< Matthew 14 >
1 At the time Herod the Tetrarch heard the fame of Jesus.
Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu,
2 And he said to his servants: This is John the Baptist: he is risen from the dead, and therefore mighty works shew forth themselves in him.
akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari.
3 For Herod had apprehended John and bound him, and put him into prison, because of Herodias, his brother’s wife.
Nokuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake.
4 For John said to him: It is not lawful for thee to have her.
Nokuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye.
5 And having a mind to put him to death, he feared the people: because they esteemed him as a prophet.
Zvino achida kumuuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora semuporofita.
6 But on Herod’s birthday, the daughter of Herodias danced before them: and pleased Herod.
Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe.
7 Whereupon he promised with an oath, to give her whatsoever she would ask of him.
Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti achamupa chipi nechipi chaaizokumbira.
8 But she being instructed before by her mother, said: Give me here in a dish the head of John the Baptist.
Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
9 And the king was struck sad: yet because of his oath, and for them that sat with him at table, he commanded it to be given.
Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe.
10 And he sent, and beheaded John in the prison.
Akatuma vanhu, akagura Johwani musoro mutirongo.
11 And his head was brought in a dish: and it was given to the damsel, and she brought it to her mother.
Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake.
12 And his disciples came and took the body, and buried it, and came and told Jesus.
Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, vakaenda ndokuudza Jesu.
13 Which when Jesus had heard, he retired from thence by boat, into a desert place apart, and the multitudes having heard of it, followed him on foot out of the cities.
Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari ega; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta.
14 And he coming forth saw a great multitude, and had compassion on them, and healed their sick.
Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
15 And when it was evening, his disciples came to him, saying: This is a desert place, and the hour is now past: send away the multitudes, that going into the towns, they may buy themselves victuals.
Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya.
16 But Jesus said to them, They have no need to go: give you them to eat.
Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye.
17 They answered him: We have not here, but five loaves, and two fishes.
Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.
18 He said to them: Bring them hither to me.
Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri.
19 And when he had commanded the multitudes to sit down upon the grass, he took the five loaves and the two fishes, and looking up to heaven, he blessed, and brake, and gave the loaves to his disciples, and the disciples to the multitudes.
Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga.
20 And they did all eat, and were filled. And they took up what remained, twelve full baskets of fragments.
Vakadya vese, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere.
21 And the number of them that did eat, was five thousand men, besides women and children.
Uye vakange vadya vaiva varume vanenge zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana.
22 And forthwith Jesus obliged his disciples to go up into the boat, and to go before him over the water, till he dismissed the people.
Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda.
23 And having dismissed the multitude, he went into a mountain alone to pray. And when it was evening, he was there alone.
Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari ega kunonyengetera; akati ava madekwani, wakange ari ega ipapo.
24 But the boat in the midst of the sea was tossed with the waves: for the wind was contrary.
Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yakange ichipikisa.
25 And in the fourth watch of the night, he came to them walking upon the sea.
Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
26 And they seeing him walk upon the sea, were troubled, saying: It is an apparition. And they cried out for fear.
Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti: Chipoko; ndokudanidzira nekutya.
27 And immediately Jesus spoke to them, saying: Be of good heart: it is I, fear ye not.
Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.
28 And Peter making answer, said: Lord, if it be thou, bid me come to thee upon the waters.
Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi, ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.
29 And he said: Come. And Peter going down out of the boat, walked upon the water to come to Jesus.
Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu.
30 But seeing the wind strong, he was afraid: and when he began to sink, he cried out, saying: Lord, save me.
Asi wakati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!
31 And immediately Jesus stretching forth his hand took hold of him, and said to him: O thou of little faith, why didst thou doubt?
Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei?
32 And when they were come up into the boat, the wind ceased.
Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.
33 And they that were in the boat came and adored him, saying: Indeed thou art the Son of God.
Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.
34 And having passed the water, they came into the country of Genesar.
Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti.
35 And when the men of that place had knowledge of him, they sent into all that country, and brought to him all that were diseased.
Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yese iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vese vairwara.
36 And they besought him that they might touch but the hem of his garment. And as many as touched, were made whole.
Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vese vakabata vakaporeswa.