< Acts 27 >

1 But when it had been determined that we should sail to Italy, they delivered up Paul and certain other prisoners to a centurion, by name Julius, of Augustus' company.
Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito.
2 And going on board a ship of Adramyttium about to navigate by the places along Asia, we set sail, Aristarchus, a Macedonian of Thessalonica, being with us.
Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Aristakusi, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu.
3 And the next day we arrived at Sidon. And Julius treated Paul kindly and suffered him to go to his friends and refresh himself.
Zuva rakatevera takasvika paSidhoni; uye Juriasi akanzwira Pauro tsitsi akamutendera kuti aende kushamwari dzake kuti zvimwe vangamupa zvaaishayiwa.
4 And setting sail thence we sailed under the lee of Cyprus, because the winds were contrary.
Tichibva ipapo takaendazve kugungwa tikapfuura nezasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakanga ichitidzivisa.
5 And having sailed over the waters of Cilicia and Pamphylia we came to Myra in Lycia:
Takati tayambuka gungwa reSirisia nePamufiria, takandomira paMira muRisia.
6 and there the centurion having found a ship of Alexandria sailing to Italy, he made us go on board her.
Mukuru wezana akawana chikepe cheArekizandiria ipapo chaienda kuItari akatikwidzamo.
7 And sailing slowly for many days, and having with difficulty got abreast of Cnidus, the wind not suffering us, we sailed under the lee of Crete abreast of Salmone;
Takafamba zvishoma zvishoma mazuva mazhinji uye zvakanga zvakatiomera kusvikira paNidhasi. Sezvo mhepo yakanga ichitidzivisa kuti tifambe mugwara redu, takabva taenda nezasi kweKirete, kwakatarisana neSarimone.
8 and coasting it with difficulty we came to a certain place called Fair Havens, near to which was [the] city of Lasaea.
Takafamba nokumahombekombe tichitambudzika tikasvika panzvimbo yainzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
9 And much time having now been spent, and navigation being already dangerous, because the fast also was already past, Paul counselled them,
Takarasikirwa nenguva yakawanda kwazvo, uye kufambisa chikepe kwakanga kwava nenjodzi nokuti zvino Nguva Yokutsanya yakanga yatopfuura. Saka Pauro akavayambira akati,
10 saying, Men, I perceive that the navigation will be with disaster and much loss, not only of the cargo and the ship, but also of our lives.
“Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nenjodzi uye ruchauyisa kurasikirwa kukuru kuchikepe nokunhumbi, uyewo nokuupenyu hwedu chaihwo.”
11 But the centurion believed rather the helmsman and the shipowner than what was said by Paul.
Asi mukuru wezana, pachinzvimbo chokuti ateerere kune zvakanga zvataurwa naPauro, akatevera zano romuchairi wechikepe uye neromuridzi wechikepe.
12 And the harbour being ill adapted to winter in, the most counselled to set sail thence, if perhaps they might reach Phoenice to winter in, a port of Crete looking north-east and south-east.
Sezvo panomira chikepe pakanga pasina kunaka kuti vanhu vagarepo munguva yechando, voruzhinji vakasarudza kuti tirambe tichifamba, vachitarisira kusvika kuFonisia tigogarako panguva yechando. Iyi ndiyo yaiva nzvimbo yomuKirete yaimirira chikepe, yakatarisa kwose zasi kwakadziva kumavirira nokumusoro kwakadziva kumavirira.
13 And [the] south wind blowing gently, supposing that they had gained their object, having weighed anchor they sailed close in shore along Crete.
Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakakanga chimiso mumvura tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete.
14 But not long after there came down it a hurricane called Euroclydon.
Kusati kwambopera nguva huru, mhepo huru ine simba, yainzi “Yurakuro,” yakavhuvhuta ichibva nokuchitsuwa.
15 And the ship being caught and driven, and not able to bring her head to the wind, letting her go we were driven [before it].
Chikepe chakabatwa nedutu chikatadza kupinda nomumhepo; saka takarega zvakadaro uye tikaramba tichingosairirwa.
16 But running under the lee of a certain island called Clauda, we were with difficulty able to make ourselves masters of the boat;
Takati tapfuura nezasi kwechitsuwa chiduku chainzi Kaudha, takanga tisisagoni kuchengetedza igwa rokununura upenyu.
17 which having hoisted up, they used helps, frapping the ship; and fearing lest they should run into Syrtis and run aground, and having lowered the gear they were so driven.
Varume vakati varikwidza pamusoro pechikepe, vakapinza tambo napasi pechikepe kuti zvibate zvakasimba. Vachitya kuti vangasairirwa kujecha rokuSiritisi, vakaderedza zvimiso zvomugungwa ndokubva varega chikepe chichisairirwa.
18 But the storm being extremely violent on us, on the next day they threw cargo overboard,
Takanga tava kuvhungwa-vhungwa nedutu raiva nesimba zvokuti mangwana acho vakatanga kubudisa nhumbi muchikepe vachidzikanda mugungwa.
19 and on the third day with their own hands they cast away the ship furniture.
Pazuva retatu, vakakanda mimwe midziyo yaishandiswa muchikepe mugungwa namaoko avo.
20 And neither sun nor stars appearing for many days, and no small storm lying on us, in the end all hope of our being saved was taken away.
Zuva kana nyeredzi pazvisina kuonekwa kwamazuva mazhinji, uye dutu parakaramba richipenga, takagumisira tarasikirwa netariro yose yokuponeswa kwedu.
21 And when they had been a long while without taking food, Paul then standing up in the midst of them said, Ye ought, O men, to have hearkened to me, and not have made sail from Crete and have gained this disaster and loss.
