< Jeremiah 36 >
1 And it happened in the fourth year of Jehoiakim, the son of Josiah, the king of Judah: it happened that this word came to Jeremiah from the Lord, saying:
Mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, richiti,
2 “Take the volume of a book, and you shall write in it all the words that I have spoken to you against Israel and Judah, and against all the nations, from the day when I first spoke to you, from the days of Josiah, even to this day.
“Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakataura kwauri pamusoro peIsraeri, napamusoro peJudha nedzimwe ndudzi dzose kubvira panguva yandakatanga kutaura kwauri panguva yokutonga kwaJosia kusvikira iye zvino.
3 Perhaps it may be that the house of Judah, upon hearing all the evils that I have decided to do to them, may return, each one from his wicked way, and then I will forgive their iniquity and their sin.”
Zvimwe vanhu veJudha vakanzwa pamusoro penjodzi imwe neimwe yandakaronga kuisa pamusoro pavo, vangadzoka mumwe nomumwe wavo kubva pazvakaipa zvake; ipapo ndichavakanganwira zvakaipa zvavo nechivi chavo.”
4 Therefore, Jeremiah called Baruch, the son of Neriah, and Baruch wrote, from the mouth of Jeremiah, all the words of the Lord, which he had spoken to him, in the volume of a book.
Saka Jeremia akadana Bharuki mwanakomana waNeria, naJeremia, paaimuverengera mashoko ose akanga ataurwa naJehovha kwaari, Bharuki ainge achianyora murugwaro rwakapetwa.
5 And Jeremiah instructed Baruch, saying: “I am confined, and so I am unable to enter into the house of the Lord.
Ipapo Jeremia akataurira Bharuki kuti, “Ini ndakadziviswa, handigoni kuenda kutemberi yaJehovha.
6 Therefore, you shall enter and read from the volume, in which you have written from my mouth the words of the Lord, in the hearing of the people in the house of the Lord on the day of the fast. Moreover, you shall also read them in the hearing of all those of Judah who are arriving from their cities.
Saka iwe enda kuimba yaJehovha pazuva rokutsanya undoverengera vanhu mashoko aJehovha awakanyora murugwaro rwakapetwa ini ndichikutaurira. Uverengere vanhu vose veJudha vanouya vachibva kumaguta avo.
7 Perhaps it may happen that they pray in the sight of the Lord, and each one may return from his wicked way. For great is the fury and indignation that the Lord has declared against this people.”
Zvimwe vanganyengetera kuna Jehovha uye mumwe nomumwe wavo akadzoka kubva panzira dzake dzakaipa, nokuti kutsamwa nehasha dzakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava kukuru.”
8 And Baruch, the son of Neriah, acted in accord with all that Jeremiah, the prophet, had instructed him, reading from the volume the words of the Lord, in the house of the Lord.
Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose zvaakataurirwa nomuprofita Jeremia kuti aite; akaverenga mashoko aJehovha kubva murugwaro rwakapetwa, ari patemberi yaJehovha.
9 And it happened that, in the fifth year of Jehoiakim, the son of Josiah, the king of Judah, in the ninth month, they proclaimed a fast, in the sight of the Lord, to all the people in Jerusalem, and to the entire multitude which had flowed together, from the cities of Judah, into Jerusalem.
Mumwedzi wepfumbamwe wegore rechishanu raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, nguva yokutsanya pamberi paJehovha yakadanidzirwa kuvanhu vose muJerusarema navose vakanga vabva kumaguta eJudha.
10 And Baruch read from the volume the words of Jeremiah in the house of the Lord, at the treasury of Gemariah, the son of Shaphan, the scribe, in the upper vestibule, at the entrance to the new gate of the house of the Lord, in the hearing of all the people.
Bharuki akaverengera vanhu vose mashoko aJeremia aiva murugwaro rwakapetwa, ari mumba maJehovha, mukamuri raGemaria mwanakomana waShafani munyori, raiva muruvazhe rwokumusoro pamuromo weSuo Idzva retemberi yaJehovha.
