< Proverbs 5 >

1 My son, pay attention to my wisdom; incline your ear to my insight,
Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu, teereresa kumashoko angu oungwaru,
2 that you may maintain discretion and your lips may preserve knowledge.
kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo.
3 Though the lips of the forbidden woman drip honey and her speech is smoother than oil,
Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi, nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta;
4 in the end she is bitter as wormwood, sharp as a double-edged sword.
asi pakupedzisira anovava senduru, anopinza somunondo unocheka namativi ose.
5 Her feet go down to death; her steps lead straight to Sheol. (Sheol h7585)
Tsoka dzake dzinoenda kurufu; nhambwe dzake dzinonanga kuguva. (Sheol h7585)
6 She does not consider the path of life; she does not know that her ways are unstable.
Haafungi pamusoro penzira youpenyu; nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi.
7 So now, my sons, listen to me, and do not turn aside from the words of my mouth.
Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei; musatsauka pane zvandinotaura.
8 Keep your path far from her; do not go near the door of her house,
Fambai nenzira iri kure naye, musasvika pedyo nomusuo wemba yake,
9 lest you concede your vigor to others, and your years to one who is cruel;
kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu, uye namakore enyu kuno uyo ane utsinye,
10 lest strangers feast on your wealth, and your labors enrich the house of a foreigner.
kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu, uye kushanda kwenyu nesimba kurege kupfumisa imba yomumwe munhu.
11 At the end of your life you will groan when your flesh and your body are spent,
Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera, kana nyama nomuviri wako zvaparadzwa.
12 and you will say, “How I hated discipline, and my heart despised reproof!
Uchazoti, “Mavengero andaiita kurayirwa! Mashorero aiita mwoyo wangu kudzorwa!
13 I did not listen to the voice of my teachers or incline my ear to my mentors.
Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu, kana kunzwa varairidzi vangu.
14 I am on the brink of utter ruin in the midst of the whole assembly.”
Ndasvika pakuparara chaiko pakati peungano yose.”
15 Drink water from your own cistern, and running water from your own well.
Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera patsime rako chairo.
16 Why should your springs flow in the streets, your streams of water in the public squares?
Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara?
17 Let them be yours alone, never to be shared with strangers.
Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa.
18 May your fountain be blessed, and may you rejoice in the wife of your youth:
Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.
19 A loving doe, a graceful fawn— may her breasts satisfy you always; may you be captivated by her love forever.
Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake.
20 Why be captivated, my son, by an adulteress, or embrace the bosom of a stranger?
Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?
21 For a man’s ways are before the eyes of the LORD, and the LORD examines all his paths.
Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose.
22 The iniquities of a wicked man entrap him; the cords of his sin entangle him.
Zviito zvakaipa zvomunhu akaipa zvichamusunga; tambo dzechivi chake dzichamubata iye kwazvo.
23 He dies for lack of discipline, led astray by his own great folly.
Achafa nokuda kwokushayiwa kuzvibata kwake, atsauswa noupenzi hwake hukuru.

< Proverbs 5 >