< Psalms 135 >

1 Hallelujah! Praise the name of Jehovah; praise, ye servants of Jehovah,
Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha,
2 Ye that stand in the house of Jehovah, in the courts of the house of our God.
imi munoshumira muimba yaJehovha, muvanze dzeimba yaMwari wedu.
3 Praise ye Jah; for Jehovah is good: sing psalms unto his name; for it is pleasant.
Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka.
4 For Jah hath chosen Jacob unto himself, Israel for his own possession.
Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake, naIsraeri kuti ave pfuma yake.
5 For I know that Jehovah is great, and our Lord is above all gods.
Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose.
6 Whatsoever Jehovah pleased, he hath done in the heavens and on the earth, in the seas and all deeps;
Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.
7 Who causeth the vapours to ascend from the ends of the earth; who maketh lightnings for the rain; who bringeth the wind out of his treasuries:
Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.
8 Who smote the firstborn of Egypt, both of man and beast;
Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, matangwe avanhu neemhuka.
9 Who sent signs and miracles into the midst of thee, O Egypt, upon Pharaoh and upon all his servants;
Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako, iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose.
10 Who smote great nations, and slew mighty kings,
Akaparadza ndudzi dzakawanda uye akauraya madzimambo ane simba,
11 Sihon king of the Amorites, and Og king of Bashan, and all the kingdoms of Canaan;
Sihoni mambo weAmori, Ogi mambo weBhashani namadzimambo ose eKenani,
12 And gave their land for an inheritance, an inheritance unto Israel his people.
akapa nyika yavo kuti ive nhaka, nhaka yavanhu vake Israeri.
13 Thy name, O Jehovah, is for ever; thy memorial, O Jehovah, from generation to generation.
Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kuzvizvarwa zvose.
14 For Jehovah will judge his people, and will repent in favour of his servants.
Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.
15 The idols of the nations are silver and gold, the work of men's hands:
Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.
16 They have a mouth, and they speak not; eyes have they, and they see not;
Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;
17 They have ears, and they hear not; neither is there any breath in their mouth.
nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo.
18 They that make them are like unto them, — every one that confideth in them.
Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.
19 House of Israel, bless ye Jehovah; house of Aaron, bless ye Jehovah;
Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha; haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha;
20 House of Levi, bless ye Jehovah; ye that fear Jehovah, bless Jehovah.
Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imi vanomutya, rumbidzai Jehovha.
21 Blessed be Jehovah out of Zion, who dwelleth at Jerusalem! Hallelujah!
Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni, iye agere muJerusarema. Rumbidzai Jehovha.

< Psalms 135 >