakaisvonaka ndikakufukidza mucheka uno murango unokosha. Ndakakushongedza noukomba: ndikaisa zvishongo zvomumaoko nouketani pamutsipa wako,
12 I put a ring in your nose and earrings on your ears, and placed a beautiful crown on your head.
uye ndakaisa mhete pamhuno yako, nemhete panzeve dzako uye nekorona yakanaka pamusoro wako.
13 You wore gold and silver jewelry, and your clothes were made of the finest linen, expensive fabric, and embroidered cloth. You ate bread made with the best flour, and honey and olive oil. You grew even more beautiful and became a queen.
Saka wakashongedzwa negoridhe nesirivha; nguo dzako dzaiva dzomucheka wakaisvonaka uye mucheka womutengo mukuru nomucheka wakarukwa. Zvokudya zvako zvaiva zvoupfu hwakatsetseka, nouchi namafuta omuorivhi. Wakabva wanaka chose ukasimukira kusvikira wava mambokadzi.
14 You were famous around the world because of your beauty, for I used my majestic power to make you so wonderful, declares the Lord God.
Mukurumbira wokunaka kwako wakapararira pakati pendudzi, nokuti kubwinya kwandakaisa pamusoro pako kwakaita kuti kunaka kwako kuve kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15 You were so proud of your beauty that you were unfaithful to me. You thought that because you were so famous you could prostitute yourself and sleep with anyone who passed by. They took your beautiful body for themselves.
“‘Asi iwe wakavimba norunako rwako ukashandisa mbiri yako kuti uve chifeve. Wakazadza munhu wose akapfuura napauri noufeve uye nokuda kworunako rwako ukava wake.
16 You made yourself colorful pagan shrines out of the clothes I'd given you, and there you acted as a prostitute. Things like this have never happened before, and they should never happen in the future!
Wakatora dzimwe nhumbi dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira, kwawakaramba uchiitira ufeve hwako. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika uye hazvifaniri kutomboitwa.
17 You also used the beautiful gold and silver jewelry I gave you to make male idols and you prostituted yourself with them.
Wakatorazve ukomba hwezvishongo zvakaisvonaka zvandakakupa, ukomba hwakaitwa negoridhe nesirivha, uye ukazviitira zvifananidzo zvechirume ndokuita ufeve nazvo.
18 You used your embroidered clothes to dress them, and you placed before them my olive oil and incense.
Uye wakatora nguo dzako dzakarukwa kuti ufukidze zvifananidzo, uye ukapira mafuta angu ezvinonhuhwira pamberi pazvo.
19 You presented the food I had given you as an offering for them to accept —bread made from the best flour, olive oil, and honey that I had provided for you to eat. That's exactly what you did, declares the Lord God.
Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuhwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
20 You sacrificed your sons and daughters—the children you had for me—offering them as food for idols to eat. Wasn't your prostitution evil enough?
“‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here?
21 You slaughtered my children, sacrificing them to idols.
Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo.
22 While you were busy with all your disgusting practices and your prostitution, you forgot about the time when you were young, completely naked and lying there kicking in your own blood.
Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako.
23 Disaster is coming! Disaster is coming on you, declares the Lord God. As well as all the other evil things you did,
“‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose,
24 you built yourself a pagan shrine, a high place of idol worship on every public square in the city.
wakazvivakira nzvimbo yakakwirira ukazviitira shongwe refu pazvivara zvose zvomusha.
25 You made yourselves high places of idol worship at the top of every street; you degraded yourself, offering your beautiful body to anyone who passed by, opening your legs for them, becoming more and more promiscuous.
Wakavaka shongwe dzako refu panotangira nzira dzose dzomumusha ndokuderedza runako rwako, uchipira muviri wako nokuwanza kupata kwako kuna ani zvake aipfuura napauri.
26 You gave yourself as a prostitute to your Egyptian neighbors with their large sexual organs, making me angry as you became even more promiscuous.
Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako.
27 So I acted to reduce my blessings to you. I let your enemies the Philistines do what they wanted to you. Even they were embarrassed at your immorality.
Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako.
28 Because you weren't satisfied you prostituted yourself with the Assyrians. But even then you weren't satisfied.
Wakaitazve ufeve navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; kunyange shure kwaizvozvo hauna kumbogutsikana nazvo.
29 So you took your promiscuous behavior to Babylonia, the country of merchants, but even then you weren't satisfied!
Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana.
30 You're really sick-minded to do all this, acting like a prostitute with no shame, declares the Lord God.
“‘Unoshayiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, paunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari.
31 Actually you weren't even a normal prostitute when you built yourselves pagan shrines at the top of every street and high places of idol worship on every public square—because you refused to be paid for your services!
Pawakavaka nzvimbo dzakakwirira pamavambo enzira dzose dzomumusha ndokuzviitira shongwe refu pazvivara zvose, wakanga usingaiti sechifeve, nokuti wakashora muripo.
32 You're a wife that loves adultery! You sleep with strangers instead of your husband!
“‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako!
33 Normally all prostitutes are paid, but you were the one giving gifts to all your lovers. You even bribed them to come from all around and have sex with you.
Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu.
34 So you're the opposite of other prostitutes. No one comes to you asking for sex, and you pay the prostitute's fee instead of receiving it. You're the exact opposite!
Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa.
35 So, you prostitute, listen to the message from the Lord!
“‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha!
