< John 21 >

1 Later, by the Sea of Tiberias, Jesus again revealed Himself to the disciples. He made Himself known in this way:
Shure kwezvinhu izvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi pagungwa reTibheriasi; uye wakazviratidza sezvizvi:
2 Simon Peter, Thomas called Didymus, Nathanael from Cana in Galilee, the sons of Zebedee, and two other disciples were together.
Vaiva pamwe Simoni Petro, naTomasi anonzi Dhidhimo, naNatanieri waibva Kana yeGarirea, nevanakomana vaZebhedhi, nevamwe vaviri vevadzidzi vake.
3 Simon Peter told them, “I am going fishing.” “We will go with you,” they said. So they went out and got into the boat, but caught nothing that night.
Simoni Petro akati kwavari: Ndoenda kunobata hove. Vakati kwaari: Nesu toenda newe. Vakabuda ndokupinda muchikepe pakarepo, asi usiku uhwo havana kubata chinhu.
4 Early in the morning, Jesus stood on the shore, but the disciples did not recognize that it was Jesus.
Zvino kwakati kwatova mambakwedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu.
5 So He called out to them, “Children, do you have any fish?” “No,” they answered.
Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Vana vadiki, mune chero usavi here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.
6 He told them, “Cast the net on the right side of the boat, and you will find some.” So they cast it there, and they were unable to haul it in because of the great number of fish.
Ndokuti kwavari: Kandai mumbure kurutivi rwerudyi rwechikepe, uye muchawana. Naizvozvo vakakanda, zvino vakasazogonazve kuukweva nekuwanda kwehove.
7 Then the disciple whom Jesus loved said to Peter, “It is the Lord!” As soon as Simon Peter heard that it was the Lord, he put on his outer garment (for he had removed it) and jumped into the sea.
Naizvozvo mudzidzi uya Jesu waaida wakati kuna Petro: NdiIshe. Ipapo Simoni Petro anzwa kuti ndiIshe, wakamonera nguvo yake yekunze (nokuti wakange akashama), akazviwisira mugungwa.
8 The other disciples came ashore in the boat. They dragged in the net full of fish, for they were not far from land, only about a hundred yards.
Asi vamwe vadzidzi vakauya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure une hove, nokuti vakange vasiri kure nenyika, asi mbimbi dzinenge mazana maviri.
9 When they landed, they saw a charcoal fire there with fish on it, and some bread.
Zvino vakati vachisvika panyika, vakaona moto wemazimbe wakaiswapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.
10 Jesus told them, “Bring some of the fish you have just caught.”
Jesu akati kwavari: Uisai dzimwe dzehove dzamabata ikozvino.
11 So Simon Peter went aboard and dragged the net ashore. It was full of large fish, 153, but even with so many, the net was not torn.
Simoni Petro akakwira, akakwevera mumbure panyika, uzere nehove huru, zana nemakumi mashanu nenhatu; uye kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka.
12 “Come, have breakfast,” Jesus said to them. None of the disciples dared to ask Him, “Who are You?” They knew it was the Lord.
Jesu akati kwavari: Uyai mudye. Asi hakuna kuvadzidzi wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimwi ani imwi? vachiziva kuti ndiIshe.
13 Jesus came and took the bread and gave it to them, and He did the same with the fish.
Naizvozvo Jesu wakauya, ndokutora chingwa, akavapa, nehove saizvozvo.
14 This was now the third time that Jesus appeared to the disciples after He was raised from the dead.
Urwu rwatova rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amutswa kubva kuvakafa.
15 When they had finished eating, Jesus asked Simon Peter, “Simon son of John, do you love Me more than these?” “Yes, Lord,” he answered, “You know I love You.” Jesus replied, “Feed My lambs.”
Zvino vakati vadya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni waJona, unondida kupfuura ava here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Chedza makwayana angu.
16 Jesus asked a second time, “Simon son of John, do you love Me?” “Yes, Lord,” he answered, “You know I love You.” Jesus told him, “Shepherd My sheep.”
Akati kwaarizve rwechipiri: Simoni waJona, unondida here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwai angu.
17 Jesus asked a third time, “Simon son of John, do you love Me?” Peter was deeply hurt that Jesus had asked him a third time, “Do you love Me?” “Lord, You know all things,” he replied. “You know I love You.” Jesus said to him, “Feed My sheep.
Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona, unondida here? Petro akarwadziwa nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvese; imwi munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chedza makwai angu.
18 Truly, truly, I tell you, when you were young, you dressed yourself and walked where you wanted; but when you are old, you will stretch out your hands, and someone else will dress you and lead you where you do not want to go.”
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Pawaiva mudiki, waizvisunga bhande, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatandavadza maoko ako, uye umwe achakusunga bhande, achikuisa kwausingadi.
19 Jesus said this to indicate the kind of death by which Peter would glorify God. And after He had said this, He told him, “Follow Me.”
Wakareva izvi, achiratidza kuti mafiro rudzii aaizokudza Mwari nawo. Zvino wakati areva izvi, akati kwaari: Nditevere.
20 Peter turned and saw the disciple whom Jesus loved following them. He was the one who had leaned back against Jesus at the supper to ask, “Lord, who is going to betray You?”
Petro achitendeuka wakaona mudzidzi Jesu waaida achitevera, ndiyewo wakazendamira pachifuva chake pachirairo, akati: Ishe, ndiani achakutengesai?
21 When Peter saw him, he asked, “Lord, what about him?”
Petro wakati achimuona akati kuna Jesu: Ishe, ko uyu?
22 Jesus answered, “If I want him to remain until I return, what is that to you? You follow Me!”
Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo? Nditevere iwe.
23 Because of this, the rumor spread among the brothers that this disciple would not die. However, Jesus did not say that he would not die, but only, “If I want him to remain until I return, what is that to you?”
Zvino shoko iri rakabudira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haazofi; asi wakati: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo?
24 This is the disciple who testifies to these things and who has written them down. And we know that his testimony is true.
Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvezvinhu izvi, nekunyora zvinhu izvi; uye tinoziva kuti uchapupu hwake ichokwadi.
25 There are many more things that Jesus did. If all of them were written down, I suppose that not even the world itself would have space for the books that would be written.
Uyewo zvimwe zvizhinji zviriko Jesu zvaakaita; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinofunga kuti kunyange nyika pachayo haizaiva nenzvimbo yemabhuku anganyorwa. Amen.

< John 21 >