< Romans 9 >

1 I say [the] truth in Christ, I lie not, my conscience bearing witness with me in [the] Holy Spirit,
Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichipupurirana neni muMweya Mutsvene,
2 that I have great grief and uninterrupted pain in my heart,
kuti ndinoshushikana kwazvo, neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.
3 for I have wished, I myself, to be a curse from the Christ for my brethren, my kinsmen, according to flesh;
Nokuti ndaishuva kuti ini ndomene nditukwe kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, verudzi rwangu panyama;
4 who are Israelites; whose [is] the adoption, and the glory, and the covenants, and the law-giving, and the service, and the promises;
vari VaIsraeri, vane kuitwa vana, nekubwinya, nesungano, nekupiwa kwemurairo, neushumiri hwaMwari, nezvivimbiso,
5 whose [are] the fathers; and of whom, as according to flesh, [is] the Christ, who is over all, God blessed for ever. Amen. (aiōn g165)
madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvese, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni. (aiōn g165)
6 Not however as though the word of God had failed; for not all [are] Israel which [are] of Israel;
Asi kwete shoko raMwari serakakundikana. Nokuti havasi vese vakabva kuna Israeri, vari VaIsraeri;
7 nor because they are seed of Abraham [are] all children: but, In Isaac shall a seed be called to thee.
kwete nokuti imbeu yaAbhurahama, vese vana; asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchadanwa mbeu yako.
8 That is, [they that are] the children of the flesh, these [are] not the children of God; but the children of the promise are reckoned as seed.
Ndiko kuti, havasi vana venyama, ivo vari vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.
9 For this word [is] of promise, According to this time I will come, and there shall be a son to Sarah.
Nokuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara achava nemwanakomana.
10 And not only [that], but Rebecca having conceived by one, Isaac our father,
Handizvo chete, asi naRibheka wakati ava nemimba neumwe, Isaka baba vedu;
11 [the children] indeed being not yet born, or having done anything good or worthless (that the purpose of God according to election might abide, not of works, but of him that calls),
nokuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa, kuti zano raMwari maererano nesananguro rigare, kwete kubva pamabasa, asi kubva kune anodana,
12 it was said to her, The greater shall serve the less:
zvakataurwa kwaari kuti: Mukuru achashumira mudiki,
13 according as it is written, I have loved Jacob, and I have hated Esau.
sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
14 What shall we say then? [Is there] unrighteousness with God? Far be the thought.
Ko zvino tichatii? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!
15 For he says to Moses, I will shew mercy to whom I will shew mercy, and I will feel compassion for whom I will feel compassion.
Nokuti anoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandine tsitsi naye, ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni.
16 So then [it is] not of him that wills, nor of him that runs, but of God that shews mercy.
Naizvozvo zvakadaro hazvisi zveanoda, kana zveanomhanya, asi zvaMwari anonzwira tsitsi.
17 For the scripture says to Pharaoh, For this very thing I have raised thee up from amongst [men], that I might thus shew in thee my power, and so that my name should be declared in all the earth.
Nokuti rugwaro rwunoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yese.
18 So then, to whom he will he shews mercy, and whom he will he hardens.
Naizvozvo zvino anonzwira tsitsi iye waanoda; uye anowomesa moyo wewaanoda.
19 Thou wilt say to me then, Why does he yet find fault? for who resists his purpose?
Zvino iwe uchati kwandiri: Iye achiri kuwanirei mhosva? Nokuti ndiani angapikisa kuda kwake?
20 Aye, but thou, O man, who art thou that answerest again to God? Shall the thing formed say to him that has formed it, Why hast thou made me thus?
Haiwa, iwe munhu ndiwe ani anokakavadza Mwari? Chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wakandiitirei sezvizvi?
21 Or has not the potter authority over the clay, out of the same lump to make one vessel to honour, and another to dishonour?
Kana muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?
22 And if God, minded to shew his wrath and to make his power known, endured with much long-suffering vessels of wrath fitted for destruction;
Uye kana Mwari achida kuratidza hasha, nekuzivisa simba rake, wakatakura nemoyo murefu kwazvo midziyo yehasha yakagadzirirwa kuparadzwa;
23 and that he might make known the riches of his glory upon vessels of mercy, which he had before prepared for glory,
uye kuti azivise fuma yekubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,
24 us, whom he has also called, not only from amongst [the] Jews, but also from amongst [the] nations?
nesu, vaakadana, yatiri isu, kusiri kuVaJudha chete, asi nekuvahedheni?
25 As he says also in Hosea, I will call not-my-people My people; and the-not-beloved Beloved.
Sezvaanorevawo muna Hosiya achiti: Ndichavaidza vanhu vangu ivo vasiri vanhu vangu; naiye wakange asingadikanwi mudikanwi;
26 And it shall be, in the place where it was said to them, Ye [are] not my people, there shall they be called Sons of [the] living God.
zvino zvichaitika kuti, panzvimbo pazvakanzi kwavari: Hamusi vanhu vangu imwi, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.
27 But Esaias cries concerning Israel, Should the number of the children of Israel be as the sand of the sea, the remnant shall be saved:
Isaya anodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
28 for [he] is bringing the matter to an end, and [cutting [it] short in righteousness; because] a cutting short of the matter will [the] Lord accomplish upon the earth.
nokuti achapedza basa nekurigurisira mukururama; nokuti Ishe achagurisira basa panyika.
29 And according as Esaias said before, Unless [the] Lord of hosts had left us a seed, we had been as Sodom, and made like even as Gomorrha.
Uye Isaya sezvaakagara areva achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa takafanana neGomora.
30 What then shall we say? That [they of the] nations, who did not follow after righteousness, have attained righteousness, but [the] righteousness that is on the principle of faith.
Ko tichatii? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, vakabata kururama, iko kururama kunobva parutendo;
31 But Israel, pursuing after a law of righteousness, has not attained to [that] law.
asi Israeri, achitsvaka murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.
32 Wherefore? Because [it was] not on the principle of faith, but as of works. They have stumbled at the stumblingstone,
Nekuda kwei? Nokuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo; nokuti vakagumburwa pabwe rekugumbura.
33 according as it is written, Behold, I place in Zion a stone of stumbling and rock of offence: and he that believes on him shall not be ashamed.
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rekugumbura nedombo rechipinganidzo; uye ani nani anotenda kwaari haanganyadziswi.

< Romans 9 >