< Romans 13 >

1 Let every soul be subject to higher powers: for there is no power but from God: and those that are, are ordained of God.
Mweya umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nokuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; masimba aripo akagadzwa naMwari.
2 Therefore he that resisteth the power, resisteth the ordinance of God. And they that resist, purchase to themselves damnation.
Naizvozvo anopikisa simba anopikisa chimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisa vanozvigamuchirira kuraswa.
3 For princes are not a terror to the good work, but to the evil. Wilt thou then not be afraid of the power? Do that which is good: and thou shalt have praise from the same.
Nokuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi kune akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, zvino uchava nerumbidzo kubva kwariri;
4 For he is God’s minister to thee, for good. But if thou do that which is evil, fear: for he beareth not the sword in vain. For he is God’s minister: an avenger to execute wrath upon him that doth evil.
nokuti ndiro muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nokuti harina kubatira munondo pasina; nokuti muranda waMwari, mutsivi pahasha kune anoita zvakaipa.
5 Wherefore be subject of necessity, not only for wrath, but also for conscience’ sake.
Naizvozvo zvakafanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo.
6 For therefore also you pay tribute. For they are the ministers of God, serving unto this purpose.
Nokuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nokuti varanda vaMwari, vanoramba vachibatirira chinhu ichochi.
7 Render therefore to all men their dues. Tribute, to whom tribute is due: custom, to whom custom: fear, to whom fear: honour, to whom honour.
Naizvozvo ripirai vese zvakafanira: Mutero kuna vanofanira mutero; mubhadharo kune vanofanira mubhadharo; kutyiwa kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira rukudzo.
8 Owe no man any thing, but to love one another. For he that loveth his neighbour, hath fulfilled the law.
Musava nengava nemunhu, kunze kwerekudanana; nokuti anoda umwe, wazadzisa murairo.
9 For Thou shalt not commit adultery: Thou shalt not kill: Thou shalt not steal, Thou shalt not bear false witness: Thou shalt not covet: and if there be any other commandment, it is comprised in this word, Thou shalt love thy neighbour as thyself.
Nokuti izvi zvekuti: Usapomba, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana kune murairowo upi neupi, zvakasanganiswa pashoko iri, rekuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.
10 The love of our neighbour worketh no evil. Love therefore is the fulfilling of the law.
Rudo haruiti zvakaipa kune wekwako; naizvozvo rudo kuzadzisika kwemurairo.
11 And that knowing the season; that it is now the hour for us to rise from sleep. For now our salvation is nearer than when we believed.
Uye izvi, muchiziva nguva, kuti ratova awa rekuti timuke pahope; nokuti ikozvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda.
12 The night is passed, and the day is at hand. Let us therefore cast off the works of darkness, and put on the armour of light.
Usiku hwaenda, uye zuva rava pedo; naizvozvo ngatibvise mabasa erima, uye ngatishonge zvombo zvechiedza.
13 Let us walk honestly, as in the day: not in rioting and drunkenness, not in chambering and impurities, not in contention and envy:
Ngatifambe zvakafanira, sapamasikati, kwete mumitambo yemafaro akaipa nekuraradza, kwete pamabonde nekunyangadza, kwete mugakava negodo.
14 But put ye on the Lord Jesus Christ, and make not provision for the flesh in its concupiscences.
Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musafunganyira nyama, mukuchiva.

< Romans 13 >