< Leviticus 13 >

1 And the Lord spoke to Moses and Aaron, saying:
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2 The man in whose skin or flesh shalt arise a different colour or a blister, or as it were something shining, that is, the stroke of the leprosy, shall be brought to Aaron the priest, or any one of his sons.
“Kana ani naani ane pakazvimba kana kuti ane tumapundu kana chivara chichena paganda rake chinogona kunge chiri chirwere chinotapukira anofanira kuuyiswa kuna Aroni muprista kana kuno mumwe wavanakomana vake muprista.
3 And if he see the leprosy in his skin, and the hair turned white, and the place where the leprosy appears lower than the skin and the rest of the flesh: it is the stroke of the leprosy, and upon his judgment he shall be separated.
Muprista achatarisa chironda chiri paganda rake, uye kana bvudzi riri pachironda rachena uye ronda roratidza kudzika kudarika paganda, chirwere cheganda chinotapukira. Kana muprista akamuongorora achamuzivisa kuvanhu somunhu asina kuchena.
4 But if there be a shining whiteness in the skin, and not lower than the other flesh, and the hair be of the former colour, the priest shall shut him up seven days.
Kana gwapa riri paari riri jena asi risingaratidzi kudzika kudarika paganda uye bvudzi risina kuchena, muprista anofanira kugarisa munhu iyeye oga kwamazuva manomwe.
5 And the seventh day he shall look on him: and if the leprosy be grown no farther, and hath not spread itself in the skin, he shall shut him up again other seven days.
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye akaona kuti chironda hachina kupinduka uye hachina kupararira muganda anofanira kumuchengeta pake oga kwamamwe mazuva manomwe.
6 And on the seventh day, he shall look on him: if the leprosy be somewhat obscure, and not spread in the skin, he shall declare him clean, because it is but a scab: and the man shall wash his clothes, and shall be clean.
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora zvakare, uye kana chironda chaserera uye chisina kupararira neganda, muprista achamuzivisa somunhu akachena, tunongova tumapundu. Munhu anofanira kusuka nguo dzake uye achava akachena.
7 But if the leprosy grow again, after he was seen by the priest and restored to cleanness, he shall be brought to him,
Asi kana tumapundu tukapararira nomuviri wake shure kwokunge azviratidza kumuprista kuti zviziviswe kuti akachena, anofanira kuenda kumuprista zvakare.
8 And shall be condemned of uncleanness.
Muprista anofanira kumuongorora, uye kana tumapundu twapararira neganda, achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira.
9 If the stroke of the leprosy be in a man, he shall be brought to the priest,
“Kana munhu upi zvake ane chirwere chinotapukira, anofanira kuuyiswa kumuprista.
10 And he shall view him. And when there shall be a white colour in the skin, and it shall have changed the look of the hair, and the living flesh itself shall appear:
Muprista anofanira kumuongorora, uye kana pane kuzvimba nokucheneruka paganda, uye zvapindura bvudzi kuti rive jena, uye kana pane nyama yakatsvuka, pakazvimba,
11 It shall be judged an inveterate leprosy, and grown into the skin. The priest therefore shall declare him unclean, and shall not shut him up, because he is evidently unclean.
chirwere cheganda chava nenguva uye muprista achazivisa kuti haana kuchena. Haafaniri kumugarisa ari oga, nokuti atogara asina kuchena.
12 But if the leprosy spring out running about in the skin, and cover all the skin from the head to the feet, whatsoever falleth under the sight of the eyes,
“Kana chirwere chikabuda paganda rake rose uye sokuona kwomuprista, chakafukidza ganda rose romunhu abatwa nehosha, kubva kumusoro kusvika kutsoka,
13 The priest shall view him, and shall judge that the leprosy which he has is very clean: because it is all turned into whiteness, and therefore the man shall be clean.
muprista anofanira kumuongorora uye kana chirwere chapararira nomuviri wake wose, achazivisa kuti munhu uyu akachena, sezvo zvose zvachenuruka, akachena.
14 But when the live flesh shall appear in him,
Asi pose panoonekwa ronda paari, achava asina kuchena.
15 Then by the judgment of the priest he shall be defiled, and shall be reckoned among the unclean: for live flesh, if it be spotted with leprosy, is unclean.
Muprista paachaona ronda, achazivisa kuti haana kuchena. Ronda harina kuchena ane chirwere chinotapukira.
16 And if again it be turned into whiteness, and cover all the man,
Zvikaitika kuti ronda richeneruke, anofanira kuenda kumuprista.
17 The priest shall view him, and shall judge him to be clean.
Ipapo muprista anofanira kumuongorora uye kana zvironda zvachenuruka, muprista achazivisa kuti munhu ane hosha uyu akachena, ipapo achava akachena.
18 When also there has been an ulcer in the flesh and the skin, and it has been healed,
“Kana munhu akava nemota paganda rake rikapora,
19 And in the place of the ulcer, there appeareth a white scar, or somewhat red, the man shall be brought to the priest:
uye panzvimbo panga pane mota pakazvimba pakacheneruka kana kuti pakatsvuka, anofanira kuzviratidza kumuprista.
20 And when he shall see the place of the leprosy lower than the other flesh, and the hair turned white, he shall declare him unclean, for the plague of leprosy is broken out in the ulcer.
Muprista anofanira kumuongorora uye kana zvikaratidza kudzika kudarika paganda uye bvudzi riri pachiri rikapinduka rikava jena, muprista achazivisa kuti haana kuchena, chirwere chinotapukira cheganda chabuda panga pane mota.
21 But if the hair be of the former colour, and the scar somewhat obscure, and be not lower than the flesh that is near it, he shall shut him up seven days.
Asi kana muprista achiongorora, pasina bvudzi jena pachiri uye paserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe.
22 And if it spread, he shall judge him to have the leprosy:
Kana zviri kupararira muganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena, zvinotapukira.
23 But if it stay in its place, it is but the scar of an ulcer, and the man shall be clean.
Asi kana gwapa risina kupinduka uye risina kupararira, rinongova vanga kubva pamota uye muprista achazivisa kuti akachena.
24 The flesh also and skin that hath been burnt, and after it is healed hath a white or a red scar,
“Kana munhu akatsva paganda uye akabuda gwapa dzvuku kana rakacheneruka paronda rokutsva,
25 The priest shall view it, and if he see it turned white, and the place thereof is lower than the other skin: he shall declare him unclean, because the evil of leprosy is broken out in the scar.
muprista anofanira kutarisa gwapa uye kana bvudzi riri pariri rapinduka rikava jena uye zvakadzika kudarika ganda, chirwere chinotapukira cheganda chabuda pakatsva.
26 But if the colour of the hair be not changed, nor the blemish lower than the other flesh, and the appearance of the leprosy be somewhat obscure, he shall shut him up seven days,
Asi kana muprista akachiongorora, pasina bvudzi jena pagwapa uye kana zvisina kudzika kudarika ganda uye zvaserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe.
27 And on the seventh day he shall view him: if the leprosy be grown farther in the skin, he shall declare him unclean.
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye kana zvichipararira neganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira cheganda.
28 But if the whiteness stay in its place, and be not very clear, it is the sore of a burning, and therefore he shall be cleansed, because it is only the scar of a burning.
Asi kana gwapa rikasapinduka uye risina kupararira neganda, asi raserera, kuzvimba kunobva pakutsva uye muprista achazivisa kuti akachena, rinongova vanga rinobva pakutsva.
29 If the leprosy break out in the head or the beard of a man or woman, the Priest shall see them,
“Kana munhurume kana munhukadzi akava nechironda mumusoro kana pachirebvu,
30 And if the place be lower than the other flesh, and the hair yellow, and thinner than usual: he shall declare them unclean, because it is the leprosy of the head and the beard;
muprista anofanira kuongorora chironda, uye kana chichiratidza kudzika kudarika ganda, uye bvudzi riri machiri riri renhundurwa uye riri dete, muprista achazivisa kuti munhu iyeye haana kuchena, kuvava, chirwere chinotapukira chomusoro kana chechirebvu.