11 And when Micaiah, the son of Gemariah, the son of Shaphan, had heard all the words of the Lord from the book,
Mikaya mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, akati anzwa mashoko ose aJehovha aibva murugwaro rwakapetwa,
12 he descended to the house of the king, to the treasury of the scribe. And behold, all the leaders were sitting there: Elishama, the scribe, and Delaiah, the son of Shemaiah, and Elnathan, the son of Achbor, and Gemariah, the son of Shaphan, and Zedekiah, the son of Hananiah, and all the leaders.
akaburuka akaenda kukamuri romunyori mumuzinda wamambo, makanga mugere machinda ose, aiti: Erishama munyori, Dheraya mwanakomana waShemaya, Erinatani mwanakomana waAkibhori, Gemaria mwanakomana waShafani, Zedhekia mwanakomana waHanania, nemamwe machinda ose.
13 And Micaiah announced to them all the words that he had heard when Baruch read from the volume to the ears of the people.
Mushure mokunge Mikaya avaudza zvose zvaakanga anzwa Bharuki achiverengera vanhu kubva murugwaro rwakapetwa,
14 And so, all the leaders sent Jehudi, the son of Nethaniah, the son of Shelemiah, the son of Cushi, to Baruch, saying, “Take in your hand the volume, from which you have read in the hearing of the people, and come.” Therefore, Baruch, the son of Neriah, took the volume in his hand, and he went to them.
machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetamia, mwanakomana waSheremia, mwanakomana waKushi, kundoti kuna Bharuki, “Tora rugwaro rwakapetwa rwawaverengera vanhu, ugouya kuno.” Saka Bharuki mwanakomana waNeria akaenda kwavari norugwaro rwakapetwa muruoko rwake.
15 And they said to him, “Sit and read these things in our hearing.” And Baruch read in their hearing.
Ivo vakati kwaari, “Tapota, gara pasi utiverengerewo.” Saka Bharuki akavaverengera.
16 Therefore, when they had heard all the words, each one looked at his neighbor in astonishment, and they said to Baruch: “We ought to report all these words to the king.”
Vakati vanzwa mashoko ose aya, vakatarisana vachitya ndokuti kuna Bharuki, “Tinofanira kuzivisa mashoko ose aya kuna mambo.”
17 And they questioned him, saying, “Describe to us how you wrote all these words from his mouth.”
Ipapo vakabvunza Bharuki, vakati, “Tiudze, wakanyora sei izvi zvose? Jeremia ndiye akakutaurira here?”
18 Then Baruch said to them: “He was speaking with his mouth, as if reading to me. And I wrote in a volume with ink.”
Bharuki akapindura akati, “Hongu, akanditaurira mashoko ose aya, ini ndikaanyora neingi murugwaro rwakapetwa.”
19 And the leaders said to Baruch: “Go away and hide, you and Jeremiah, and let no one know where you are.”
Ipapo machinda akati kuna Bharuki, “Iwe naJeremia endai munovanda. Ngakurege kuva nomunhu anoziva kwamunenge muri.”
20 And they entered to the king, in the court. Furthermore, they stored the volume in the treasury of Elishama, the scribe. And they announced all the words in the hearing of the king.
Vakati vaisa rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama, vakaenda kuna mambo muruvazhe ndokumuzivisa mashoko ose.
21 And the king sent Jehudi to take the volume. And bringing it from the treasury of Elishama, the scribe, he read it in the hearing of the king and of all the leaders who were standing around the king.
Mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, Jehudhi ndokurutora mukamuri yaErishama munyori ndokuverengera mambo namachinda ose akanga amire parutivi rwake.
22 Now the king was sitting in the winter house, in the ninth month. And there was a hearth placed before him, filled with burning coals.
Wakanga uri mwedzi wepfumbamwe uye mambo akanga akagara muimba yakavakirwa nguva yechando, moto uchipfuta mumbaura yaiva pamberi pake.
