< Proverbs 30 >

1 The words of Agur the son of Jakeh; the prophecy uttered by the man unto Ithiel, [even] unto Ithiel and Ucal:
Zvirevo zvaAguri mwanakomana waJake, shoko rake: Murume uyu akati kuna Itieri, kuna Itieri nokuna Ukari:
2 Truly I am more stupid than any one; and I have not a man's intelligence.
“Ndini munhu asingazivi zvikuru kwazvo pakati pavanhu; handina kunzwisisa kwomunhu.
3 I have neither learned wisdom, nor have I the knowledge of the Holy.
Handina kudzidza uchenjeri, uye handina ruzivo rwaiye Mutsvene.
4 Who hath ascended up into the heavens, and descended? Who hath gathered the wind in his fists? Who hath bound the waters in a mantle? Who hath established all the ends of the earth? What is his name, and what is his son's name, if thou knowest?
Ndiani akakwidza kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani akaisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake? Ndiudzei kana muchiriziva!
5 Every word of God is pure: he is a shield unto them that put their trust in him.
“Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi; iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari.
6 Add thou not unto his words, lest he reprove thee, and thou be found a liar.
Usawedzera kumashoko ake, kana kuti achakutsiura uye agokuratidza kuti uri murevi wenhema.
7 Two things do I ask of thee; deny me [them] not before I die:
“Zvinhu zviviri zvandinokumbira kwamuri, imi Jehovha, musandirambira izvi ndisati ndafa:
8 Remove far from me vanity and lies; give me neither poverty nor riches; feed me with the bread of my daily need:
Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.
9 lest I be full and deny [thee], and say, Who is Jehovah? or lest I be poor and steal, and outrage the name of my God.
Zvichida, ndingava nezvakawanda kwazvo ndikasakukudzai, uye ndikazoti, ‘Jehovha ndianiko?’ Kana kuti zvimwe ndingava murombo ndikaba, uye ndikasaremekedza zita raMwari wangu.
10 Speak not too much about a servant to his master, lest he curse thee, and thou be held guilty.
“Usareva muranda kuna tenzi wake, nokuti achakutuka, uye uchazviripira izvozvo.
11 There is a generation that curseth their father, and doth not bless their mother;
“Kuna avo vanotuka madzibaba avo uye vasingaropafadzi vanamai vavo;
12 there is a generation that are pure in their own eyes, yet are not washed from their filthiness;
vaya vanozviti vakachena pamaonero avo asi vasina kusukwa tsvina yavo;
13 there is a generation, — how lofty are their eyes, how their eyelids are lifted up!
vaya vane meso anozvikudza nguva dzose, vane matarisiro okushora;
14 — a generation whose teeth are swords, and their jaw-teeth knives, to devour the afflicted from off the earth, and the needy from [among] men.
vaya vane meno anenge minondo nameno eshaya dzavo anenge mapanga kuti vaparadze varombo panyika, navanoshayiwa kubva pakati pavanhu.
15 The leech hath two daughters: Give, give. There are three [things] never satisfied; four which say not, It is enough:
“Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’:
16 Sheol, and the barren womb; the earth which is not filled with water, and the fire which saith not, It is enough. (Sheol h7585)
guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’ (Sheol h7585)
17 The eye that mocketh at a father, and despiseth to obey a mother, the ravens of the valley shall pick it out, and the young eagles shall eat it.
“Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.
18 There are three [things] too wonderful for me, and four that I know not:
“Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:
19 The way of an eagle in the heavens, the way of a serpent upon a rock, the way of a ship in the midst of the sea, and the way of a man with a maid.
nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.
20 Such is the way of an adulterous woman: she eateth, and wipeth her mouth, and saith, I have done no wickedness.
“Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’
21 Under three [things] the earth is disquieted, and under four it cannot bear up:
“Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona:
22 Under a servant when he reigneth, and a churl when he is filled with meat;
muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji,
23 under an odious [woman] when she is married, and a handmaid when she is heir to her mistress.
mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.
24 There are four [things] little upon the earth, and they are exceeding wise:
“Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo:
25 The ants, a people not strong, yet they provide their food in the summer;
Masvosve zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:
26 the rock-badgers are but a feeble folk, yet they make their house in the cliff;
mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;
27 the locusts have no king, yet they go forth all of them by bands;
mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;
28 thou takest hold of the lizard with the hands, yet is she in kings' palaces.
dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.
29 There are three [things] which have a stately step, and four are comely in going:
“Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo;
30 The lion, mighty among beasts, which turneth not away for any;
shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho;
31 a [horse] girt in the loins; or the he-goat; and a king, against whom none can rise up.
mafambiro okuzvikudza ejongwe, nenhongo yembudzi, uye namambo akakomberedzwa navarwi vake.
32 If thou hast done foolishly in lifting up thyself, or if thou hast thought evil, [lay] the hand upon thy mouth.
“Kana uchinge waita upenzi nokuzvirumbidza pachako, kana kuti waronga zvakaipa, bata muromo wako noruoko rwako!
33 For the pressing of milk bringeth forth butter, and the pressing of the nose bringeth forth blood; and the pressing of anger bringeth forth strife.
Nokuti somukaka warozva unobudisa ruomba, uye sokudzvinyirira mhino kunobudisa ropa, nokudaro kumutsa hasha kunobudisa kukakavara.”

< Proverbs 30 >