< 2 Kings 3 >
1 Joram, son of Ahab, became king of Israel in the eighteenth year of the reign of King Jehoshaphat of Judah. He reigned in Samaria for twelve years.
Joramu, mwanakomana waAhabhu akava mambo weIsraeri muSamaria mugore regumi namasere raJehoshafati mambo weJudha, uye akatonga kwamakore gumi namaviri.
2 He did evil in the Lord's sight, but not like his father and mother had done, for he got rid of the stone image of Baal that his father had made.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sezvakaita baba vake namai vake. Akabvisa dombo rinoera raBhaari rakanga raitwa nababa vake.
3 However, he still held on to the sins that Jeroboam, son of Nebat, had made Israel commit—he did not give them up.
Kunyange zvakadaro, akanamatira kuzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite, iye haana kubva kwazviri.
4 Mesha, king of Moab, was a sheep breeder. He used to provide a tribute to the king of Israel of one hundred thousand lambs and the wool of one hundred thousand rams.
Zvino Mesha mambo weMoabhu aipfuwa makwai, uye aifanira kupa mambo weIsraeri makwayana anokwana zviuru zana namakushe amakondobwe anokwana zviuru zana.
5 But after Ahab died, the king of Moab rebelled against the king of Israel.
Asi mushure mokufa kwaAhabhu, mambo weMoabhu akamukira mambo weIsraeri.
6 Immediately King Joram called up the whole Israelite army and left Samaria.
Saka panguva iyoyo, Mambo Jehoramu akabva kuSamaria akaunganidza vaIsraeri vose.
7 On his way he sent a message to Jehoshaphat, king of Judah, saying, “The king of Moab has rebelled against me. Will you join me in an attack on Moab?” Jehoshaphat replied, “Yes, I will join you. You and I are as one, my men and your men are as one, and my horses and your horses are as one.”
Akatumirawo shoko kuna Jehoshafati mambo weJudha achiti, “Mambo weMoabhu andimukira. Ungada kuenda neni kundorwa neMoabhu here?” Iye akapindura akati, “Ndichaenda newe. Ini ndakangoita sewe, navanhu vangu sevakowo, mabhiza angu samabhiza ako.”
8 Then he asked, “Which way shall we go?” “We'll take the road through the desert of Edom,” he replied.
Akamubvunza akati, “Tichandovavamba nenzira ipi?” Iye akapindura akati, “NomuRenje reEdhomu.”
9 So the king of Israel, the king of Judah, and the king of Edom set off. Having followed an indirect route for seven days, they ran out of water for their army and for their animals.
Saka mambo weIsraeri akaenda namambo weJudha pamwe chete namambo weEdhomu. Mushure mokufamba vachipoterera kwamazuva manomwe, varwi vakapererwa nemvura yavo, neyezvipfuwo zvavaiva nazvo.
10 “What are we doing?” complained the king of Israel. “The Lord has brought us three kings here to hand us over to the Moabites!”
Mambo weIsraeri akati, “Haiwa! Heya Jehovha atidaidza isu madzimambo matatu pamwe chete kungozotipa hake kuvaMoabhu?”
11 But Jehoshaphat asked, “Isn't there a prophet of the Lord here with us? Let us consult the Lord through him.” One of the king of Israel's officers answered, “Elisha, son of Shaphat, is here. He was Elijah's assistant.”
Asi Jehoshafati akamubvunza akati, “Hapana muprofita waJehovha here pano, kuti tibvunze Jehovha nokwaari?” Muranda wamambo weIsraeri akati, “Pana Erisha mwanakomana waShafati. Aisimbosuridzira mvura pamaoko aEria.”
12 Jehoshaphat agreed, “The Lord communicates by him.” So the king of Israel, Jehoshaphat, and the king of Edom went to see him.
Jehoshafati akati, “Shoko raJehovha riri paari.” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakaburuka vakaenda kwaari.
13 Elisha said to the king of Israel, “What have I got to do with you? Go to your own prophets, those of your father and your mother.” But the king of Israel said to him, “No—because it's the Lord who has brought these three kings here to hand them over to the Moabites!”
Erisha akati kuna mambo weIsraeri, “Chiiko chandingaita nemi? Endai kuvaprofita vababa venyu navaprofita vamai venyu.” Mambo weIsraeri akapindura akati, “Kwete, nokuti ndiJehovha akatidaidza isu madzimambo matatu tose kuti azotipa kuvaMoabhu.”
14 Elisha replied, “As the Lord Almighty lives, the one I serve, if I didn't respect the fact that Jehoshaphat, king of Judah, is here, I wouldn't even look in your direction or acknowledge you.
Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshumira, dai ndanga ndisingaremekedzi Jehoshafati mambo weJudha vari pano, handaimbokutarisai kana kukuonai.
15 Now bring me a musician.” While the musician played, the Lord's power came upon Elisha,
Asi zvino uyai nomuridzi worudimbwa kwandiri.” Muridzi worudimbwa paakanga achiridza, ruoko rwaJehovha rwakauya pamusoro paErisha,
16 and he announced, “This is what the Lord says: This valley will be filled with pools of water. For the Lord says:
akati, “Zvanzi naJehovha: Itai kuti mupata uyu uzare namakoronga.
17 You won't see any wind, you won't see any rain, but even so this valley will be filled with water. You will drink, and your cattle, and your animals.
Nokuti zvanzi naJehovha: Hamusi kuzoona mhepo kana mvura, kunyange zvakadaro, mupata uyu uchazadzwa nemvura, uye imi, nemombe dzenyu nedzimwe mhuka dzenyu muchanwamo.
18 The Lord views this as something trivial to do; and he will also make you victorious over the Moabites.
Chinhu ichi chakareruka pamberi paJehovha; achaisawo Moabhu kwamuri.
19 You will conquer every fortified town, and every important town. You will chop down every good tree, block up every spring, and spoil every good field by throwing stones on them.”
Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakakomberedzwa norusvingo uye namaguta ose makuru. Muchatemera pasi muti mumwe nomumwe wakanaka, mugotsindira matsime ose, uye muchakanganisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.”
20 The next day, around the time of the morning sacrifice, water suddenly flowed from the direction of Edom, filling the whole countryside with water.
Chifumi chamangwana, nenguva dzinenge dzokupa chibayiro, tarirai, mvura yakayerera ichibva kwakadziva kuEdhomu! Uye nyika yakazara nemvura.
21 All the Moabites had heard that the kings had come to attack them. So everyone who could wear a sword, young and old, was called up and went to guard the border.
Zvino vaMoabhu vose vakanga vanzwa kuti madzimambo akanga auya kuzorwa navo; saka murume mumwe nomumwe, mudiki nomukuru, aigona kutakura zvombo akadaidzwa uye vakandogariswa kumuganhu.
22 But the next morning when they got up the sun was shining on the water, and to the Moabites on the other side it looked blood red.
Vakati vachimuka mangwanani vakaona zuva richipenya pamusoro pemvura. KuvaMoabhu vaiva kuno rumwe rutivi, mvura yakanga yakatsvuka seropa.
23 “This is blood!” they said. “The kings and their armies must have attacked and killed each other! Moabites, let's grab the plunder!”
Vakati, “Iropa iro! Madzimambo ayo anenge arwa akaurayana. Zvino imi vaMoabhu endai munopamba!”
24 But when the Moabites arrived at the Israelite camp, the Israelites ran out and attacked them, and they ran away from them. So the Israelites invaded their country and killed the Moabites.
Asi vaMoabhu vakati vasvika kumusasa weIsraeri, vaIsraeri vakavarwisa kusvikira vatiza. Ipapo vaIsraeri vakapinda munyika vakauraya vaMoabhu.
25 They destroyed the towns, and each soldier threw stones on every good field until it was covered. They blocked up every spring and chopped down every good tree. Only Kir-haraseth still had its walls, but soldiers using slingshots surrounded it and attacked it as well.
Vakaparadza maguta, uye murume mumwe nomumwe akapotsera mabwe pamunda woga woga wakanaka kusvikira wafukidzwa namabwe. Vakatsindira matsime ose uye vakatema muti wose wakanga wakanaka. Kirihareseti chete ndiro rakasiyiwa riine mabwe aro, asi varume vaiva nezvimviriri vakarikomba vakarirwisawo.
26 When the king of Moab realized he'd lost the battle, he led seven hundred swordsmen in an attempt to break through and attack the king of Edom, but they weren't able to do so.
Mambo weMoabhu akati aona kuti akundwa, akatora varume mazana manomwe vaiva neminondo kuti varwise vaende kuna Mambo weEdhomu, asi vakakundikana.
27 So the king of Moab took his firstborn son, who was meant to succeed him, and sacrificed him as a burnt offering on the town wall. Great anger came upon the Israelites, so they left and went back to their own country.
Ipapo akatora dangwe rake, aifanira kumutevera paushe, akamupa sechibayiro parusvingo rweguta. Vakatsamwira vaIsraeri zvikuru; uye ivo vakabva kwaari vakadzokera kunyika yavo.