< Deuteronomy 4 >
1 And now give ear, O Israel, to the laws and the decisions which I am teaching you, and do them; so that life may be yours, and you may go in and take for yourselves the land which the Lord, the God of your fathers, is giving you.
Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
2 Make no addition to the orders which I give you, and take nothing from them, but keep the orders of the Lord your God which I give you.
Musawedzera kana kutapudza kubva pane zvandinokurayirai, asi chengetai mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai.
3 Your eyes have seen what the Lord did because of Baal-peor: for destruction came from the Lord on all those among you who went after Baal-peor.
Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati penyu aitevera Bhaari Peori.
4 But you who kept faith with the Lord are living, every one of you, today.
Asi imi mose makanamatira pana Jehovha Mwari wenyu muchiri vapenyu nhasi.
5 I have been teaching you laws and decisions, as I was ordered to do by the Lord my God, so that you might keep them in the land to which you are going to take it for your heritage.
Tarirai, ndakudzidzisai mitemo nemirayiro sezvandakarayirwa naJehovha Mwari wangu, kuti muitevere munyika yamuri kupinda kuti muitore ive yenyu.
6 So keep these laws and do them; for so will your wisdom and good sense be clear in the eyes of the peoples, who hearing all these laws will say, Truly, this great nation is a wise and far-seeing people.
Muichengete zvakanaka, nokuti izvi zvicharatidza uchenjeri nokunzwisisa kwenyu kundudzi dzichanzwa pamusoro pemitemo iyi yose uye vachati, “Zvirokwazvo rudzi urwu rukuru, vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.”
7 For what great nation has a god so near to them as the Lord our God is, whenever we are turned to him in prayer?
Ndorupi rumwe rudzi rukuru runa vamwari varwo vari pedyo navo saJehovha Mwari wedu ari pedyo nesu nguva ipi neipi zvayo yatinonyengetera kwaari?
8 And what great nation has laws and decisions so right as all this law which I put before you today?
Uye ndorupiko rudzi rukuru rune mitemo nemirayiro yakarurama semirayiro iyi yandiri kuisa pamberi penyu nhasi?
9 Only take care, and keep watch on your soul, for fear that the things which your eyes have seen go from your memory and from your heart all the days of your life; but let the knowledge of them be given to your children and to your children's children;
Asi zvichenjererei, mugonyatsozvichengetedza kuitira kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nameso enyu kana kuzvirega zvichibuda mumwoyo menyu mazuva ose oupenyu hwenyu. Muzvidzidzise nokuvana venyu.
10 That day when you were waiting before the Lord your God in Horeb, and the Lord said to me, Make all the people come together, so that hearing my words they may go in fear of me all the days of their life on earth and give this teaching to their children.
Murangarire zuva ramakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhi, paakati kwandiri, “Unganidza vanhu pamberi pangu kuti vanzwe mashoko angu vagodzidza kunditya mazuva ose avachagara panyika uye kuti vagozoadzidzisa kuvana vavo.”
11 And you came near, waiting at the foot of the mountain; and flames of fire went up from the mountain to the heart of heaven, with dark clouds, and all was black as night.
Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru.
12 And the voice of the Lord came to you out of the fire: the sound of his words came to your ears but you saw no form; there was nothing but a voice.
Ipapo Jehovha akataura kwamuri ari mukati memoto. Makanzwa inzwi chete asi hamuna kuona kuti ndiani; kwaingova nenzwi roga.
13 And he gave you his agreement with you, the ten rules which you were to keep, which he put in writing on the two stones of the law.
Akataura sungano yake kwamuri, Mirayiro Gumi, yaakakurayirai kuti muitevere uye ipapo akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
14 And the Lord gave me orders at that time to make clear to you these laws and decisions, so that you might do them in the land to which you are going, and which is to be your heritage.
Zvino Jehovha akanditungamirira panguva iyo kuti ndikudzidzisei mitemo nemirayiro yamunofanira kundotevera munyika iyo yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu.
15 So keep watch on yourselves with care; for you saw no form of any sort on the day when the voice of the Lord came to you in Horeb out of the heart of the fire:
Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhi ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru,
16 So that you may not be turned to evil ways and make for yourselves an image in the form of any living thing, male or female,
kuitira kuti murege kuzvisvibisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingava chakaitwa somurume kana somukadzi,
17 Or any beast of the earth, or winged bird of the air,
kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga,
18 Or of anything which goes flat on the earth, or any fish in the water under the earth.
kana sechisikwa chipi zvacho chinofamba pasi kana hove ipi zvayo iri pasi mumvura.
