< Exodus 9 >

1 The Lord told Moses, “Go and speak to Pharaoh. Tell him, ‘This is what the Lord says: Let my people go, so that they can worship me.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
2 If you refuse to let them go and keep holding onto them,
Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa,
3 I will punish you by bringing a very severe plague on your livestock—on your horses, donkeys, camels, herds, and flocks.
ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi.
4 But the Lord will distinguish between the livestock of the Israelites and the Egyptians, so that none of those belonging to the Israelites will die.’
Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’”
5 The Lord has set a time, saying, ‘Tomorrow this is what is going to happen here in the country.’”
Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.”
6 The following day the Lord did what he had said. All the Egyptians' livestock died, but not a single animal belonging to the Israelites died.
Uye chifumi chamangwana Jehovha akazviita: Zvipfuwo zvose zvavaIjipita zvakafa, asi hapana kana chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakafa.
7 Pharaoh sent out officials and discovered that not a single one of the Israelites' livestock had died. But Pharaoh was stubborn, and he would not let the people leave.
Faro akatuma vanhu kundoferefeta uye akawana kuti pakanga pasina kunyange chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakanga chafa. Asi mwoyo wake wakanga uri mukukutu saka haana kutendera vanhu kuenda.
8 The Lord told Moses and Aaron, “Go and get some handfuls of soot from a furnace. Then have Moses throw it into the air in front of Pharaoh.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Torai tsama dzamadota kubva pachoto mugoita kuti Mozisi aakushe mumhepo pamberi paFaro.
9 It will spread like fine dust over the whole country of Egypt, and open sores will break out on people and animals throughout the land.”
Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.”
10 They got soot from a furnace, and went to see Pharaoh. Moses threw it into the air, and open sores broke out on people and animals.
Saka vakatora madota pachoto vakandomira pamberi paFaro. Mozisi akaakusha mumhepo, mamota anoputika akamera pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo.
11 The magicians were unable to come and appear before Moses, because they and all the other Egyptians were covered in sores.
Nʼanga hadzina kugona kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota akanga ari pavari uye napavaIjipita vose.
12 But the Lord gave Pharaoh a stubborn attitude, and he would not listen to them, just as the Lord had told Moses.
Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kuteerera kuna Mozisi naAroni, zvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi.
13 The Lord told Moses, “Tomorrow morning get up early and go to Pharaoh, and tell him that this is what the Lord, the God of the Hebrews, says: ‘Let my people go, so that they can worship me.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata,
14 This time I will direct all my plagues against you and your officials and your people, so you will realize that there is no one like me in all the earth.
kana zvikasadaro nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pako napamusoro pavaranda vako uye napamusoro pavanhu vako, kuti ugoziva kuti hakuna mumwe akafanana neni munyika yose.
15 By now I could have reached out to strike you and your people with a plague that would have completely destroyed you.
Nokuti iye zvino ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yaigona kukuparadzai panyika.
16 However, I have let you live so you can see my power, and that my reputation may be spread throughout the earth.
Asi ndakakumutsa nokuda kwechinangwa ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riparidzwe munyika yose.
17 But in your pride you are still tyrannizing my people, and refuse to let them leave.
Iwe wakazvigadzirira kurwa navanhu vangu uye haudi kuvatendera kuti vaende.
18 So watch out! About this time tomorrow I will send down the worst hailstorm that has ever fallen on Egypt, from the beginning of its history until now.
Naizvozvo, nenguva ino mangwana ndichatuma chimvuramabwe chakaipisisa kwazvo chisina kumbovapo pamusoro peIjipiti, kubva pazuva rayakavambwa kusvikira zvino.
19 So order your livestock and everything you have in the field to be brought inside. Every person and every animal that stays outside and is not brought inside will die when the hail falls on them.’”
Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa zvichiri musango, uye zvichafa.’”
20 Those of Pharaoh's officials who took seriously what the Lord said rushed to bring their servants and livestock inside.
Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati.
21 But those who didn't care what the Lord said left their servants and livestock outside.
Asi vaya vakazvidza shoko raJehovha vakarega vatapwa vavo nezvipfuwo zviri musango.
22 The Lord told Moses, “Lift your hand towards the sky so that a hailstorm will fall over the whole of Egypt, on people and on animals, and on everything growing in the fields of Egypt.”
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.”
23 Moses held up his staff toward heaven, and the Lord sent thunder and hail, and made lightning hit the ground. This is how the Lord rained hail down on Egypt.
Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, uye mheni yakapenya yakananga pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti;
24 As the hail fell it was accompanied by lightning flashing back and forth. The hail that fell was so severe that nothing like it had ever been seen in the whole of Egypt since the beginning of its history.
chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi.
25 All across Egypt hail hit everything in the fields, both people and animals. It knocked down everything growing in the fields, and stripped every tree bare.
Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose.
26 Only in the land of Goshen where the Israelites lived was there no hail.
Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri.
27 Pharaoh called for Moses and Aaron and told them, “I admit that I sinned this time! The Lord is right, and I and my people are wrong!
Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama.
28 Pray to the Lord for us, because there's been more than enough of God's thunder and hail. I will let you leave. You don't need to stay here any longer.”
Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira nechimvuramabwe zvanyanya. Ndichakutenderai kuti muende; hamuchafaniri kuramba mugerezve muno.”
29 “Once I've left the city, I will pray to the Lord for you,” Moses told him. “The thunder will stop, and there'll be no more hail, so that you will realize that the earth belongs to the Lord.
Mozisi akapindura akati, “Pandichabuda muguta, ndichatambanudza maoko angu ndichinyengetera kuna Jehovha. Mutinhiro uchapera uye hakuchazovazve nechimvuramabwe, kuti ugoziva kuti nyika ndeyaJehovha.
30 But I know you and your officials still do not really respect the Lord our God.”
Asi ndinoziva kuti iwe namachinda ako hamutyi Jehovha Mwari nazvino.”
31 (The flax and barley were destroyed, because the barley was ripe and the flax was flowering.
(Miti yeshinda nebhari zvakanga zvaparadzwa, sezvo bhari rakanga rava nehura uye miti yava namaruva.
32 However, the wheat and the spelt were not destroyed because they grow later.)
Kunyange zvakadaro gorosi nesipereti, hazvina kuparadzwa, nokuti zvakanga zvisati zvaibva.)
33 Moses left Pharaoh and went out of the city, and prayed to the Lord. The thunder and hail stopped, and the rainstorm finished.
Ipapo Mozisi akabva pana Faro akabuda muguta. Akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha; kutinhira nechimvuramabwe zvakamira, uye mvura haina kuzonayazve panyika.
34 When Pharaoh saw that the rain and hail and thunder had stopped, he sinned again, and he chose to become stubborn again, along with his officials.
Faro akati aona kuti mvura nechimvuramabwe uye nokutinhira zvapera, akatadzazve: Iye namachinda ake vakaomesa mwoyo yavo.
35 Because of his stubborn attitude, Pharaoh would not let the Israelites leave, just as the Lord had predicted through Moses.
Saka mwoyo waFaro wakaoma uye akasada kutendera vaIsraeri kuenda, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha kubudikidza naMozisi.

< Exodus 9 >