Shure kwokunge vanhu vagara nguva refu vasina zvokudya, Pauro akamira pamberi pavo akati, “Varume, maifanira kunge makateerera zano rangu rokuti murege kubva paKirete; ipapo mungadai makazviponesa pakuparadza nokurasikirwa uku.
22 And now I exhort you to be of good courage, for there shall be no loss at all of life of [any] of you, only of the ship.
Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa.
23 For an angel of the God, whose I am and whom I serve, stood by me this night,
Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni
24 saying, Fear not, Paul; thou must stand before Caesar; and behold, God has granted to thee all those that sail with thee.
akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye nenyasha Mwari akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’
25 Wherefore be of good courage, men, for I believe God that thus it shall be, as it has been said to me.
Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza.
26 But we must be cast ashore on a certain island.
Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”
27 And when the fourteenth night was come, we being driven about in Adria, towards the middle of the night the sailors supposed that some land neared them,
Nousiku hwegumi nechina, takanga tichiri kungosundwa nemhepo tichiyambuka Gungwa reAdhiria, panenge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakaona kuti vakanga voswedera kunyika.
28 and having sounded found twenty fathoms, and having gone a little farther and having again sounded they found fifteen fathoms;
Vakashandisa zvokuyera kudzika kwemvura vakaona kuti pakanga pakadzika mamita makumi mana. Shure kwenguva pfupi, vakayerazve vakawana kuti pakanga padzika namamita makumi matatu.
29 and fearing lest we should be cast on rocky places, casting four anchors out of the stern, they wished that day were come.
Vachitya kuti vangabondera pamatombo, vakadzikisa zvimiso zvina shure, ndokunyengetera kuti dai kwaedza.
30 But the sailors wishing to flee out of the ship, and having let down the boat into the sea under pretext of being about to carry out anchors from the prow,
Vachida kuedza kutiza kubva muchikepe, vafambisi vechikepe vakaburutsa igwa rokununura upenyu ndokurikanda mugungwa, vachiita sokunge vaizodzikisa zvimiso mberi kwechikepe.
31 Paul said to the centurion and the soldiers, Unless these abide in the ship ye cannot be saved.
Ipapo Pauro akati kumukuru wezana nokuvarwi, “Kana vanhu ava vakasagara muchikepe, hamungararami.”
32 Then the soldiers cut away the ropes of the boat and let her fall.
Saka varwi vakadambura tambo dzakanga dzakabata igwa rokununura upenyu vakarirega richiwira mumvura.
33 And while it was drawing on to daylight, Paul exhorted them all to partake of food, saying, Ye have passed the fourteenth day watching in expectation without taking food.
Kwava kuda kuedza, Pauro akavakurudzira kuti vadye achiti, “Mazuva gumi namana apfuura, manga makangogara musingadyi, hamuna kutongodya kana chinhu.
34 Wherefore I exhort you to partake of food, for this has to do with your safety; for not a hair from the head of any one of you shall perish.
Zvino ndinokukurudzirai kuti mudye. Munofanira kudya kuti murarame. Hakuna mumwe pakati penyu acharasikirwa nebvudzi romusoro wake.”
35 And, having said these things and taken a loaf, he gave thanks to God before all, and having broken it began to eat.
Shure kwokutaura kwake izvozvo, akatora chingwa akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose. Ipapo akachimedura akatanga kudya.
36 And all taking courage, themselves also took food.
Vose vakakurudzirwa uye vakadya zvokudya.
37 And we were in the ship, all the souls, two hundred and seventy-six.
Tose takanga tiri mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.
38 And having satisfied themselves with food, they lightened the ship, casting out the wheat into the sea.
Vakati vadya pavaida napo, vakarerutsa chikepe nokukanda gorosi mugungwa.
39 And when it was day they did not recognise the land; but they perceived a certain bay having a strand, on which they were minded, if they should be able, to run the ship ashore;
Kunze kwakati kwaedza, havana kuziva nyika iyo, asi vakaona nzvimbo yaiva nejecha, apo pavakasarudza kuti vamise chikepe kana zvaigona.
40 and, having cast off the anchors, they left [them] in the sea, at the same time loosening the lashings of the rudders, and hoisting the foresail to the wind, they made for the strand.
Vakadambura zvimiso, vakazvisiya mugungwa uye nenguva yakare iyoyo vakadamburawo tambo dzakanga dzakasunga zvokudzoresa chikepe. Ipapo vakasimudza sairi rechikepe kumhepo kuti risairirwe panodira makungwa maviri.
41 And falling into a place where two seas met they ran the ship aground, and the prow having stuck itself fast remained unmoved, but the stern was broken by the force of the waves.
Asi chikepe chakarovera pajecha. Muromo wacho wakabatirira kwazvo uye ukasagona kubvapo, nokudaro shure kwacho kwakapwanyika kukaita zvimedu zvimedu nokuda kwokurova kwamasaisai.
42 And [the] counsel of the soldiers was that they should kill the prisoners, lest any one should swim off and escape.
Varwi vakaronga kuuraya vasungwa kuti vatadzise kana mumwe chete wavo kushambira kuti apunyuke.
43 But the centurion, desirous of saving Paul, hindered them of their purpose, and commanded those who were able to swim, casting themselves first [into the sea], to get out on land;
Asi mukuru wezana akanga achida kuponesa Pauro, akavadzivisa kuita zvavakanga varonga. Akarayira vaya vaigona kushambira kuti vashambire havo vatange kubuda muchikepe vaende kumahombekombe.
44 and the rest, some on boards, some on some of the things [that came] from the ship; and thus it came to pass that all got safe to land.
Vakasara vavo vainge vachizoyambutswa vari pamapuranga kana pazvidimbu zvechikepe. Nenzira iyi, mumwe nomumwe akasvika pavhu rakaoma zvakanaka.

< Acts 27 >