< Ezekiel 7 >
1 And the word of the Lord came to me, saying:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2 “And as for you, son of man: Thus says the Lord God to the land of Israel: The end is coming, the end is coming, over the four regions of the earth.
“Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yeIsraeri: Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika.
3 Now the end is over you, and I will send my fury upon you. And I will judge you according to your ways. And I will place all your abominations before you.
Kuguma kwava pamusoro pako zvino uye ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako. Ndichakutonga zvakafanira tsika dzako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose.
4 And my eye will not be lenient over you, and I will not take pity. Instead, I will set your ways upon you, and your abominations will be in your midst. And you shall know that I am the Lord.”
Handizokunzwiri ngoni kana kukuponesa; zvirokwazvo ndichakutsiva zvakafanira tsika dzako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.
5 Thus says the Lord God: “One affliction, behold, one affliction is approaching.
“Zvanzi naIshe Jehovha: Njodzi! Njodzi isina kumbonzwikwa nezvayo iri kuuya!
6 The end is coming, the end is coming. It has been vigilant against you. Behold, it is approaching.
Kuguma kwasvika! Kuguma kwasvika! Kwamuka kuti kuzokurwisai. Kwauya!
7 Destruction is coming over you, who live upon the earth. The time is approaching, the day of slaughter is near, and it is not of the glory of the mountains.
Kuparadzwa kwauya pamusoro pako, iwe ugere panyika. Nguva yasvika, zuva rava pedyo; pava nokutya, kwete mufaro, pamusoro pamakomo.
8 Now, very soon, I will pour out my wrath upon you, and I will fulfill my fury in you. And I will judge you according to your ways, and I will set upon you all your crimes.
Ndava pedyo nokudurura hasha dzangu pamusoro pako ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pako; ndichakutonga zvakafanira mafambiro ako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose.
9 And my eye will not be lenient, nor will I take pity. Instead, I will place your ways upon you, and your abominations will be in your midst. And you shall know that I am the Lord, who is striking.
Handizombokunzwiri ngoni kana kukuponesa; ndichakutsiva zvakafanira mafambiro ako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndiri kukurova.
10 Behold, the day! Behold, it approaches! Destruction has gone forth, the rod has blossomed, arrogance has germinated.
“Zuva rasvika! Rauya! Kuparadzwa kwabuda, shamhu yabukira, kuzvikudza kwatumbuka!
11 Iniquity has risen up into a rod of impiety. There shall be nothing left of them, and of their people, and of the sound of them. And there shall be no rest for them.
Kuita nechisimba kwakura kukava shamhu yokuranga zvakaipa; hakuna mumwe wavanhu ava achasara, hakuna pavazhinji vavo ivavo, kana pfuma kana chinokosha.
12 The time is approaching; the day is very near. Whoever buys should not rejoice. And whoever sells should not mourn. For wrath is over all of their people.
Nguva yauya, zuva rasvika. Mutengi ngaarege kufara uye mutengesi ngaarege kusuwa, nokuti hasha dziri pamusoro pavazhinji vose.
13 For whoever sells will not return to what he has sold, but as yet their life will be among the living. For the vision concerning their entire multitude will not turn back. And man will not be strengthened in the iniquity of his life.
Mutengesi haangadzorerwi nyika yaakanga atengesa kana vose vari vaviri vachiri vapenyu, nokuti chiratidzo chakaonekwa pamusoro pavazhinji vose chichazozadziswa. Nokuda kwezvivi zvavo, hakuna kana mumwe wavo achachengetedza upenyu hwake.
14 Sound the trumpet! Let everyone be prepared! And yet there is no one who may go to battle. For my wrath is over all their people.
Kunyange vakaridza hwamanda uye vakagadzirira zvose, hapana achaenda kuhondo, nokuti hasha dzangu dziri pamusoro pavazhinji vose.
15 The sword is outside, and the pestilence and the famine are inside. Whoever is in the field will die by the sword. And whoever is in the city will be devoured by the pestilence and the famine.
