< Ezekiel 10 >
1 I looked up and saw what looked like a throne made of lapis lazuli beyond the expanse, way above the heads of the cherubim.
Ndakatarisa, ndikaona chinhu chakafanana nechigaro choushe chesafire pamusoro pedenga raiva pamusoro pemisoro yamakerubhimi.
2 Speaking from there the Lord told the man in linen, “Go in between the wheels underneath the cherubim. Collect as many burning coals as you can. Carry them from among the cherubim and scatter them all over the city.” I watched as he went in.
Jehovha akati kumurume uya akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, “Enda pakati pamavhiri ari munyasi mamakerubhi. Uzadze maoko ako namazimbe anopisa anobva pamakerubhi ugoaparadzira pamusoro peguta.” Iye akapinda ini ndakatarira.
3 The cherubim were standing on the south side of the Temple when the man went in. A cloud filled the inner court.
Zvino makerubhi akanga akamira parutivi rwezasi kwetemberi murume paakapinda, uye gore rakazadza ruvazhe rwomukati.
4 Then the Lord's glory rose up from above the cherubim and moved to the entrance of the Temple. The cloud filled the Temple, and the brightness of the Lord's glory filled the courtyard.
Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakakwira pamusoro pamakerubhi kukaswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Gore rakazadza temberi, uye ruvazhe rukazadzwa nokupenya kwokubwinya kwaJehovha.
5 The noise made by the cherubim's wings could even be heard in the outer courtyard, and sounded like the voice of God Almighty.
Mubvumo wamapapiro amakerubhi wainzwika kusvikira kuruvazhe rwokunze, senzwi raMwari Wamasimba Ose kana achitaura.
6 When the Lord ordered the man in linen, “Go and get some fire from in between the wheels, from among the cherubim,” the man went in and stood beside one of the wheels.
Jehovha akati arayira murume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, achiti, “Tora moto pakati pamavhiri, kubva pamakerubhi,” murume akapinda mukati akamira parutivi rwevhiri.
7 Then one of the cherubim reached out and took some of the fire among them. He handed it to the man in linen, who took it and left.
Ipapo rimwe ramakerubhi rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto wakanga uri pakati pawo. Akatora mumwe moto ndokuuisa mumaoko omurume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, iye ndokuutora ndokuenda nawo panze.
8 (All the cherubim had what looked like human hands under their wings.)
(Pasi pamapapiro amakerubhi paionekwa chinhu chainge maoko omunhu.)
9 I saw four wheels next to the cherubim, one wheel beside each cherub. The wheels shone like topaz.
Ndakatarisa, ndikaona parutivi rwamakerubhi mavhiri mana, rimwe vhiri parutivi rwekerubhi rimwe nerimwe, mavhiri acho aivaima kunge ibwe rekrisorite.
10 All four wheels looked the same, and had a wheel within a wheel, set crossways.
Pakuonekwa kwawo, mana acho akanga akafanana; rimwe nerimwe rakanga rakaita sevhiri riri mukati merimwe vhiri.
11 The cherubim could go in any direction they faced, moving without turning.
Paaifamba aigona kuenda neimwe yenzira ina kwakanga kwakatarisa makerubhi; mavhiri haana kutsauka pakufamba kwaiita makerubhi. Makerubhi akaenda munzira ipi zvayo kwakanga kwakatarira musoro, asingatsauki pakufamba kwawo.
12 The whole of their bodies, including their backs, hands, and wings, were covered in eyes, as were all four wheels.
Miviri yawo yose, pamwe chete nemisana yawo, maoko awo namapapiro awo, zvakanga zvakazara nameso, zvakanga zvakadarowo namavhiri awo ari mana.
13 I heard the wheels being referred to as “the chariot wheels.”
Ndakanzwa mavhiri achitumidzwa zita rokuti “mavhiri okumonereka.”
14 Each of them had four faces: the first face was a cherub's face, the second a man's face, the third a lion's face, and the fourth an eagle's face.
Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina: Chimwe chiso chakanga chiri chekerubhi, chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chiso chechitatu chakanga chiri cheshumba, chiso chechina chakanga chiri chegondo.
15 Then the cherubim rose up in the air. They were the beings I'd seen beside the River Kebar.
Ipapo makerubhi akabhururuka achikwira kumusoro. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakaona ndiri paRwizi rweKebhari.
16 When the cherubim moved, the wheels moved alongside them. Even when they opened their wings to take off, the wheels stayed beside them.
Makerubhi aiti ofamba, mavhiri aiva parutivi rwawo ofambawo; makerubhi aiti akatambanudza mapapiro awo kuti abhururuke kubva pasi, mavhiri akanga asingabvi parutivi rwawo.
17 When the cherubim stopped, the wheels stopped too. When they took off, the wheels did too, because the spirit of the living creatures was in them.
Kana makerubhi akamira, iwo aimirawo; uye makerubhi akabhururuka, iwo aisimuka pamwe chete nawo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri maari.
18 Then the glory of the Lord left the entrance to the Temple and stopped above the cherubim.
Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabva pamusoro pechikumbaridzo chetemberi kukamira pamusoro pamakerubhi.
19 As I watched, the cherubim lifted their wings and took off, with the wheels alongside them. They stopped at the entrance of the east gate of the Lord's Temple, and the glory of the God of Israel was above them.
Ndichakatarisa izvi, makerubhi akatambanudza mapapiro awo ndokubhururuka kubva pasi, uye paaienda, mavhiri aiendawo nawo. Akandomira pamukova wesuo rokumabvazuva kweimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.
20 These were the beings I had seen beneath the God of Israel by the River Kebar. I knew that they were cherubim.
Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakanga ndaona pasi paMwari waIsraeri paRwizi rweKebhari, uye ndikaziva kuti akanga ari makerubhi.
21 Each had four faces and four wings and had what looked like human hands under their wings.
Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina namapapiro mana, uye pasi pamapapiro awo pakanga pane zvairatidzika samaoko omunhu.
22 Their faces looked like the faces I had seen by the River Kebar. Each of them moved directly ahead.
Zviso zvawo zvakanga zvichiratidzika sezviya zvandakanga ndamboona paRwizi rweKebhari. Chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi.