< James 1 >

1 James the servant of God, and of our Lord Jesus Christ, to the twelve tribes which are scattered abroad, greeting.
Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai.
2 My brethren, count it all joy, when you shall fall into divers temptations;
Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose,
3 Knowing that the trying of your faith worketh patience.
nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
4 And patience hath a perfect work; that you may be perfect and entire, failing in nothing.
Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.
5 But if any of you want wisdom, let him ask of God, who giveth to all men abundantly, and upbraideth not; and it shall be given him.
Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
6 But let him ask in faith, nothing wavering. For he that wavereth is like a wave of the sea, which is moved and carried about by the wind.
Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo.
7 Therefore let not that man think that he shall receive any thing of the Lord.
Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She;
8 A double minded man is inconstant in all his ways.
munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.
9 But let the brother of low condition glory in his exaltation:
Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa.
10 And the rich, in his being low; because as the flower of the grass shall he pass away.
Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango.
11 For the sun rose with a burning heat, and parched the grass, and the flower thereof fell off, and the beauty of the shape thereof perished: so also shall the rich man fade away in his ways.
Nokuti zuva rinobuda nokupisa kwakanyanya rigoomesa uswa; ruva rahwo rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake.
12 Blessed is the man that endureth temptation; for when he hath been proved, he shall receive a crown of life, which God hath promised to them that love him.
Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.
13 Let no man, when he is tempted, say that he is tempted by God. For God is not a tempter of evils, and he tempteth no man.
Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu;
14 But every man is tempted by his own concupiscence, being drawn away and allured.
asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.
15 Then when concupiscence hath conceived, it bringeth forth sin. But sin, when it is completed, begetteth death.
Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.
16 Do not err, therefore, my dearest brethren.
Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
17 Every best gift, and every perfect gift, is from above, coming down from the Father of lights, with whom there is no change, nor shadow of alteration.
Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
18 For of his own will hath he begotten us by the word of truth, that we might be some beginning of his creatures.
Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
19 You know, my dearest brethren. And let every man be swift to hear, but slow to speak, and slow to anger.
Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,
20 For the anger of man worketh not the justice of God.
nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.
21 Wherefore casting away all uncleanness, and abundance of naughtiness, with meekness receive the ingrafted word, which is able to save your souls.
Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.
22 But be ye doers of the word, and not hearers only, deceiving your own selves.
Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.
23 For if a man be a hearer of the word, and not a doer, he shall be compared to a man beholding his own countenance in a glass.
Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni
24 For he beheld himself, and went his way, and presently forgot what manner of man he was.
uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei.
25 But he that hath looked into the perfect law of liberty, and hath continued therein, not becoming a forgetful hearer, but a doer of the work; this man shall be blessed in his deed.
Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita.
26 And if any man think himself to be religious, not bridling his tongue, but deceiving his own heart, this man’s religion is vain.
Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.
27 Religion clean and undefiled before God and the Father, is this: to visit the fatherless and widows in their tribulation: and to keep one’s self unspotted from this world.
Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.

< James 1 >