“Kunze kuno munondo, mukati mune denda nenzara; vaya vari musango vachafa nomunondo, uye vari muguta vachapedzwa nenzara nedenda.
16 And those who flee from among them will be saved. And they will be among the mountains, like doves in steep valleys, with every one of them trembling, each one because of his iniquity.
Vose vanorarama vachapunyuka vachange vari mumakomo, vachirira senjiva dzomumipata, mumwe nomumwe nokuda kwezvivi zvake.
17 All hands will be weakened, and all knees will flow with water.
Ruoko rumwe norumwe ruchapera simba uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.
18 And they will wrap themselves with haircloth, and dread will cover them. And shame will be upon every face, and baldness will be upon all of their heads.
Vachafuka nguo dzamasaga uye vachafukidzwa nokutya. Zviso zvavo zvichafukidzwa nenyadzi uye misoro yavo ichaveurwa.
19 Their silver will be thrown away, and their gold will be like a dunghill. Their silver and their gold will have no power to free them in the day of the fury of the Lord. They will not satisfy their soul, and their bellies will not be filled, because of the scandal of their iniquity.
Vachakanda sirivha yavo munzira dzomumisha, uye goridhe yavo ichava chinhu chisina kuchena. Sirivha yavo negoridhe ravo hazvingavaponesi pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Hazvingapedzi nzara yavo kana kugutsa matumbu avo nazvo, nokuti ndizvo zvakavagumbusa vakapinda muchivi.
20 And they have set arrogance as the ornament of their necklaces, and they have made images of their abominations and graven idols. Because of this, I have let it be an uncleanness for them.
Vakanga vachizvikudza nokuda kwoukomba hwavo hwakanaka uye vachihushandisa kuita zvifananidzo zvinonyangadza nezviumbwa zvakaipisisa. Naizvozvo ndichashandura izvi, zvikava chinhu chine tsvina kwavari.
21 And I will give it into the hands of foreigners as a spoil, and to the impious of the earth as a prey, and they will defile it.
Ndichazvipa zvose kuvatorwa sezvinhu zvakapambwa uye sepfuma ingapambwa navakaipa venyika, uye vachazvisvibisa.
22 And I will avert my face from them, and they will violate my place of mystery. And untamed persons will enter into it, and they will defile it.
Ndichavafuratira uye vachasvibisa nzvimbo yangu inokosha; mbavha dzichapinda mairi dzigoisvibisa.
23 Cause it to be closed. For the land has been filled with the judgment of blood, and the city is full of iniquity.
“Gadzirai ngetani, nokuti nyika izere nokuteura ropa uye guta rizere nokuita nechisimba.
24 And I will lead in the most sinful among the Gentiles, and they will possess their houses. And I will cause the arrogance of the powerful to be quieted. And they will possess their sanctuaries.
Ndichauyisa vanhu vakaipisisa vendudzi kuti vavatorere dzimba dzavo; ndichaita kuti kuzvikudza kwavane simba kugume, uye nzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.
25 When anguish overwhelms them, they will seek peace, and there will be none.
Kana kutya kwauya, vachatsvaka rugare asi havangaruwani.
26 Disturbance will follow after disturbance, and rumor after rumor. And they will seek the vision of the prophet, and the law will perish from the priest, and counsel will perish from the elders.
Kuchauya njodzi pamusoro penjodzi uye guhu pamusoro peguhu. Vachaedza kutsvaka chiratidzo kumuprofita; kudzidziswa murayiro nomuprista kuchashayikwa, namazano anobva kuvakuruwo achashayikwa.
27 The king will mourn, and the prince will be clothed with grief, and the hands of the people of the earth will be greatly disturbed. I will act toward them in accord with their own way, and I will judge them in accord with their own judgments. And they shall know that I am the Lord.”
Mambo achachema, muchinda achafukidzwa nokuora mwoyo, uye maoko avanhu vomunyika achadedera. Ndichavaitira zvakafanira mafambiro avo, uye ndichavatonga nemitemo yavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”