< Matthew 9 >
1 Jesus got into a boat, crossed over, and came to His own town.
Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake.
2 Just then some men brought to Him a paralytic lying on a mat. When Jesus saw their faith, He said to the paralytic, “Take courage, son; your sins are forgiven.”
Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.”
3 On seeing this, some of the scribes said to themselves, “This man is blaspheming!”
Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!”
4 But Jesus knew what they were thinking and said, “Why do you harbor evil in your hearts?
Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu?
5 Which is easier: to say, ‘Your sins are forgiven,’ or to say, ‘Get up and walk?’
Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’?
6 But so that you may know that the Son of Man has authority on earth to forgive sins...” Then He said to the paralytic, “Get up, pick up your mat, and go home.”
Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.”
7 And the man got up and went home.
Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake.
8 When the crowds saw this, they were filled with awe and glorified God, who had given such authority to men.
Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu.
9 As Jesus went on from there, He saw a man named Matthew sitting at the tax booth. “Follow Me,” He told him, and Matthew got up and followed Him.
Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera.
10 Later, as Jesus was dining at Matthew’s house, many tax collectors and sinners came and ate with Him and His disciples.
Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake.
11 When the Pharisees saw this, they asked His disciples, “Why does your Teacher eat with tax collectors and sinners?”
VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?”
12 On hearing this, Jesus said, “It is not the healthy who need a doctor, but the sick.
Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara.
13 But go and learn what this means: ‘I desire mercy, not sacrifice.’ For I have not come to call the righteous, but sinners.”
Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
14 At that time John’s disciples came to Jesus and asked, “Why is it that we and the Pharisees fast so often, but Your disciples do not fast?”
Vadzidzi vaJohani vakauya kuzomubvunza vachiti, “Ko, sei isu navaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.”
15 Jesus replied, “How can the guests of the bridegroom mourn while He is with them? But the time will come when the bridegroom will be taken from them; then they will fast.
Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya.
16 No one sews a patch of unshrunk cloth on an old garment. For the patch will pull away from the garment, and a worse tear will result.
“Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya.
17 Neither do men pour new wine into old wineskins. If they do, the skins will burst, the wine will spill, and the wineskins will be ruined. Instead, they pour new wine into new wineskins, and both are preserved.”
Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”
18 While Jesus was saying these things, a synagogue leader came and knelt before Him. “My daughter has just died,” he said. “But come and place Your hand on her, and she will live.”
Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.”
19 So Jesus got up and went with him, along with His disciples.
Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake.
20 Suddenly a woman who had suffered from bleeding for twelve years came up behind Him and touched the fringe of His cloak.
Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake.
21 She said to herself, “If only I touch His cloak, I will be healed.”
Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.”
22 Jesus turned and saw her. “Take courage, daughter,” He said, “your faith has healed you.” And the woman was cured from that very hour.
Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
23 When Jesus entered the house of the synagogue leader, He saw the flute players and the noisy crowd.
Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere
24 “Go away,” He told them. “The girl is not dead, but asleep.” And they laughed at Him.
akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka.
25 After the crowd had been put outside, Jesus went in and took the girl by the hand, and she got up.
Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka.
26 And the news about this spread throughout that region.
Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.
27 As Jesus went on from there, two blind men followed Him, crying out, “Have mercy on us, Son of David!”
Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”
28 After Jesus had entered the house, the blind men came to Him. “Do you believe that I am able to do this?” He asked. “Yes, Lord,” they answered.
Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.”
29 Then He touched their eyes and said, “According to your faith will it be done to you.”
Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.”
30 And their eyes were opened. Jesus warned them sternly, “See that no one finds out about this!”
Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.”
31 But they went out and spread the news about Him throughout the land.
Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.
32 As they were leaving, a demon-possessed man who was mute was brought to Jesus.
Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu.
33 And when the demon had been driven out, the man began to speak. The crowds were amazed and said, “Nothing like this has ever been seen in Israel!”
Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”
34 But the Pharisees said, “It is by the prince of demons that He drives out demons.”
Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.”
35 Jesus went through all the towns and villages, teaching in their synagogues, preaching the gospel of the kingdom, and healing every disease and sickness.
Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.
36 When He saw the crowds, He was moved with compassion for them, because they were harassed and helpless, like sheep without a shepherd.
Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi.
37 Then He said to His disciples, “The harvest is plentiful, but the workers are few.
Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma.
38 Ask the Lord of the harvest, therefore, to send out workers into His harvest.”
Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”