< Matthew 24 >
1 And Jesus went forth and went away from the temple, and his disciples came to [him] to point out to him the buildings of the temple.
Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.
2 And he answering said to them, Do ye not see all these things? Verily I say to you, Not a stone shall be left here upon a stone which shall not be thrown down.
Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.
3 And as he was sitting upon the mount of Olives the disciples came to him privately, saying, Tell us, when shall these things be, and what is the sign of thy coming and [the] completion of the age? (aiōn )
Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi? (aiōn )
4 And Jesus answering said to them, See that no one mislead you.
Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai;
5 For many shall come in my name, saying, I am the Christ, and they shall mislead many.
nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.
6 But ye will hear of wars and rumours of wars. See that ye be not disturbed; for all [these things] must take place, but it is not yet the end.
Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
7 For nation shall rise up against nation, and kingdom against kingdom; and there shall be famines and pestilences, and earthquakes in divers places.
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.
8 But all these [are the] beginning of throes.
Asi zvese izvi kutanga kwemarwadzo.
9 Then shall they deliver you up to tribulation, and shall kill you; and ye will be hated of all the nations for my name's sake.
Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.
10 And then will many be offended, and will deliver one another up, and hate one another;
Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.
11 and many false prophets shall arise and shall mislead many;
Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
12 and because lawlessness shall prevail, the love of the most shall grow cold;
Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.
13 but he that has endured to the end, he shall be saved.
Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
14 And these glad tidings of the kingdom shall be preached in the whole habitable earth, for a witness to all the nations, and then shall come the end.
Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika.
15 When therefore ye shall see the abomination of desolation, which is spoken of through Daniel the prophet, standing in [what is a] holy place, (he that reads let him understand, )
Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),
16 then let those who are in Judaea flee to the mountains;
zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
17 let not him that is on the house come down to take the things out of his house;
ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;
18 and let not him that is in the field turn back to take his garment.
neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.
19 But woe to those that are with child, and those that give suck in those days.
Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!
20 But pray that your flight may not be in winter time nor on sabbath:
Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.
21 for then shall there be great tribulation, such as has not been from [the] beginning of [the] world until now, nor ever shall be;
Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.
22 and if those days had not been cut short, no flesh had been saved; but on account of the elect those days shall be cut short.
Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.
23 Then if any one say to you, Behold, here is the Christ, or here, believe [it] not.
Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.
24 For there shall arise false Christs, and false prophets, and shall give great signs and wonders, so as to mislead, if possible, even the elect.
Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa.
25 Behold, I have told you beforehand.
Tarirai, ndagara ndakuudzai.
26 If therefore they say to you, Behold, he is in the desert, go not forth; behold, [he is] in the inner chambers, do not believe [it].
Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda.
27 For as the lightning goes forth from the east and shines to the west, so shall be the coming of the Son of man.
Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.
28 [For] wherever the carcase is, there will be gathered the eagles.
Nokuti pese-pese pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.
29 But immediately after the tribulation of those days the sun shall be darkened, and the moon not give her light, and the stars shall fall from heaven, and the powers of the heavens shall be shaken.
Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.
30 And then shall appear the sign of the Son of man in heaven; and then shall all the tribes of the land lament, and they shall see the Son of man coming on the clouds of heaven with power and great glory.
Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.
31 And he shall send his angels with a great sound of trumpet, and they shall gather together his elect from the four winds, from [the one] extremity of [the] heavens to [the other] extremity of them.
Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo.
32 But learn the parable from the fig-tree: When already its branch becomes tender and produces leaves, ye know that the summer is near.
Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo.
33 Thus also ye, when ye see all these things, know that it is near, at the doors.
Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvese, zivai kuti zvava pedo pamikova.
34 Verily I say to you, This generation will not have passed away until all these things shall have taken place.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika.
35 The heaven and the earth shall pass away, but my words shall in no wise pass away.
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
36 But of that day and hour no one knows, not even the angels of the heavens, but [my] Father alone.
Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.
37 But as the days of Noe, so also shall be the coming of the Son of man.
Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
38 For as they were in the days which were before the flood, eating and drinking, marrying and giving in marriage, until the day on which Noe entered into the ark,
Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,
39 and they knew not till the flood came and took all away; thus also shall be the coming of the Son of man.
uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
40 Then two shall be in the field, one is taken and one is left;
Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
41 two [women] grinding at the mill, one is taken and one is left.
Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.
42 Watch therefore, for ye know not in what hour your Lord comes.
Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.
43 But know this, that if the master of the house had known in what watch the thief was coming, he would have watched and not have suffered his house to be dug through [into].
Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
44 Wherefore ye also, be ye ready, for in that hour that ye think not the Son of man comes.
Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.
45 Who then is the faithful and prudent bondman whom his lord has set over his household, to give them food in season?
Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira?
46 Blessed is that bondman whom his lord on coming shall find doing thus.
Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
47 Verily I say unto you, that he will set him over all his substance.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
48 But if that evil bondman should say in his heart, My lord delays to come,
Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya;
49 and begin to beat his fellow-bondmen, and eat and drink with the drunken;
ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi,
50 the lord of that bondman shall come in a day when he does not expect it, and in an hour he knows not of,
ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi,
51 and shall cut him in two and appoint his portion with the hypocrites: there shall be the weeping and the gnashing of teeth.
akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.