23 And when Jehudi had read three or four pages, he cut it with a small knife, and he threw it into the fire which was upon the hearth, until the entire volume was consumed by the fire which was upon the hearth.
Jehudhi aiti kana apedza kuverenga zvikamu zvitatu kana zvina zvorugwaro rwakapetwa, mambo aibva azvicheka nebanga ozvikanda mumbaura, kusvikira gwaro rose rapiswa mumoto.
24 And the king and all his servants, who had heard all these words, were not afraid, and they did not rend their garments.
Mambo navaranda vake vose vakanzwa mashoko aya ose havana kumboratidza kutya, kana kubvarura nguo dzavo.
25 Yet truly, Elnathan, and Delaiah, and Gemariah contradicted the king, so that he might not burn the book. But he did not listen to them.
Kunyange hazvo Erinatani, Dheraya, naGemaria vakakurudzira mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa haana kuda kuvanzwa.
26 And the king instructed Jerahmeel, the son of Amelech, and Seraiah, the son of Azriel, and Shelemiah, the son of Abdeel, so that they would apprehend Baruch, the scribe, and Jeremiah, the prophet. But the Lord concealed them.
Pachinzvimbo chezvo, mambo akarayira Jerameeri, mwanakomana wamambo, naSeraya mwanakomana waAzirieri naSheremia mwanakomana waAbhudhieri kuti asunge Bharuki munyori naJeremia muprofita. Asi Jehovha akanga avaviga.
27 And after the king had burned the volume and the words that Baruch had written from the mouth of Jeremiah, the word of the Lord came to Jeremiah, the prophet, saying:
Mambo akati apisa rugwaro rwakapetwa rwaiva namashoko akanga anyorwa naBharuki achitaurirwa naJeremia, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
28 “Again, take another volume and write in it all the former words, which were in the first volume that Jehoiakim, the king of Judah, has burned.
“Tora rumwe rugwaro rwakapetwa unyore pamusoro parwo mashoko ose akanga ari parugwaro rwokutanga rwuya rwakapiswa naJehoyakimi mambo weJudha.
29 And you shall say to Jehoiakim, the king of Judah: Thus says the Lord: You have burned that volume, saying: ‘Why have you written in it, announcing that the king of Babylon will advance quickly, and will devastate this land, and will cause both man and beast to cease from it?’
Uyezve uudze Jehoyakimi mambo weJudha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Wakapisa rugwaro rwuya uchiti, “Wakanyorerei parwuri uchiti zvirokwazvo mambo weBhabhironi achauya kuzoparadza nyika ino nokuparadza zvose vanhu nezvipfuwo?”
30 Because of this, thus says the Lord against Jehoiakim, the king of Judah: There will be, from him, no one who may sit upon the throne of David. And his dead body shall be cast out: to the heat by day, and to the frost by night.
Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro paJehoyakimi mambo weJudha: Haangawani mumwe achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; mutumbi wake uchakandwa kunze kunopisa masikati uye kune chando usiku.
31 And I will visit against him, and against his offspring, and against his servants for their iniquities. And I will lead over them, and over the inhabitants of Jerusalem, and over the men of Judah, all the evil that I have declared against them, for they have not listened.”
Ndichamuranga navana vake uye navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo navose vanogara muJerusarema navanhu veJudha njodzi imwe neimwe yandakareva pamusoro pavo, nokuti havana kuteerera.’”
32 Then Jeremiah took up another volume, and he gave it to Baruch, the son of Neriah, the scribe, who wrote in it, from the mouth of Jeremiah, all the words of the book that Jehoiakim, the king of Judah, had burned with fire. And moreover, there were many more words added than there had been before.
Saka Jeremia akatora rumwe rugwaro rwakapetwa ndokurupa kuna Bharuki munyori, mwanakomana waNeria, Bharuki ndokunyora pamusoro parwo mashoko ose orugwaro rwakanga rwapiswa naJehoyakimi, mambo weJudha, Jeremia achimutaurira. Mashoko akawanda akafanana nawo akawedzerwa.