31 But if he perceive the place of the spot is equal with the flesh that is near it, and the hair black: he shall shut him up seven days,
Asi kana muprista akaongorora ronda iri uye kana risingaratidzi kudzika kudarika ganda uye pasina bvudzi dema pariri, zvino muprista anofanira kuchengeta munhu ane hosha ari oga kwamazuva manomwe.
32 And on the seventh day he shall look upon it. If the spot be not grown, and the hair keep its colour, and the place of the blemish be even with the other flesh:
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora ronda, uye kana kuvava kusina kupararira uye pasina bvudzi renhundurwa uye risingaratidzi kudzika kudarika ganda,
33 The man shall be shaven all but the place of the spot, and he shall be shut up other seven days:
anofanira kuveurwa bvudzi pachisiyiwa nzvimbo ine hosha, uye muprista anofanira kumuchengeta ari oga kwamamwe mazuva manomwe.
34 If on the seventh day the evil seem to have stayed in its place, and not lower than the other flesh, he shall cleanse him, and his clothes being washed he shall be clean.
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora panovava, uye kana pasina kupararira neganda zvichiratidza kuti hazvina kudzika kudarika ganda, muprista achazivisa kuti akachena. Anofanira kusuka nguo dzake agova akachena.
35 But if after his cleansing the spot spread again in the skin,
Asi kana kuvava kukaparira neganda iye aziviswa kuti akachena,
36 He shall seek no more whether the hair be turned yellow, because he is evidently unclean.
muprista anofanira kumuongorora, uye kana kuvava kwapararira neganda, muprista haafaniri kutsvaga bvudzi renhundurwa, nokuti munhu iyeye haana kuchena.
37 But if the spot be stayed, and the hair be black, let him know that the man is healed, and let him confidently pronounce him clean.
Zvisinei hazvo, kana zvikaitika kuti sokuona kwake hazvina kupinduka, uye bvudzi dema ramera mazviri, kuvava kwaporeswa, achena uye muprista achazivisa kuti akachena.
38 If a whiteness appear in the skin of a man or a woman,
“Kana munhurume kana munhukadzi ane makwapa machena paganda
39 The priest shall view them. If he find that a darkish whiteness shineth in the skin, let him know that it is not the leprosy, but a white blemish, and that the man is clean.
muprista anofanira kuaongorora uye kana makwapa asina kunyanyochena, tumapundu tusingakuvadzi twabuda paganda, munhu iyeye akachena.
40 The man whose hair falleth off from his head, he is bald and clean:
“Kana bvudzi romumwe rikabva akasara asisina bvudzi, ava nemhanza, akachena.
41 And if the hair fall from his forehead, he is bald before and clean.
Kana akabva bvudzi pahuma uye akasara ava nemhanza, akachena.
42 But if in the bald head or in the bald forehead there be risen a white or reddish colour,
Asi kana ane chironda chichena chakatsvukuruka pamhanza yake kana pahuma, chirwere chinotapukira chabuda pamusoro pake kana pahuma.
43 And the priest perceive this, he shall condemn him undoubtedly of leprosy which is risen in the bald part.
Muprista anofanira kumuongorora uye kana kuzvimba kuri pamusoro pake kana pamhanza kwakatsvukuruka nokuchena sechirwere chinotapukira cheganda,
44 Now whosoever shall be defiled with the leprosy, and is separated by the judgment of the priest,
murume iyeye arwara uye haana kuchena. Muprista anofanira kuzivisa kuti haana kuchena nokuda kwechironda chiri pamusoro wake.
45 Shall have his clothes hanging loose, his head bare, his mouth covered with a cloth, and he shall cry out that he is defiled and unclean.
“Munhu ane chirwere chinotapukira ichi anofanira kupfeka nguo dzakabvaruka, osiya bvudzi rake risina kukamwa, ofukidza chikamu chepasi cheuso hwake, odanidzira achiti, ‘Handina kuchena! Handina kuchena!’
