< Luke 1 >
1 Given that many have undertaken to set in order a narrative concerning those things that really did take place among us,
Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu,
2 just as those who became eyewitnesses, from the beginning, and ministers of the Word delivered them to us,
sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri neavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko.
3 it seemed good to me also, most excellent Theophilus, having taken careful note of everything from Above, to write to you with precision and in sequence,
Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa,
4 so that you may know the certainty of the things in which you were instructed.
kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
5 In the days of Herod, the king of Judea, there was a certain priest named Zacharias, of the priestly division of Abijah. His wife was of the daughters of Aaron and her name was Elizabeth.
Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.
6 They were both righteous before God, walking blamelessly in all the commandments and ordinances of the Lord.
Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa.
7 But they had no child, because Elizabeth was barren; and they both were well advanced in years.
Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo.
8 Now it happened, as he was officiating as priest before God in the order of his division,
Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake achibata somuprista pamberi paMwari,
9 according to the custom of the priesthood, that his lot was to burn incense, upon entering the sanctuary of the Lord;
akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuhwira mutemberi yaShe.
10 and the whole multitude of the people was praying outside at the hour of incense.
Uye nguva yokupisa zvinonhuhwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.
11 Then an angel of the Lord appeared to him, standing at the right side of the altar of incense;
Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuhwira.
12 and upon seeing him Zacharias was shaken, and a fear fell upon him.
Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya.
13 But the angel said to him: “Do not be afraid, Zacharias, because your prayer was heard, and your wife Elizabeth will bear you a son, and you shall call his name John.
Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.
14 And you will have joy and exultation, and many will rejoice over his birth.
Achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake,
15 For he will be great in the sight of the Lord; he must not drink either wine or strong drink; indeed, he will be filled with Holy Spirit already from his mother's womb.
nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake.
16 And he will turn many of the children of Israel to the Lord their God;
Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo.
17 in fact he himself will go before Him in the spirit and power of Elijah, ‘to turn the hearts of fathers to children’ and the disobedient to the mindset of the righteous, to prepare a people made ready for the Lord.”
Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.”
18 But Zacharias said to the angel: “How can I be sure of this? For I am an old man, and my wife is well advanced in years.”
Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.”
19 So in answer the angel said to him: “I am Gabriel, who stands in the presence of God; I was sent to speak to you and bring you this good news.
Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe, ndizokuudza nhau dzakanaka idzi.
20 Now look, you will be silent and not able to speak until the day in which these things happen, because you did not believe my words, which will be fulfilled in their proper time.”
Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.”
21 Now the people were waiting for Zacharias and wondering at his delay in the sanctuary.
Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi.
22 But when he came out he was unable to speak to them, and they understood that he had seen a vision in the sanctuary—he kept gesturing to them while remaining mute.
Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura.
23 And so, when the days of his service were fulfilled, he took off for home.
Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake.
24 Well after those days his wife Elizabeth became pregnant and stayed in seclusion five months. She kept saying,
Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akazvivanza kwemwedzi mishanu.
25 “So that's what the Lord has done for me in the days when He concerned Himself to take away my reproach among the people!”
Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.”
26 Now in the sixth month the angel Gabriel was sent by God to a town of Galilee named Natsareth,
Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea,
27 to a virgin betrothed to a man whose name was Joseph, of the house of David; the virgin's name was Mary.
kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.
28 So upon entering where she was the angel said, “Rejoice, recipient of grace, the Lord is with you; blessed are you among women!”
Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.”
29 But upon seeing him she was perplexed at his word and was trying to figure out what sort of greeting it might be.
Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii.
30 The angel said to her: “Do not be afraid, Mary, because you have found favor with God.
Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.
31 Now then, you will conceive in your womb and give birth to a Son, and you shall call His name JESUS.
Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.
32 He will be great, and will be called ‘Son of the Most High’; and the Lord God will give Him the throne of His father David,
Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,
33 and He will reign over the house of Jacob into the ages; indeed, of His kingdom there will be no end!” (aiōn )
uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” (aiōn )
34 So Mary said to the angel, “How shall this be, since I do not know a man?”
Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”
35 In answer the angel said to her: “Holy Spirit will come upon you and the power of the Most High will hover over you; precisely for this reason the holy One who is to be born will be called ‘Son of God’!
Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.
