< Deuteronomy 10 >

1 At that time the Lord said to me, Hew for thyself two stone tables as the first, and come up to me into the mountain, and thou shalt make for thyself an ark of wood.
Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti.
2 And thou shalt write upon the tables the words which were on the first tables which thou didst break, and thou shalt put them into the ark.
Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga awakaputsa. Zvino unofanira kuaisa muareka.”
3 So I made an ark of boards of incorruptible wood, and I hewed tables of stone like the first, and I went up to the mountain, and the two tables were in my hand.
Saka ndakagadzira areka ndichishandisa muti womuunga uye ndikaveza mahwendefa maviri amabwe akanga akaita seokutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri aya mumaoko angu.
4 And he wrote upon the tables according to the first writing the ten commandments, which the Lord spoke to you in the mountain out of the midst of the fire, and the Lord gave them to me.
Jehovha akanyora pamahwendefa aya zvakafanana nezvaakanga anyora pakutanga, Mirayiro Gumi yaakanga akuudzai pagomo, ari mumoto, pazuva reungano. Uye Jehovha akaipa kwandiri.
5 And I turned and came down from the mountain, and I put the tables into the ark which I had made; and there they were, as the Lord commanded me.
Ipapo ndakadzoka ndikaburuka pagomo ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndagadzira, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha, uye ndimo maari nazvino.
6 And the children of Israel departed from Beeroth of the sons of Jakim [to] Misadai: there Aaron died, and there he was buried, and Eleazar his son was priest in his stead.
(VaIsraeri vakasimuka vakabva pamatsime avaJaakani vakaenda kuMosera. Ipapo ndipo pakafira Aroni akavigwa, uye Ereazari mwanakomana wake akatora chinzvimbo chake somuprista.
7 Thence they departed to Gadgad; and from Gadgad to Etebatha, a land [wherein are] torrents of water.
Vakasimukapo vakaenda kuGudhugodha vakapfuurira kuenda kuJotibhata, nyika ine hova dzemvura.
8 At that time the Lord separated the tribe of Levi, to bear the ark of the covenant of the Lord, to stand near before the Lord, to minister and bless in his name to this day.
Panguva iyoyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, kuti vamire pamberi paJehovha vachishumira, uye kuti varopafadze vanhu muzita raJehovha, sezvavanoita nanhasi.
9 Therefore the Levites have no part nor inheritance among their brethren; the Lord himself [is] their inheritance, as he said to them.
Ndokusaka vaRevhi vasina mugove wenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.)
10 And I remained in the mount forty days and forty nights: and the Lord heard me at that time also, and the Lord would not destroy you.
Zvino ini ndakanga ndagara pagomo mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, sezvandakaita pakutanga, uye Jehovha akandinzwa panguva iyoyo zvakare. Kwakanga kusiri kuda kwake kuti akuparadzei.
11 And the Lord said to me, Go, set out before this people, and let them go in and inherit the land, which I sware to their fathers to give to them.
Jehovha akati kwandiri, “Enda, utungamirire vanhu panzira yavo, kuitira kuti vapinde uye vatore nyika yandakapikira madzibaba avo kuti ndichavapa.”
12 And now, Israel, what does the Lord thy God require of thee, but to fear the Lord thy God, and to walk in all his ways, and to love him, and to serve the Lord thy God with all thy heart, and with all thy soul;
Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, umude, uye ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose,
13 to keep the commandments of the Lord thy God, and his ordinances, all that I charge thee to-day, that it may be well with thee?
uye uchengete mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire?
14 Behold, the heaven and the heaven of heavens belong to the Lord thy God, the earth and all things that are in it.
Denga, kunyange nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako.
15 Only the Lord chose your fathers to love them, and he chose out their seed after them, [even] you, beyond all nations, as at this day.
Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, imi zvizvarwa zvavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi.
16 Therefore ye shall circumcise the hardness of your heart, and ye shall not harden your neck.
Naizvozvo, dzingisai mwoyo yenyu, uye murege kuva nemitsipa mikukutu zvakare.
17 For the Lord your God, he [is] God of gods, and the Lord of lords, the great, and strong, and terrible God, who does not accept persons, nor will he by any means accept a bribe:
Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavamwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro.
18 executing judgment for the stranger and orphan and widow, and he loves the stranger to give him food and raiment.
Anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka.
19 And ye shall love the stranger; for ye were strangers in the land of Egypt.
Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti.
20 Thou shalt fear the Lord thy God, and serve him, and shalt cleave to him, and shalt swear by his name.
Ityai Jehovha Mwari wenyu mugomushumira. Batirirai paari uye muite mhiko dzenyu muzita rake.
21 He [is] thy boast, and he [is] thy God, who has wrought in the midst of thee these great and glorious things, which thine eyes have seen.
Ndiye rumbidzo yenyu; ndiye Mwari wenyu, iye akakuitirai zvinhu zvikuru nezvishamiso zvinotyisa zviya zvamakaona nameso enyu.
22 With seventy souls your fathers went down into Egypt; but the Lord thy God has made thee as the stars of heaven in multitude.
Madzitateguru enyu akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe pamwe chete, uye zvino Jehovha Mwari wenyu akaita kuti muwande senyeredzi dzokudenga.

< Deuteronomy 10 >