46 All the time that he is a leper and unclean, he shall dwell alone without the camp.
Kana aramba ane chirwere ichocho anongoramba asina kuchena. Anofanira kugara oga; anofanira kugara kunze kwomusasa.
47 A woollen or linen garment that shall have the leprosy
“Kana nguo ipi neipi yazadzwa maperembudzi, ingava nguo yeshinda, kana yewuru kana yomucheka,
48 In the warp, and the woof, or a skin. or whatsoever is made of a skin,
ungava mucheka wakarukwa kana mucheka wewuru kana wedehwe kana chinhu chakagadzirwa nedehwe,
49 If it be infected with a white or red spot, it shall be accounted the leprosy, and shall be shewn to the priest.
uye kana utachiona huri muchipfeko kana dehwe kana mucheka wakarukwa kana chinhu chedehwe, chiri choruvara rwezerere kana chakatsvukuruka, chirwere chinopararira chamaperembudzi uye chinofanira kuratidzwa kumuprista.
50 And he shall look upon it and shall shut it up seven days:
Muprista anofanira kuchiongorora agochengeta chinhu chacho pacho choga kwamazuva manomwe.
51 And on the seventh day when he looketh on it again, if he find that it if grown, it is a Axed leprosy: he shall judge the garment unclean, and every thing wherein it shall be found:
Pazuva rechinomwe anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi apararira muchipfeko kana nguo yakarukwa, zvisinei kuti chinoshandiswei, chirwere chinoparadza chamaperembudzi; chinhu ichocho hachina kuchena.
52 And therefore it shall be burnt with fire.
Anofanira kupisa nguo yacho, kana mucheka wakarukwa wewuru kana mucheka weshinda, kana wedehwe une utachiona mauri, nokuti maperembudzi anoparadza, chinhu ichocho chinofanira kupiswa.
53 But if he see that it is not grown,
“Asi kana muprista akachiongorora, maperembudzi asina kupararira muchipfeko kana mucheka wakarukwa, kana chinhu chakagadzirwa nedehwe,
54 He shall give orders, and they shall wash that part wherein the leprosy is, and he shall shut it up other seven days.
acharayira kuti chinhu chine utachiona chisukwe. Ipapo anofanira kuchigarisa choga kwamamwe mazuva manomwe.
55 And when he shall see that the former colour is not returned, nor yet the leprosy spread, he shall judge it unclean, and shall burn it with fire, for the leprosy has taken hold of the outside of the garment, or through the whole.
Mushure mokunge chinhu chine utachiona chasukwa, muprista anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi asina kuratidza kupinduka maonekero awo, kunyange zvisina kupararira, hachina kuchena. Pisai chinhu ichocho nomoto kunyange maperembudzi akanganisa divi rimwe chete.
56 But if the place of the leprosy be somewhat dark, after the garment is washed, he shall tear it off, and divide it from that which is sound.
Kana muprista akachiongorora, maperembudzi akange aumbuka mushure mokunge chinhu chasukwa, anofanira kubvarura chidimbu chapinda utachiona kubva panguo, kana padehwe kana pamucheka wakarukwa.
57 And if after this there appear in those places that before were without spot, a flying and wandering leprosy: it must be burnt with fire.
Asi kana zvikabuda zvakare pachipfeko, kana pamucheka wakarukwa, kana pachinhu chedehwe, zviri kupararira uye chose chine maperembudzi chinofanira kupiswa nomoto.
58 If it cease, he shall wash with water the parts that are pure, the second time, and they shall be clean.
Nguo iyi, kana mucheka wakarukwa, kana chinhu chedehwe chasukwa uye chabviswa maperembudzi, chinofanira kusukwa zvakare uye chichava chakachena.”
59 This is the law touching the leprosy of any woollen or linen garment, either in the warp or woof, or any thing of skins, how it ought to be cleansed, or pronounced unclean.
Iyi ndiyo mirayiro inoenderana nokuzadzwa namaperembudzi kwechipfeko chewuru kana chomucheka, mucheka wakarukwa kana chinhu chose chedehwe kuti zvigoziviswa kuti zvakachena kana kuti hazvina kuchena.

< Leviticus 13 >