< Joshua 24 >

1 Then Joshua assembled all the tribes of Israel at Shechem. He summoned the elders, leaders, judges, and officers of Israel, and they presented themselves before God.
Ipapo Joshua akaunganidza marudzi ose aIsraeri paShekemu. Akadana vakuru vavaIsraeri, vatungamiri, vatongi, navatariri vavo vakazviisa pamberi paMwari.
2 And Joshua said to all the people, “This is what the LORD, the God of Israel, says: ‘Long ago your fathers, including Terah the father of Abraham and Nahor, lived beyond the Euphrates and worshiped other gods.
Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kare madzitateguru enyu pamwe chete naTera, baba vaAbhurahama naNahori, vaigara mhiri kwoRwizi vachishumira vamwe vamwari.
3 But I took your father Abraham from beyond the Euphrates and led him through all the land of Canaan, and I multiplied his descendants. I gave him Isaac,
Asi ndakatora baba wenyu Abhurahama kubva kunyika iri mhiri kweRwizi ndikamufambisa munyika yose yeKenani ndikamupa vana vazhinji. Ndakamupa Isaka,
4 and to Isaac I gave Jacob and Esau. I gave Esau Mount Seir to possess, but Jacob and his sons went down to Egypt.
uye kuna Isaka ndakapa Jakobho naEsau. Ndakapa Esau nyika yezvikomo yeSeiri, asi Jakobho navanakomana vake vakaenda kuIjipiti.
5 Then I sent Moses and Aaron, and I afflicted the Egyptians by what I did there, and afterward I brought you out.
“‘Ipapo ndakatuma Mozisi naAroni uye ndakatambudza vaIjipita nezvandakaita ikoko, uye ndakakubudisai.
6 When I brought your fathers out of Egypt and you reached the Red Sea, the Egyptians pursued them with chariots and horsemen as far as the Red Sea.
Pandakabudisa madzibaba enyu muIjipiti, vakasvika pagungwa, vaIjipita vakavatevera vaine ngoro navatasvi vamabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku.
7 So your fathers cried out to the LORD, and He put darkness between you and the Egyptians, over whom He brought the sea and engulfed them. Your very eyes saw what I did to the Egyptians. Then you lived in the wilderness for a long time.
Asi ivo vakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipita; akauyisa gungwa pamusoro pavo rikavafukidza. Makaona nameso enyu chaiwo zvandakaita kuvaIjipita. Ipapo makagara murenje kwenguva refu.
8 Later, I brought you to the land of the Amorites who lived beyond the Jordan. They fought against you, but I delivered them into your hand, that you should possess their land when I destroyed them before you.
“‘Ndakauya nemi kunyika yavaAmori vaigara kumabvazuva kweJorodhani. Vakakurwisai asi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakavaparadza pamberi penyu, imi mukatora nyika yavo.
9 Then Balak son of Zippor, the king of Moab, set out to fight against Israel. He sent for Balaam son of Beor to curse you,
Zvino Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu, akati agadzirira kundorwa naIsraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori kuti akutukei.
10 but I would not listen to Balaam. So he blessed you again and again, and I delivered you from his hand.
Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo akaramba achingokuropafadzai, ini ndikakurwirai paruoko rwake.
11 After this, you crossed the Jordan and came to Jericho. The people of Jericho fought against you, as did the Amorites, Perizzites, Canaanites, Hittites, Girgashites, Hivites, and Jebusites, and I delivered them into your hand.
“‘Ipapo makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko. Vanhu veJeriko vakarwa nemi, sezvakaitawo vaAmori, vaPerizi, vaKenani, vaHiti, vaGirigashi, vaHivhi navaJebhusi, asi ndakavaisa mumaoko enyu.
12 I sent the hornet ahead of you, and it drove out the two Amorite kings before you, but not by your own sword or bow.
Ndakatuma mago pamberi penyu, iwo akavadzinga pamberi penyu, uyewo namadzimambo maviri avaAmori. Hamuna kuzviita nomunondo wenyu kana nouta hwenyu.
13 So I gave you a land on which you did not toil and cities that you did not build, and now you live in them and eat from vineyards and olive groves that you did not plant.’
Saka ndakakupai nyika yamusina kushandira namaguta amusina kuvaka; uye mugere maari uye munodya zvinobva muminda yemizambiringa nemiorivhi yamusina kusima.’
14 Now, therefore, fear the LORD and serve Him in sincerity and truth; cast aside the gods your fathers served beyond the Euphrates and in Egypt, and serve the LORD.
“Zvino ityai Jehovha uye mumushumire nokutendeka kwose. Rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu mhiri kworwizi nokuIjipiti, uye mushumire Jehovha.
15 But if it is unpleasing in your sight to serve the LORD, then choose for yourselves this day whom you will serve, whether the gods your fathers served beyond the Euphrates, or the gods of the Amorites in whose land you are living. As for me and my house, we will serve the LORD!”
Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha.”
16 The people replied, “Far be it from us to forsake the LORD to serve other gods!
Ipapo vanhu vakapindura vachiti, “Ngazvive kure nesu kuti tisiye Jehovha kuti tishumire vamwe vamwari!
17 For the LORD our God brought us and our fathers out of the land of Egypt, out of the house of slavery, and performed these great signs before our eyes. He also protected us throughout our journey and among all the nations through which we traveled.
Jehovha Mwari wedu pachake, ndiye akatibudisa isu namadzibaba edu kubva muIjipiti, nyika youranda, uye akaita zviratidzo zvikuru zvatakaona. Akatidzivirira parwendo rwedu rwose rwatakafamba pakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri.
18 And the LORD drove out before us all the nations, including the Amorites who lived in the land. We too will serve the LORD, because He is our God!”
Uye Jehovha akadzinga pamberi pedu ndudzi dzose pamwe chete navaAmori vakanga vagere munyika ino. Nesuwo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.”
19 But Joshua said to the people, “You are not able to serve the LORD, for He is a holy God; He is a jealous God; He will not forgive your rebellion or your sins.
Joshua akapindura vanhu achiti, “Hamungagoni kushumira Jehovha. NdiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo. Haangakukanganwirei kumumukira kwenyu nezvivi zvenyu.
20 If you forsake the LORD and serve foreign gods, He will turn and bring disaster on you and consume you, even after He has been good to you.”
Kana mukarasa Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye achakupindukirai agouyisa njodzi pamusoro penyu agokuparadzai.”
21 “No!” replied the people. “We will serve the LORD!”
Asi vanhu vakati kuna Joshua, “Kwete! Isu tichashumira Jehovha.”
22 Then Joshua told them, “You are witnesses against yourselves that you have chosen to serve the LORD.” “We are witnesses!” they said.
Ipapo Joshua akati, “Ndimi zvapupu zvezvamaita kuti masarudza kushumira Jehovha.” Ivo vakapindura vachiti: “Hongu, tiri zvapupu.”
23 “Now, therefore,” he said, “get rid of the foreign gods among you and incline your hearts to the LORD, the God of Israel.”
Joshua akati, “Naizvozvo rasai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere mwoyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsraeri.”
24 So the people said to Joshua, “We will serve the LORD our God and obey His voice.”
Vanhu vakati kuna Joshua, “Tichashumira Jehovha Mwari wedu, uye tichamuteerera.”
25 On that day Joshua made a covenant for the people, and there at Shechem he established for them a statute and ordinance.
Pazuva iro Joshua akaitira vanhu sungano, akavadzikira mitemo nemirayiro ipapo paShekemu.
26 Joshua recorded these things in the Book of the Law of God. Then he took a large stone and set it up there under the oak that was near the sanctuary of the LORD.
Joshua akanyora mashoko aya mubhuku romurayiro waMwari. Ipapo akatora ibwe guru akariisa pasi pomuouki, pedyo nenzvimbo tsvene yaJehovha.
27 And Joshua said to all the people, “You see this stone. It will be a witness against us, for it has heard all the words the LORD has spoken to us, and it will be a witness against you if you ever deny your God.”
Akati kuvanhu vose, “Tarirai! Ibwe iri richava chapupu pamusoro pedu. Ranzwa mashoko ose ataurwa naJehovha kwatiri. Richava chapupu pamusoro penyu kana musina kutendeka kuna Mwari wenyu.”
28 Then Joshua sent the people away, each to his own inheritance.
Ipapo Joshua akaendesa vanhu, mumwe nomumwe kunhaka yake.
29 Some time later, Joshua son of Nun, the servant of the LORD, died at the age of 110.
Mushure mezvinhu izvi Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi.
30 And they buried him in the land of his inheritance, at Timnath-serah in the hill country of Ephraim, north of Mount Gaash.
Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTimunati Sera, munyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kweGomo reGaashi.
31 Israel had served the LORD throughout the days of Joshua and of the elders who outlived him and who had experienced all the works that the LORD had done for Israel.
VaIsraeri vakashumira Jehovha nguva dzose dzoupenyu hwaJoshua, uye napamazuva ose avakuru vakasara vari vapenyu Joshua afa, avo vakaona zvinhu zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha.
32 And the bones of Joseph, which the Israelites had brought up out of Egypt, were buried at Shechem in the plot of land that Jacob had purchased from the sons of Hamor, Shechem’s father, for a hundred pieces of silver. So it became an inheritance for Joseph’s descendants.
Mapfupa aJosefa, ayo akanga auyiwa nawo navana vaIsraeri kubva kuIjipiti, akavigwa paShekemu, munzvimbo yakanga yatengwa naJakobho kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari yesirivha. Iyi yakava nhaka yezvizvarwa zvaJosefa.
33 Eleazar son of Aaron also died, and they buried him at Gibeah, which had been given to his son Phinehas in the hill country of Ephraim.
Uye Ereazari mwanakomana waAroni akafa, akavigwa paGibhea munzvimbo yakanga yapiwa mwanakomana wake Finehasi, munyika yamakomo yaEfuremu.

< Joshua 24 >