19 And when your eyes are lifted up to heaven, and you see the sun and the moon and the stars, all the army of heaven, do not let yourselves be moved to give them worship, or become the servants of what the Lord has given equally to all peoples under heaven.
Uye kuti kana muchitarisa kudenga mukaona zuva, nomwedzi nenyeredzi, zvose zviri kudenga, musatsauswa kuti muzvipfugamire nokunamata zvinhu izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera ndudzi dzose dziri pasi pedenga.
20 But the Lord has taken you out of the flaming fire, out of Egypt, to be to him the people of his heritage, as you are today.
Asi kana muri imi, Jehovha akakutorai akakubudisai muchoto chamatare, akakubudisai muIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi.
21 And the Lord was angry with me because of you, and made an oath that I was not to go over Jordan into the good land which the Lord is giving you for your heritage:
Jehovha akanditsamwira nokuda kwenyu, akapika kuti handingayambuki Jorodhani nokupinda munyika yakanaka iyo munopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.
22 But death is to come to me in this land, I may not go over Jordan: but you will go over and take that good land for your heritage.
Ini ndichafira munyika ino; handichayambuki Jorodhani; asi imi mava kuzoyambuka nokutora nyika yakanaka.
23 Take care that you do not let the agreement of the Lord your God, which he has made with you, go out of your mind, or make for yourselves images of any sort, against the orders which the Lord your God has given you.
Muzvichenjerere kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakaita nemi; musazviitira chifananidzo chorudzi rwechinhu chipi zvakadziviswa naJehovha Mwari wenyu.
24 For the Lord your God is an all-burning fire, and he will not let the honour which is his be given to any other.
Nokuti Jehovha Mwari wenyu moto unoparadza, ndiMwari ane godo.
25 If, when you have had children and children's children, and have been living a long time in the land, you are turned to evil ways, and make an image of any sort, and do evil in the eyes of the Lord your God, moving him to wrath:
Mushure mokunge mava navana navazukuru uye magara nguva refu munyika, kana mukazvishatisa nokugadzira chifananidzo chorudzi rupi zvarwo, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu muchimuita kuti atsamwe,
26 May heaven and earth be my witnesses against you today, that destruction will quickly overtake you, cutting you off from that land which you are going over Jordan to take; your days will not be long in that land, but you will come to a complete end.
ndinodana denga napasi sezvapupu pamusoro penyu nhasi, kuti muchakurumidza kuparara kubva panyika yamuri kuyambukira Jorodhani kuti ive yenyu. Hamungagarimo nguva refu asi muchaparadzwa zvirokwazvo.
27 And the Lord will send you wandering among the peoples; only a small band of you will be kept from death among the nations where the Lord will send you.
Jehovha achakuparadzirai pakati pamarudzi, uye vashoma venyu chete ndivo vachapona pakati pendudzi uko kwamuchadzingirwa naJehovha.
28 There you will be the servants of gods, made by men's hands, of wood and stone, having no power of seeing or hearing or taking food or smelling.
Ikoko muchanamata vamwari vakaitwa navanhu, vamatanda navamabwe, vasingagoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza.
29 But if in those lands you are turned again to the Lord your God, searching for him with all your heart and soul, he will not keep himself from you.
Asi kana mava ikoko mukatsvaka Jehovha Mwari wenyu, muchamuwana kana mukamutsvaka nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose.
30 When you are in trouble and all these things have come on you, if, in the future, you are turned again to the Lord your God, and give ear to his voice:
Kana muchinge matambudzika uye zvinhu zvose izvi zvaitika kwamuri, ipapo pamazuva achatevera muchadzoka kuna Jehovha Mwari wenyu mugomuteerera.
31 Because the Lord your God is a God of mercy, he will not take away his help from you or let destruction overtake you, or be false to the agreement which he made by an oath with your fathers.
Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari ane ngoni, haangakusiyei kana kukuparadzai, kana kukanganwa sungano yamadzibaba enyu, yaakasimbisa kwavari nemhiko.
32 Give thought now to the days which are past, before your time, from the day when God first gave life to man on the earth, and searching from one end of heaven to the other, see if such a great thing as this has ever been, or if anything like it has been talked of in story.
Bvunzai zvino pamusoro pamazuva akapfuura kare imi musati mavapo, kubva nezuva iro Mwari akasika munhu panyika; bvunzai kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. Kune chinhu chakamboitika chakakura seichi here, kana chimwe chakafanana nacho chakambonzwika?
33 Has any people ever gone on living after hearing the voice of God out of the heart of the fire as you did?
Kune vamwe vanhu vakambonzwa inzwi raMwari achitaura ari mukati momoto here, sezvamakanzwa imi uye vakararama?