36 Furthermore, your relative Elizabeth, she has actually conceived a son in her old age and this is now the sixth month for her who was called barren;
Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.
37 because any word spoken by God will be possible.”
Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”
38 So Mary said: “Yes, I am the Lord's slave! Let it happen to me according to your word.” And the angel departed from her.
Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.
39 Then Mary quickly got ready and went into the hill country in those days, to a town of Judah,
Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea,
40 and entered the house of Zacharias and saluted Elizabeth.
uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti.
41 Well it happened that as Elizabeth heard Mary's salutation the babe bounced up and down in her womb, and Elizabeth was filled with Holy Spirit.
Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene.
42 And she cried out with a great voice and said: “Blessed are you among women, and blessed is the Fruit of your womb!
Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara!
43 Why am I so favored that the mother of my Lord should come to me?
Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri?
44 Yes indeed, because as the sound of your salutation came into my ears the babe bounced up and down in my womb for joy.
Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.
45 Blessed is she who believed, because there will be a fulfillment of the things that have been spoken to her from the Lord.”
Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!”
46 So Mary said: “My soul magnifies the Lord,
Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe
47 and my spirit has exulted over God my Savior,
uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,
48 in that He paid attention to the humble station of His slave (f). Yes indeed, because from now on all generations will declare me to be highly favored,
nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa,
49 in that the Mighty One did sublime things for me, and Holy is His name.
nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene.
50 His mercy is for generations of generations to those fearing Him.
Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
51 He has done mighty deeds with His arm; He has dispersed the arrogant in the reasoning of their hearts.
Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
52 He has dethroned rulers and exalted the lowly.
Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa.
53 He has filled the hungry with good things and sent the rich away empty.
Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.
54 He has taken the part of His servant Israel, in remembrance of mercy,
Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni,
55 just as He spoke to our fathers, to Abraham and to his seed while there is an age.” (aiōn )
kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.” (aiōn )
56 So Mary stayed with her about three months, and returned to her house.
Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye mushure maizvozvo akazodzokera zvake kumusha.
57 Now the time for Elizabeth to give birth was completed and she bore a son.
Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana.
58 Her neighbors and relatives heard that the Lord had used His great mercy with her, and they rejoiced with her.
Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye.
59 So it was, on the eighth day, that they came to circumcise the child, and they started calling him by the name of his father, Zacharias.
Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,
60 His mother reacted and said, “Absolutely not; he shall be called John!”
asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”
61 So they said to her, “There is no one among your relatives who is called by this name.”
Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”
62 So they started motioning to his father, as to what he would have him called.
Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana.
63 Asking for a writing tablet he wrote this: “His name is to be John!” They all marveled.
Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo.
64 Immediately his mouth was opened and his tongue freed and he started to speak, blessing God.
Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari.
65 (Well a fear came on all who lived around them; and all these sayings kept being talked about throughout all the hill country of Judea.
Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.
66 All who heard kept them in their hearts saying, “What then will this child be?” And the hand of the Lord was with him.)
Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.
67 Now his father Zacharias was filled with Holy Spirit and prophesied saying:
Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:
68 “Blessed be the Lord, the God of Israel, because He has visited and provided redemption for His people;
“Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.
69 and has raised up a horn of deliverance for us in the house of His servant David
Akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi,
70 —just as He spoke through the mouth of His holy prophets from antiquity— (aiōn )
sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare, (aiōn )
71 deliverance from our enemies and out of the hand of all who hate us;
iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga,
72 to use mercy with our fathers, even to remember His Holy covenant,
kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene,
73 the oath that He swore to our father Abraham;
mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:
74 to grant to us (having been rescued from the hand of our enemies) to serve Him without fear,
kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,
75 in holiness and righteousness before Him all the days of our life.
muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
76 And you, child, will be called Prophet of the Most High, because you will go before the face of the Lord to prepare His ways,
“Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,
77 to give a knowledge of salvation to His people by the forgiveness of their sins,
kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,
78 through the merciful compassions of our God, with which the divine Dawn has contemplated us,
nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga,
79 to give light to those who are sitting in darkness and the shadow of death, to guide our feet into the way of peace.”
kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”
80 So the child kept growing and being strengthened in spirit, and he stayed in uninhabited areas until the day of his manifestation to Israel.
Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.