36 This is what the Lord God says: Because you were so crazy with desire you stripped yourself naked and committed adultery with your lovers and with all your disgusting idols, and because you killed your children as sacrifices to those idols,
Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako,
37 I'm going to bring together all the lovers you went to bed with, whether you loved them or hated them, and I will have them gather from everywhere around and I will strip you as they watch so they will see you totally naked.
Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose.
38 I will impose on you the punishment for women who commit adultery and those who murder; you will be punished in passionate anger.
Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu.
39 Then I will hand you over to your lovers, and they will demolish your pagan shrines and destroy your high places of idol worship. They will strip you of your clothes, remove your beautiful jewelry, and leave you stark naked.
Ipapo ndichakuisa mumaoko avadiwa vako, uye vachakoromora nzvimbo dzako dzakakwirira vagoparadza shongwe dzako refu. Vachakubvisa nguo dzako vagotora ukomba hwako hwakanaka vagokusiya usina kupfeka wakashama.
40 They will come with a mob to attack you. They will stone you and chop you into pieces with their swords.
Vachauya nemhomho yavanhu kuti izokurwisa, vachakutema namabwe nokukubvamburanya neminondo yavo.
41 They will burn down your houses and punish you while many women watch. I will stop your prostitution, and you won't ever pay your lovers again.
Vachapisa dzimba dzako nokukuranga pamberi pavakadzi vazhinji. Ndichagumisa ufeve hwako, uye hauchazoripirizve vadiwa vako.
42 Then I will finish being jealous and furious with you. I will calm down and won't be angry any more.
Ipapo hasha dzangu pamusoro pako dzichaserera uye godo rokutsamwa kwangu richabva kwauri; ndichadzikama uye handingatsamwizve.
43 Since you didn't remember how I looked after you when you were young, but made me angry with all the things that you did, I will make sure you experience the results of what you've done, declares the Lord God. For this immorality was in addition to all the other disgusting things you did, wasn't it?
“‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here?
44 Everyone who likes to use proverbs will quote this one about you: ‘Like mother, like daughter.’
“‘Munhu wose achataura tsumo achareva tsumo iyi pamusoro pako: “Sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana.”
45 You are the daughter of your mother who detested her husband and children. You are just like her! You are the sister of your sisters, just like them who detested their husbands and children. In fact your mother was a Hittite and your father was an Amorite.
Iwe uri mwanasikana chaiye wamai vako, vakashora murume wavo navana vavo; uye uri mununʼuna chaiye wamadzikoma ako, akashora varume vavo navana vavo. Mai vako vakanga vari muHiti uye baba vako vari muAmori.
46 Your older sister was Samaria, who lived north of you with her daughters. Your younger sister was Sodom, who lived south of you with her daughters.
Mukoma wako akanga ari Samaria, akanga achigara kumusoro kwako navanasikana vake; uye mununʼuna wako, akanga achigara kurutivi rwezasi kwako navanasikana vake, akanga ari Sodhomu.
47 You didn't just follow their ways and do the same disgusting things they did, you very quickly became even worse than them.
Hauna kungofamba nenzira dzavo chete nokutevedzera zvinonyangadza zvavo, asi iwe munzira dzako dzose wakakurumidza kuva wakashata chose kupfuura ivo.
48 As I live, declares the Lord God, your sister Sodom and her daughters didn't ever do what you and your daughters have done.
Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, mununʼuna wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako.
49 The sins of your sister Sodom were these: She and her daughters were proud, greedy, and lazy. They didn't help the poor and those in need.
“‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomununʼuna wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa.
50 They became arrogant and did disgusting things in my presence. So I got rid of them when I saw this.
Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona.
51 Samaria didn't sin half as badly as you did. You have done far more disgusting things than they did. In fact, all the revolting things you've done make your sisters look good!
Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanunʼuna vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe.
52 Now you're going to have to put up with your shame, since by your disgraceful sins you made them seem far better. Compared to you they look good! Now you too have to put up with your shame and disgrace because you've made your sisters look as if they were good.
Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira mununʼuna wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti mununʼuna wako ave akarurama.
53 Even so I'm going to bring Sodom and her daughters back from exile, and Samaria and her daughters too. I will bring you back together with them.
“‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo,
54 In this way you will have to put up with your disgrace and be ashamed of all the bad things you did that made them feel better about themselves.
kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza.
55 Your sisters, Sodom with her daughters and Samaria with her daughters, will be restored to what they were before. You and your daughters will also be restored to what you were before.
Uye vanunʼuna vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana vake, uye iwe navanasikana vako muchadzokera pane zvavaiva kare.
56 Didn't you mock your sister Sodom when you were feeling proud,
Haungazomborevi nezvomununʼuna wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako,
57 before you were shown to be so wicked yourselves? Of course now you are mocked by the Edomites and the surrounding nations, as well as by the Philistines. Everyone around you looks down on you.
kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora.
58 You will have to experience the consequences of your immorality and your disgusting practices, declares the Lord.
Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha.
59 This is what the Lord God says: I'm going to punish you according to your sins, because you treated the promise you made with contempt by breaking the agreement.
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu.
60 But I won't forget the agreement I made with you when you were young, and I will make an everlasting agreement with you.
Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe.
61 Then you will remember the way you are meant to live and be ashamed when you meet your older and younger sisters when they return to you. I will give them to you as daughters, even though this was not part of our original agreement.
Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanunʼuna vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe.
62 This is how I will endorse my agreement with you, and you will know that I am the Lord,
Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.
63 so that you will remember and be ashamed, and won't ever defend your disgraceful behavior when I forgive you for everything you've done, declares the Lord God.”
Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ugozorega kushamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”

< Ezekiel 16 >