34 Has God ever before taken a nation for himself from out of another nation, by punishments and signs and wonders, by war and by a strong hand and a stretched-out arm and great acts of wonder and fear, as the Lord your God did for you in Egypt, before your very eyes?
Kune mumwe mwari here akaedza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, nezvishamiso, nehondo, noruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, kana namabasa makuru anotyisa, sezvinhu zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu pamberi penyu muIjipiti?
35 All this he let you see, so that you might be certain that the Lord is God and there is no other.
Makaratidzwa zvinhu zvose izvi kuti muzive kuti Jehovha ndiMwari; kunze kwake hakuna mumwe.
36 Out of heaven itself his voice came to you, teaching you; and on earth he let you see his great fire; and his words came to your ears out of the heart of the fire.
Kubva kudenga akaita kuti munzwe inzwi rake kuti akudzidzisei. Panyika akakuratidzai moto wake mukuru, uye makanzwa mashoko ake kubva mukati momoto.
37 And because of his love for your fathers, he took their seed and made it his, and he himself, present among you, took you out of Egypt by his great power;
Nokuti akada madzibaba enyu uye akazvitsaurira zvizvarwa zvavo zvakavatevera shure kwavo, akakubudisai muIjipiti noKuvapo kwake nesimba rake guru,
38 Driving out before you nations greater and stronger than you, to take you into their land and give it to you for your heritage, as at this day.
kuti adzinge pamberi penyu ndudzi dzinokupfuurai pakukura napasimba uye nokukuuyisai munyika yavo kuti aipe kwamuri senhaka sezvazviri nhasi.
39 So today be certain, and keep the knowledge deep in your hearts, that the Lord is God, in heaven on high and here on earth; there is no other God.
Zvizivei nokuzvichengeta mumwoyo nhasi kuti Jehovha ndiMwari ari kudenga kumusoro uye napanyika pasi. Hakunazve mumwe.
40 Then keep his laws and his orders which I give you today, so that it may be well for you and for your children after you, and that your lives may be long in the land which the Lord your God is giving you for ever.
Chengetai mitemo nemirayiro yake yandinokupai nhasi, kuitira kuti zvigokuitirai zvakanaka imi navana venyu vanokuteverai uye kuti mugogara mazuva mazhinji panyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
41 Then Moses had three towns marked out on the far side of Jordan looking to the east;
Zvino Mozisi akatsaura maguta matatu kumabvazuva mhiri kwaJorodhani,
42 To which anyone causing the death of his neighbour in error and not through hate, might go in flight; so that in one of these towns he might be kept from death:
uko ani naani anenge auraya munhu aitizira kana achinge auraya muvakidzani wake asingaiti nobwoni uye asingazvifungiri. Aigona kutizira mune rimwe ramaguta aya kuti ararame.
43 The names of the towns were Bezer in the waste land, in the table-land, for the Reubenites; and Ramoth in Gilead for the Gadites; and Golan in Bashan for Manasseh.
Maguta aya aiti: Bhezeri mudunhu rakakwirira rokurenje raiva ravaRubheni; Ramoti paGireadhi, raiva ravaGadhi; neGorani paBhashani, raiva ravaManase.
44 This is the law which Moses put before the children of Israel:
Uyu ndiwo murayiro wakaiswa naMozisi pamberi pavaIsraeri:
45 These are the rules and the laws and the decisions which Moses gave to the children of Israel after they came out of Egypt;
Izvi ndizvo zvakataurwa naMozisi, mitemo nemirayiro yaakavapa pavakabuda kubva muIjipiti
46 On the far side of Jordan, in the valley facing Beth-peor, in the land of Sihon, king of the Amorites, who was ruling in Heshbon, whom Moses and the children of Israel overcame after they had come out of Egypt:
uye vari kumabvazuva kwaJorodhani mumupata uri pedyo neBheti Peori, munyika yaSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni uyo akakundwa navaIsraeri pavakabuda muIjipiti.
47 And they took his land for a heritage, and the land of Og, king of Bashan, the two kings of the Amorites, whose lands were on the other side of Jordan to the east;
Vakatora nyika yake nenyika yaOgi mambo weBhashani, madzimambo maviri avaAmori aiva kumabvazuva kweJorodhani.
48 From Aroer on the edge of the valley of the Arnon as far as Mount Sion, which is Hermon,
Nyika iyi yaibva paAroeri pamahombekombe oMupata weArinoni kusvika pagomo reSioni (ndiro Herimoni),
49 And all the Arabah on the far side of Jordan to the east, as far as the sea of the Arabah under the slopes of Pisgah.
uye kusanganisira Arabha yose kumabvazuva kwaJorodhani, kusvikira kuGungwa reArabha, mujinga memateru ePisiga.